Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 35


Chikamu 35

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita naSidney Rigdon pa, kana pedyo neFayette, New York muna Zvita 1830 (History of the Church, 1:128–131). Panguva iyi, Muporofita akanga akabatikana zvingangove mazuva ose mukududzira Bhaibheri. Kududzira uku kwakatangwa muna Chikumi 1830, uye vose Oliver Cowdery naJohn Whitmer vakanga vashanda sevanyori. Sezvo zvino vakanga vadaidzwa kune mamwe mabasa, Sidney Rigdon akadaidzwa nokusarudzwa kutsvene kuti ashande semunyori weMuporofita mubasa iri (ona vhesi 20). Sechisumo kuzvinyorwa zvake zvechakazarurwa chino, Muporofita akanyora: “Muna Zvita Sidney Rigdon akauya [kubva kuOhio] kuzobvunza kuna Ishe, uye akauya naEdward Partridge … Chinguva chipfupi kubva mukusvika kwehama mbiri idzi, ndipo pakataura Ishe” (History of the Church, 1:128).

1–2, Vanhu vangavesei vana vaMwari; 3–7, Sidney Rigdon anodaidzwa kuti abhabhatidze uye nekupa Mweya Mutsvene; 8–12, Zviratidzo nezvishamiso zvinounzwa nerutendo; 13–16, Varanda vaIshe vachapura marudzi nesimba reMweya; 17–19, Joseph Smith ane makiyi ezvakavanzika, 20–21, Vakasarudzwa vachamirira zuva rekuuya kwaIshe; 22–27, Israeri ichaponeswa.

1 Teererai kuizwi raIshe Mwari venyu, kana Arfa naOmega, kutanga nekupedzisira, uyo ane nzira yake yokusingaperi inogara yakadaro, mumwechete nhasi sazuro, uye nokusingaperi.

2 Ndini Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, akarovererwa pamusana pezvitadzo zvenyika kunyangwe avo vose vachatenda muzita rangu, kuti vave vanakomana vaMwari, kunyangwe mumwechete ari mandiri sezvo ini ndiri mumwechete munaBaba, sezvo Baba vari mumwechete mandiri, kuti tive vamwechete.

3 Tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kumuranda wangu Sidney, ndakutarisa uye nebasa rako. Ndanzwa minamato yako, uye ndikakugadzirira basa rakakurisisa.

4 Wakaropafadzwa, nokuti uchaita zvinhu zvikuru. Tarisai iwe wakatumirwa, kunyangwe saJohane, kugadzira nzira mberi kwangu, uye nemberi kwaErija uyo anofanira kuuya, uye iwe wanga usingazvizive.

5 Wakabhabhatidza nemvura mukutendeuka, asi havana kugashira Mweya Mutsvene;

6 Asi zvino ndinopa kwauri murairo, kuti uchabhabhatidza nemvura, uye vachagashira Mweya Mutsvene nekuiswa maoko, kunyangwe sevaapositori vekare.

7 Uye zvichaitika kuti kuchave nebasa guru munyika, kunyangwe pakati pemaJentairi, nokuti hurema hwavo nekunyangadza kwavo kuchaiswa pachena mumaziso avanhu vose.

8 Nokuti ndiri Mwari, uye ruoko rwangu haruna kupfupiswa; uye ndicharatidza zvishamiso, zviratidzo nezvishamiso kune vose avo vanotenda muzita rangu.

9 Uye ani zvake achakumbira muzita rangu murutendo, vachabvisa dhiabhorosi; vacharapa vanorwara; vachaita kuti mapofu atambire kuona kwawo, uye matsi kuti dzinzwe, uye mbeveve kuti dzitaure, vakaremara kuti vafambe.

10 Uye nguva iri kusvika nokukurumidza yekuti zvinhu zvikuru zviratidzwe kuvana vevanhu;

11 Asi pasina rutendo hapana chinoratidzwa kunze kwekuparadzwa pamusoro peBabironi, imwecheteyo iyo yakaita kuti ose marudzi anwe waini yehasha dzeupombwe hwayo.

12 Uye hakuna mumwechete ari kuita zvakanaka kunze kweavo vagadzirira kutambira kuzara kwevhangeri rangu, iro randakatumira kuchizvarwa chino.

13 Nokudaro, ndinodaidza vasina kusimba venyika, avo vasina kudzidza uye vanoshorwa, kuti vapure marudzi nesimba reMweya wangu.

14 Uye ruoko rwavo rwuchave ruoko rwangu, uye ndichave nhowo yavo nechikopereso chavo; uye ndichasunga zviuno zvavo, uye vacharwa pachirume kuitira ini, uye vavengi vavo vachave pasi petsoka dzavo; uye ndicharegerera munondo kuitira ivo nemoto wehasha dzangu ndichavadzivirira.

15 Uye varombo nevakazvirereka vachave nevhangeri richiparidzirwa kwavari, uye vachange vachitarisira kunguva yekuuya kwangu, nokuti yave pedyo

16 Uye vachadzidza rungano rwemufananidzo wemuti wemukuyu, nokuti kunyangwe iye zvino zhizha rave pedyo.

17 Uye ndatumira kuzara kwevhangeri rangu neruoko rwemuranda wangu Joseph; uye mukusasimba ndakamuropafadza iye;

18 Uye ndapa kwaari makiyi ezvakavandika zvezvinhu izvo zvakazarirwa, kunyangwe zvinhu zvakanga zviripo kubvira pahwaro hwenyika, nezvinhu zvichauya kubvira panguva ino kusvika panguva yekuuya kwangu, kana akararama mandiri, uye kana zvisina kudaro, ndichadyara mumwe panzvimbo yake.

19 Nokudaro, mutarise kuti kutenda kwake kusakundikane, uye zvichapihwa neMunyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo unoziva zvose zvinhu.

20 Uye murairo ndinopa kwauri—kuti iwe uchamunyorera; uye magwaro matsvene achapihwa, kunyangwe sezvaakaita muchipfuva changu, kuitira kuponeswa kwevakasarudzwa vangu.

21 Nokuti vachanzwa izwi rangu, uye vagondiona, uye havazokotsira, uye vachamirira zuva rekuuya kwangu, nokuti vachacheneswa, kunyangwe sekuchena kwandakaita ini.

22 Uye zvino ndinoti kwauri, gara naye, uye achafamba newe; usamusiye kwete, uye chokwadi zvinhu izvi zvichazadzikiswa.

23 Uye sezvo usingazonyora, tarisai, zvichapihwa kwaari kuti aporofite; uye iwe uchaparidza vhangeri rangu uye uchadaidzira kuvaporofita matsvene vakare kuti vatsigire mazwi ake, semapirwo zvichange zvachiitwa kwaari.

24 Chengeta yose mirairo nezvibvumirano zvamakasungwa nazvo; uye ndichaita kuti matenga azunguzikire iwe mukukunakirai, uye, Satani achadedera uye Zioni ichafara pamusoro pezvikomo uye nokubudirira;

25 Uye Israeri achaponeswa munguva yangu ini; uye nemakiyi ayo andapa vachatungamirwa, uye vasingazokundwa.

26 Simudzai mwoyo yenyu uye mufare, kununurwa kwenyu kwave kusvika pedyo.

27 Musatye, imi kadanga kemakwai, umambo ndehwenyu kudakara ndauya. Tarisai, ndinouya nekukurumidza. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.