Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 5


Chikamu 5

Zvakazarurwa zvakapiwa nekuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paHarmony, Pennsylvania, Kurume, 1829, zvakumbirwa naMartin Harris (History of the Church, 1:28–31).

1–10, Chizvarwa chino chichagashira izwi raIshe kuburikidza naJoseph Smith; 11–18, Vapupuri vatatu vachapupura nezveBhuku raMormoni; 19–20, Izwi raIshe richasimbiswa semunguva dzakapfuura; 21–35, Martin Harris angangotendeuka uye akave mumwe wevapupuri.

1 Tarisai, ndinoti kwauri, kuti sezvo muranda wangu Martin Harris ada uchapupu kubva muruoko rwangu, kuti iwe, muranda wangu Joseph Smith, Mwana, unemahwendefa ayo awakapupura nezvawo uye ukapupura kuti wakazvitambira kwandiri;

2 Uye zvino tarisai, izvi ndizvo zvauchataura kwaari—iyeyo akataura kwauri, akati kwauri: Ini Ishe, ndini Mwari, uye ndakapa kwauri zvinhu izvi muranda wangu Joseph Smith, Mwana, uye ndikakuraira kuti wakafanira kumira semupupuriri wezvinhu izvi;

3 Uye ndikakuita kuti upinde muchibvumirano neni, kuti usazviratidze kunze kweavo vanhu vandakakuraira; uye hauna simba pamusoro pazvo kunze kwekunge ndaripa kwauri.

4 Uye unechipo chekududzira mahwendefa; uye ichi ndicho chipo chekutanga chandakaisa pauri; uye ndakakuraira kuti hakuna chimwezve chipo chaungagambire dakara basa rangu razadzikiswa muzvinhu izvi; nokuti handizokupa chimwe chipo kudakara zvapera.

5 Zvirokwazvo, ndinoti kwauri, dambudziko richauya kuvagari vepasi kana vasingateerere kumazwi angu;

6 Nokuti mushure mezvizvi uchagadzwa uye woenda uye ugopa mazwi angu kuvana vevanhu.

7 Tarisai, kana vakasatenda mazwi angu, havangatende iwe, muranda wangu Joseph, kunyange dai zvichikwanisika kuti uvaratidze zvose zvinhu izvi zvandaisa kwauri.

8 Chizvarwa chevasingatende ichi uye chakaoma mutsipa—hasha dzangu dzabatidzwa kwavari.

9 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwauri, ndachengetedza zvinhu izvo zvandakaisa mumaoko ako, muranda wangu Joseph, nechinangwa cheungwaru mandiri, uye zvichaziviswa zvizvarwa zvichauya;

10 Asi chizvarwa chino chichawana izwi rangu kuburikidza newe;

11 Uye pamusoro peuchapupu hwako, uchapupu hwevaranda vangu vatatu, avo vandichadaidza ndigogadza, kwavari ndicharatidza zvinhu izvi, uye vachaenda nemazwi angu anopihwa kuburikidza newe.

12 Hongu, vachaziva zvechokwadi kuti zvinhu izvi ndezvechokwadi, nokuti kubva kudenga, ndichazvitaura kwavari.

13 Ndichavapa simba kuti vagone kuona nokutarisa zvinhu izvi sezvazviri;

14 Uye hakuna mumwezve wandichapa simba iri, kuti vatambire uchapupu humwechetehwo pakati pechizvarwa chino, mukutanga kuno nokusimuka uye nokuuya kwechechi yangu kubva murenje rakajeka semwedzi—uye nekunaka sezuva, uye nokutyisa semauto anemireza.

15 Uye uchapupu hwevapupuri vatatu ndinohutumira nezwi rangu.

16 Uye tarisai, aninani zvake anotenda mumazwi angu, ivavo ndivo vandichashanyira nokuratidza Mweya wangu; uye vachazvarwa neni, kunyangwe nemvura uye neMweya—

17 Uye iwe wakafanira kumbomira kwechinguvana, nokuti hausati wagadzwa

18 Uye uchapupu hwavo huchaendawo mukutongwa kwechizvarwa chino kana vakaomesa mwoyo yavo kwavari;

19 Nokuti shamhu inoparadza ichaenda pakati pevagari vepasi, uye icharamba ichidirwa nguva nenguva, kana vakasatendeuka, kudakara nyika isisina chinhu, uye vagari vacho vapedzwa uye vaparadzwa zvachose nekupenya kwekuuya kwangu.

