Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 4


Chikamu 4

Zvakazarurwa zvakapiwa kuburikidza nekuna Joseph Smith Muporofita zvichipihwa kuna baba vake, Joseph Smith, Baba, paHarmony, Pennsylvania, muna Kukadzi 1829 (History of the Church, 1:28).

1–4, Kusatya pakushanda kunoponesa vashumiri vaIshe; 5–6, Kuita kwehumwari kunoita kuti vakodzere hushumiri; 7, Zvinhu zvaMwari zvinofanira kutsvagwa.

1 Zvino tarisai, basa rinoshamisa rave kuda kuuya pakati pevana vevanhu.

2 Naizvozvo, imi munopinda mubasa raMwari, onai kuti mamushandira nemwoyo yenyu yose, nokugwinya, nepfungwa, uye nesimba, kuti mumire musina mhaka pamberi paMwari pazuva rokupedzisira.

3 Naizvozvo, kana muine chido chekushandira Mwari, munodaidzwa kubasa;

4 Nokuti tarisai munda wachena wave kuda kukohwewa uye onai; uyo anoisa jeko rake nokugwinya, iyeyo anochengetedza zvekuti asafe, asi anounza ruponeso kumweya wake;

5 Uye rutendo, tariro, rudo rwakadzama nerudo, neziso rakatarisana bedzi kukubwinya kwaMwari, kunomuita kuti akwanise basa.

6 Rangarira rutendo, tsika, ruzivo, kuzvidzora, mwoyo murefu, tsitsi kunevamwe, umwari, rudo rwakadzama, kuzvirereka, kushingaira.

7 Kumbira, uye uchagashira; gogodza, uye richazarurirwa kwauri. Ameni.