Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 19


Chikamu 19

Zvakazarurwa zvakapihwa nekuburikidza naJoseph Smith, paManchester, New York, Kurume, 1830 (History of the Church, 1:72–74). Munhoroondo yake, Muporofita akazvisuma “semurairo waMwari kwete wemunhu, kuna Martin Harris, wakapihwa naiye Vokusingaperi,” (History of the Church, 1:72).

1–3, Kristu ane simba rose; 4–5, Vose vanhu vanofanira kutendeuka kana kutambudzika; 6–12, Kurangwa kwokusingaperi kuranga kwaMwari; 13–20, Kristu akatambudzikira vose, kuti vasazotambudzika kana vari vatendeuka; 21–28, Paridzai vhangeri rekutendeuka; 29–41, Taurai nhau dzinofadza.

1 Ndini Arfa naOmega, Kristu Ishe; hongu, kunyangwe ini ndini iye, wekutanga nowekupedzisira, Mununuri wenyika.

2 Ini ndaita uye ndapedza kuda kweuyo wandiri wake, kunyangwe Baba, maererano neni—ndazviita izvi kuti ndiise pasi pangu zvinhu zvose—

3 Kuti ndive nesimba rose, kunyange mukuparadzwa kwaSatani nemabasa ake pakuguma kwenyika, uye nezuva guru rekupedzisira rekutongwa, kwandichaita kuvagari vemo, ndichatonga wose munhu maererano nemabasa ake nezviito zvaakaita.

4 Chokwadi munhu wose anofanira kutendeuka kana kuti achatambudzika, nokuti ini Mwari, handina magumo.

5 Nokudaro, handizobvisa kutonga kwandinenge ndaita, asi matambudziko achapararira mberi, kuchema, kuwungudza nekugeda-geda kwemeno, hongu, kune avo vanowanikwa vari kuruoko rwangu rweruboshwe.

6 Zvisinei, hazvina kunyorwa kuti kutambudzika uku hakuzopera asi zvakanyorwa kuti, kutambudzika kusingaperi.

7 Zvakare, zvakanyorwa kuti kuraswa kwokusingaperi; nokudaro zvakanyatsojeka kupfuura mamwe magwaro matsvene, kuti zvingangoshanda mumwoyo yevana vevanhu, zvose pamwechete kuitira kurumbidzwa kwezita rangu.

8 Nokudaro, ndichatsanangura kwauri chakavandika ichi, nokuti zvakafanira kwauri kuti uzive kunyangwe sevaapositori vangu.

9 Ndinotaura kwamuri makasarudzwa muchinhu ichi, kunyangwe sevamwechete, kuti mugopinda muzororo rangu.

10 Nokuti tarisai, kuvandika kwehumwari, kukuru sei! Nokuti, tarisa, handina magumo, uye kuranga kunopihwa kubva muruoko rwangu kuranga kusina magumo, nokuti Chisina magumo ndiro zita rangu. Nokudaro—

11 Kuranga kwokusingaperi kuranga kwaMwari.

12 Kuranga kusinamagumo kuranga kwaMwari.

13 Nokudaro, ndinokuraira kuti utendeuke, uye uchengete mirairo iyo yawakagashidzwa neruoko rwemuranda wangu Joseph Smith, Mwana, muzita rangu.

14 Uye kuburikidza nesimba rangu guru kuti iwe wazvigashira;

15 Nokudaro ndinokuraira kuti utendeuke—tendeuka, nokuti ndingakurove netsvimbo yemuromo wangu, uye nehasha dzangu, uye nokushatirwa kwangu, uye kutambudzika kwako kugorwadza—kuti zvinenge zvichirwadza sei hauzive, kuti zvakakura sei hauzive, hongu, kuti zvakaoma sei kuzvitakura hauzive.

16 Nokuti tarisai, Ini Mwari, ndakatambudzikira vose zvinhu izvi, kuti vasatambudzike kana vakatendeuka;

17 Asi kana vakasatendeuka vakafanira kutambudzika kunyangwe sezvandakaita ini;

18 Kuri kutambudzika kwakandikonzera ini, kana Mwari, mukuru kune vose, kuti ndidedere pamusana pekurwadziwa, uye nokubuda ropa muburi rose remuviri uye nokutambudzika mumuviri nemumweya—uye ndikanzwa kuti dai zvaiita kuti ndisanwe mukombe unovava, uye ndidududze—

19 Zvisinei, kubwinya ngakuve kuna Baba, uye ndakanwa ndikapedzisa kugadzirira kwangu kuvana vevanhu.

20 Nokudaro ndinokuraira zvakare kuti utendeuke, potse ndingangokuninipisa nesimba rangu guru, uye kuti ureurure zvitadzo zvako, potse uchatambura nekurangwa uku kwandakataura, iko kudikidiki chaizvo, hongu, kunyangwe muchidumbu chidiki wakachiraira mukachidimbu makachiraira panguva yandakabvisa Mweya wangu.

