Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 43


Chikamu 43

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, muna Kukadzi 1831 (History of the Church, 1:154–156). Panguva iyi dzimwe nhengo dzeChechi dzakanga dzichikanganiswa nevanhu vaitaura zvenhema vachiti vazaruri. Muporofita akabvunza kuna Ishe uye vakatambira mazwi aya akanga akanangana nemagosa eChechi. Chidimu chekutanga chinobata nezve nyaya dzematongerwo eChechi; chechipiri chinopa yambiro yekuti magosa anofanira kupa kumarudzi enyika.

1–7, Zvakazarurwa nemirairo zvinouya chete kuburikidza neuyo akadomwa; 8–14, Vatendi vanotsveneswa kuburikidza nokufamba muutsvene hwose pamberi paIshe; 15–22, Magosa anotumwa kuti anodaidzira kutendeuka uye nokugadzirisa vanhu kuzuva guru raIshe; 23–28, Ishe vanodaidza vanhu nezwi ravo uye nokuburikidza nemasimba enyika; 29–35, Mereniamu nekusungwa kwaSatani zvichauya.

1 Tererai, imi magosa echechi yangu, uye mupe nzeve kumazwi andichataura kwamuri.

2 Nokuti tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kuti magashira murairo uchave mutemo muchechi yangu, kuburikidza naiye uyo wandakakudomerai kuti agashire mirairo nezvakazarurwa kubva muruoko rwangu.

3 Uye izvi muchazviziva zvechokwadi—kuti hakuna mumwezve wamakadomerwa kuti agashire mirairo nezvakazarurwa kudakara atorwa, kana ari anogara mandiri.

4 Asi zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hakuna mumwezve achadomwa kuchipo ichi kunze kwekunge zvaitwa kuburikidza naiye; nokuti kana chikabviswa kwaari haazowana simba kunze kwekutodoma mumwe panzvimbo yake.

5 Uye izvi zvichave mutemo kwamuri, kuti hamuzogashira dzidziso yaani zvake achauya pamberi penyu sezvakazarurwa kana semurairo;

6 Uye izvi ndinokupai kuti musazonyengedzwa, kuti mugoziva kuti havasi vekwangu.

7 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti uyo akagadzwa neni achapinda nepasuwo uye ozogadzwa sekukutaurirai kwandaita kare, kuzodzidzisa izvo zvakazarurwa zvamakagashira uye zvamuchagashira kuburikidza naiye wandakadoma.

8 Uye zvino tarisai, ndinokupai murairo, kuti kana maungana pamwechete muchadzidzisana nekusimudzirana, kuti mugoziva zvekuita nekutungamira chechi yangu, zvekuita pamusoro pemitemo nemirairo yangu, iyo yandakapa.

9 Uye muchave makadzidziswa mumutemo wechechi yangu, uye mugocheneswa neicho chamagashira, uye muchazvisunga mega kuti mushande neutsvene hwose pamberi pangu—

10 Kuti kana muri munoita izvi, kubwinya kuchapamhidzirwa paumambo hwamakagashira. Kana musiri kuzviita, zvichabviswa, kunyangwe neichocho chamakagashira.

11 Bvisai kutadza kuri mukati menyu; zvichenesei pamberi pangu;

12 Uye kana muchida kubwinya kweumambo, domai muranda wangu Joseph Smith, Mwana, uye momutsigira pamberi pangu nemunamato werutendo.

13 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, kana muchida zvakavanzika zveumambo, mupei zvekudya nezvipfeko, kana nechose zvacho chaanoda kuti aite basa randakamuraira;

14 Uye mukasazviita acharamba ari kune avo vakamugashira, kuti ini ndizvichengetere vanhu vakachena pamberi pangu.

15 Zvakare ndinoti, teererai imi magosa echechi yangu, imi vandakasarudza: Hamuna kutumirwa kuti muzodzidziswa, asi kuti mudzidzise vana vevanhu zvinhu zvandakaisa mumaoko enyu nesimba reMweya wangu;

16 Uye muchadzidziswa kubva kumusoro. Zvichenesei, uye muchava munopihwa simba, kuti mugopa kunyangwe sekutaura kwandakaita.