20 Tarisai, ndinokutaurira zvinhu izvi, kunyangwe sekutaurira kwandakaitawo vanhu nezvekuparadzwa kweJerusarema; uye izwi rangu richasimbiswa panguva iyoyi sekusimbiswa kwarakamboita kare.

21 Uye zvino ndinokuraira, muranda wangu Joseph, kuti utendeuke uye ufambe wakatwasanuka pamberi pangu, uye nokusatevedza kunyengetedzwa nevanhu zvakare;

22 Uye nokuti ushinge mukuchengetedza mirairo iyo yandakakuraira iwe; uye kana ukaita izvi, tarisai ndinokupa iwe upenyu hwokusingaperi, kunyangwe kana ukaurawa.

23 Iyezvino, zvakare, ndinotaura kwauri, muranda wangu Joseph, maererano nemurume arikuda uchapupu—

24 Tarisai, ndinoti kwaari, anozvikudza uye asingazvininipise zvakakwana pamberi pangu; asi kana akakotama pamberi pangu, uye akazvininipisa mumunamato wakasimba nerutendo, muchokwadi chemwoyo wake, ndipo pandichamubvumira kuona zvinhu zvaanoda kuona.

25 Uye zvino achazoti kuvanhu vechizvarwa chino: Tarisai ndakaona zvinhu izvo zvakaratidzwa naIshe kuna Joseph Smith, Mwana, uye ndinoziva zvechokwadi kuti ndezvechokwadi, nokuti ndakazviona, nokuti zvakaratidzwa kwandiri nesimba raMwari uye kwete remunhu.

26 Uye ini Ishe ndamuraira iye, muranda wangu Martin Harris, kuti asataurezve zvimwe kwavari maererano nezvinhu izvi, kunze kwekuti ati: Ndakazviona, zvakaratidzwa kwandiri nesimba raMwari; aya ndiwo mazwi aachataura.

27 Asi akaramba izvi anenge atyora chibvumirano icho chaakabvumirana neni kare, uye tarisai, atotongwa.

28 Uye zvino, kunze kwekunge azvininipisa uye nokubvuma kwandiri zvinhu zvaakaita zvakaipa, uye agobvumirana neni kuti achachengetedza mirairo yangu, uye nokuve nerutendo mandiri, tarisai, ndinoti kwaari, haazomboona zvinhu zvakadaro, nokuti handimupe mukana wekuona zvinhu zvandataura nezvazvo.

29 Uye kana izvi zviri izvo, ndinokuraira iwe, muranda wangu Joseph, kuti uchati kwaari, kuti haachaita zvimwe, kana kundinetsa zvakare maererano nenyaya iyi.

30 Kana izvi zviri izvo, tarisai, ndinoti kwauri Joseph, kana wadudzira mamwe mapeji mashoma, uchambomira kwechinguva, kunyangwe kudakara ndakutaurira zvakare; ipapo wozotanga kududzira zvakare.

31 Uye kunze kwekunge waita izvi, tarisai, hauchazove nechipo zvakare, uye ndichatora zvinhu zvandaisa mauri.

32 Uye zvino pamusana pekuti ndiri kufanoona kuhwandirwa kuti uparadzwe, hongu, ndiri kufanoona kuti kana muranda wangu Martin Harris akasazvininipisa uye agogashira uchapupu kubva muruoko rwangu, kuti achawira mukutadza;

33 Uye kune vazhinji vakahwandira kukuparadza kubva pameso penyika; uye nechikonzero ichi, kuti mazuva ako apamhidzirwe, ndakakupa mirairo iyi.

34 Hongu, nechikonzero ichi ndataura kuti: Mira, uye umire wakadaro dakara ndakuraira, uye ndichakupa zvinoita kuti ukwanise kupedza chinhu icho chandakakuraira.

35 Uye kana wakatendeka mukuchengeta mirairo yangu, uchasimudzirwa pazuva rekupedzisira. Ameni.