21 Uye ndinokuraira kuti hauna chaunoparidza kunze kwekutendeuka, uye usaratidze zvinhu izvi kunyika kudakara ndazvibvumira.

22 Nokuti havangakwanise nyama iyezvino, asi mukaka vanofanira kugashira; nokudaro, havafanire kuziva zvinhu izvi, nokuti vangafe.

23 Dzidza kubva kwandiri, uye woteerera kumazwi angu; famba uri muhunyoro hweMweya wangu, uye uchawana runyararo mandiri.

24 Ndini Jesu Kristu; ndakauya nekuda kwaBaba, uye ndinoita kuda kwavo.

25 Uye zvakare, ndinokuraira kuti usachive mukadzi wemuvakidzani wako; kana kutsvaga upenyu hwemuvakidzani wako.

26 Zvakare, ndinokuraira kuti usachive zvinhu zvako, asi zvipe wakasununguka kunodhindisa Bhuku raMormoni, iro rine chokwadi nezwi raMwari.

27 Riri iro izwi rangu kumuJentairi, kuti nechinguvana richaenda kumuJuda, maRamani vari vevamwe vavo vakasara, kuti vagotenda vhangeri uye vagorega kutsvaka Mesia achauya iye akatouya kare.

28 Zvakare ndinokuraira kuti uchanamata uchidaidzira uye nokunamatawo nechemumwoyo mako, hongu, pamberi penyika, uye nemuruvande; paruzhinji uye nepako wega.

29 Uye uchataura nhau dzinofadza, hongu, uchizvishambadza uri mumakomo, uye nepanzvimbo yose yakakwirira, uye nemuvanhu vose vauchabvumirwa kuona.

30 Uye izvi uchazviita nekuzvityora kose, uchivimba neni, usingatuke vatuki.

31 Pamusoro pemitemo hapana chaunotaura, asi uchataura kutendeuka uye nerutendo muna Muponesi, uye nokuregererwa kwezvitadzo nokubhabhatidzwa, uye nemoto, hongu, kunyangwe Mweya Mutsvene.

32 Tarisai, uyu ndiwo murairo mukuru uye wekupedzisira uyo wandichakupa maererano nenyaya iyi; nokuti izvi zvichakwanirana nekufamba kwako kwemazuva ose, kunyangwe kusvika mukuguma kweupenyu hwako.

33 Uye kusuwa ndiko kwauchagashira kana mukashora mirairo iyi, hongu, kunyangwe kuparadzwa kwako pachako nekwezvinhu zvako.

34 Gova chikamu chezvinhu zvako, hongu, kunyangwe chidimbu cheminda yako, uye zvose kunze kwezvekuriritira mhuri yako.

35 Ripa chikwereti chauinacho kumudhindi. Zvisunungure kubva pahusungwa.

36 Siya imba yako nemusha, kunze kwekunge wavekuda kunoona mhuri yako;

37 Uye taura wakasununguka kune vose; hongu, paridza, nyengetedza, taura chokwadi, kunyangwe nezwi guru uye neruzha rwekufara, uchishevedzera—Hosana, hosana, ngariropafadzwe zita raIshe Mwari!

38 Namata nguva dzose, uye ini ndichadira Mweya wangu pauri, uye maropafadzo ako achave makuru—hongu, kunyangwe kupfuura zvekunge wawana upfumi hwepasi pano uye nokuora kwahwo.

39 Tarisai ungaverenge izvi here usingafare uye nokusimudza mwoyo wako nokufara?

40 Kana kuti uchagona kuramba uchimhanya here semutungamiri asingaone?

41 Kana kuti ungave wakazvininipisa here urimunyoro, uye nokuzvibata zvakachenjera pamberi pangu? Hongu, uya kwandiri ini Muponesi wako. Ameni.