17 Teerai imi, nokuti tarisai, zuva guru raIshe rave pedyo.

18 Nokuti zuva riri kuuya rekuti Ishe vachataura izwi ravo richibva kudenga; matenga achazunguzika uye nyika ichadedera, uye hwamanda yaMwari icharira kwenguva refu neruzha, uye vachati kumarudzi akarara: Imi vatsvene mukai murarame; imi vatadzi garayi uye murare kudakara ndadzoka zvakare.

19 Nokudaro sungira nguwo dzako muchiuno potse mungawanikwe muri mukati mavakaipa.

20 Simudzai mazwi enyu musanyarare. Daidzirai kumarudzi kuti atendeuke, vose vakuru nevadiki, vose vakasungwa nevakasununguka, muchiti: Zvigadzirirei kuitira zuva guru raIshe;

21 Nokuti kana ini, anove munhu, ndichisimudza izwi uye ndichikudaidzai kuti mutendeuke, uye imi mondivenga, muchazoti chii kana zuva rauya apo mabhanan’ana achataura mazwi aya kubva kumagumo enyika, achitaura kunzeve dzeavo vose vapenyu, achiti—Tendeukai, uye mugadzirire zuva guru raIshe?

22 Hongu, uye zvakare, kana mheni dzopenya kubva kumabvazuva dzichienda kumadokero, uye dzichitaura mazwi adzo kune vose vapenyu, uye dzichiita kuti dzose nzeve dzisekenyedzeke dzeavo vari kunzwa, dzichitaura mazwi aya—Tendeukai imi, nokuti zuva guru raIshe rauya?

23 Uye zvakare, Ishe vachataura izwi ravo richibva kudenga, achiti, Teererai imi marudzi enyika, uye munzwe mashoko eavo Mwari vakakusikai.

24 Imi marudzi enyika, kangani kandingadai ndakakuunganidzai pamwechete sehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pemapiro ayo, asi imi mairamba!

25 Kangani ndichikudaidzai nemiromo yevaranda vangu, uye nokushumira kwengirozi, uye nezwi rangu pachangu, uye nezwi remabhanan’ana, uye nezwi remheni, uye nezwi remadutu, uye nezwi rekundengendeka kwenyika, uye nemvura huru ine zvimvuramabwe, uye nezwi renzara uye nezvirwere zvemarudzi ose, uye nekuridzwa kukuru kwehwamanda, uye nezwi rekutonga, uye nezwi retsitsi muswere wose wezuva, uye nezwi rekubwinya nerukudzo uye neupfumi hweupenyu hwokusingaperi, uye ndingadai ndakakuponesai neruponeso rwusingaperi, asi hamuna kuda!

26 Tarisai, zuva rauya, apo mukombe wehasha dzangu nekushatirwa kwangu wazara.

27 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti aya mazwi aIshe Mwari venyu.

28 Nokudaro, shandai imi, shandai imi mumunda wangu wemuzambiringa kwenguva yekupedzisira—kwenguva yekupedzisira daidzirai vagari vepasi.

29 Nokuti mukusvika kwenguva yangu ndichauya pasi munyika mukutonga, uye vanhu vangu vachadzikinurwa uye vagotonga neni panyika.

30 Nokuti Mereniamu huru iyo yataurwa nemiromo yevaranda vangu, ichauya.

31 Nokuti Satani achasungwa, uye paachazosunungurwa zvakare achazotonga kwemwaka mudiki, uye kobva kwauya kuguma kwenyika.

32 Uye uyo anogara mukururama achashandurwa mukubwaira kweziso, uye nyika ichapfuura sekupiswa nemoto.

33 Uye vakaipa vachaenda mumoto usingadzimike, uye magumo avo hapana munhu anoziva munyika, kana achazoziva nariini, kudakara vauya kwandiri mukutongwa.

34 Teererai imi kumazwi aya. Tarisai, ndini Jesu Kristu, Muponesi wenyika. Koshesai zvinhu izvi mumwoyo yenyu, uye morega kuera kwekusingaperi kugare mupfungwa dzenyu.

35 Ivai makadzikama. Chengetai mirairo yangu yose. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.