Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 45


Chikamu 45

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuChechi, paKirtland, Ohio, 7 Kurume 1831 (History of the Church, 1:158–163). Achisuma zvinyorwa zvezvakazarurwa izvi, Muporofita akati “panguva iyoyi yeChechi … zvizhinji zvenhema … uye nenyaya dzisina maturo, dzakange dzashambadzwa … dzikatumirwa, … kuitira kudzivirira vanhu kuti vasaongorore basa iri, kana kugashira chitendero …. Asi kumufaro weVatendi, … ndakagashira zvinotevera” (History of the Church, 1:158).

1–5, Kristu ndiye mureveri wedu kuna Baba; 6–10, Vhangeri mutumwa wekugadzira nzira pamberi paIshe; 11–15, Enoki nehama dzake vakagashirwa naIshe kwavari; 16–23, Kristu akaratidza zviratidzo zvekuuya kwake sekupihwa kwazvakaitwa paGomo reMiorivhi; 24–38, Vhangeri richadzorerwa pakare, nguva dzeMaJentairi dzichazadzikiswa, uye chirwere chinoparadza chichazara panyika; 39–47, Zviratidzo, zvishamiso, uye nekumuka kuvakafa zvichavepo paKuuya Kwechipiri; 48–53, Kristu achamira paGomo reMiorivhi, uye maJuda achaona maronda ake ari mumaoko ake nekutsoka; 54–59, Ishe vachatonga munguva yeMereniamu; 60–62, Muporofita anoudzwa kuti atange kududzira Testamente Itsva, kuburikidza nayo zvimwe zvinokosha zvichaziviswa; 63–75, Vatendi vanoudzwa kuti vaungane uye kuti vavake Jerusarema Idzva, uko kuchaenda vanhu vemarudzi ose.

1 Teererai, imi vanhu vechechi yangu, iyo yakapihwa umambo; teererai imi uye mupe nzeve kuna iye akaisa hwaro hwenyika, uyo akaita matenga uye nemhomo dzirimo, uye zvinhu zvose zvakaitwa naiye zvipenyu zvinofamba, uye zvine chimiro.

2 Uye zvakare ndinoti, teererai kuzwi rangu, kuti musawanikidzwe nerufu; munguva yamusingafungire, zhizha rinenge rapfuura, uye kukohwa kwapera, uye mweya yenyu isina kuponeswa.

3 Teererai kwaari anove ndiye murevereri kuna Baba, ari kukukumbirirai pamberi pavo—

4 Achiti: Baba, tarisai kutambudzika nerufu rwake kweuyo asina kuita chitadzo, wamakafara kwazvo naye; tarisai ropa reMwanakomana wenyu iro rakadeurwa, ropa reuyo wamakapa kuti imi mugorumbidzwa;

5 Nokudaro, Baba, regererai idzi hama dzangu idzo dzinotenda muzita rangu, kuti dzigouya kwandiri uye dziwane upenyu hwusingaperi.

6 Teererai, imi vanhu vechechi yangu, uye nemi magosa teererai pamwechete, uye munzwe izwi rangu achirikunzi nhasi, uye musaomese mwoyo yenyu;

7 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri ndini Arfa naOmega, mavambo namagumo, chiedza neupenyu hwenyika—chiedza chinopenya murima uye rima racho harichinzwisise.

8 Ndakauya kune vekwangu, uye vekwangu havana kundigashira; asi kune vakawanda vakandigashira ndakavapa simba rekuti vaite zvishamiso zvizhinji, uye nekuti vave vanakomana vaMwari; uye kunyangwe kune avo vakatenda kuzita rangu ndakavapa simba rekuti vawane upenyu hwokusingaperi.

9 Uye kunyangwe naizvozvo ndakatumira chibvumirano changu chisingaperi munyika, kuti chive chiedza kunyika, uye kuti chive rupawo rwevanhu vangu, uye kuti maJentairi vachitsvake kwachiri, uye nokuve mutumwa pamberi pechiso changu kugadzirira nzira pamberi pangu.

10 Nokudaro, uyai imi kwachiri, uye kune uyo achauya ndichataura naye sezvaiitwa nevanhu mumazuva akare, uye ndinokuratidzai kusimba kwekufunga kwangu.

11 Nokudaro, teererai imi pamwechete uye murege ndikuratidzei kunyangwe huchenjeri hwangu—huchenjeri hweuyo wamunoti ndiMwari vaEnoki, uye nehama dzake,

12 Avo vakapatsanurwa kubva munyika, uye vakagashirwa kwandiri—guta rakachengetedzwa kudakara zuva rekururama rauya—zuva raitsvagwa nevose varume vatsvene, uye havana kuriwana pamusana pehuipi nezvinyangadzo;

13 Uye vakareurura kuti vatorwa nevanamati pano panyika;

14 Asi vakawana chivimbiso chekuti vachariona uye vagoriwana munyama yavo.

15 Nokudaro, teererai ndigotaurirana nemi, uye ndigotaura kwamuri uye nokuporofita, sezvaiitwa nevanhu vekare.

16 Uye ndichazviratidza pachena sekuratidza kwandakariita kuvadzidzi vangu zvandakange ndimire pamberi pavo munyama, uye ndichitaura kwavari, ndichiti: Sezvo mandikumbira pamusana pezviratidzo zvekuuya kwangu, muzuva iro randichauya mukubwinya kwangu mumakore edenga, kuzadzikisa zvivimbiso zvandakaita kumadzibaba enyu,

17 Sezvo makatarisa kushaikwa kwemweya yenyu kwenguva refu isiri mumuviri yenyu, sehusungwa, ndichakuratidzai kuti richauya sei zuva rerununuro, uyewo nekudzorerwa pakare kweIsraeri yakapararira.

18 Uye zvino imi munoona temberi iyi iri muJerusarema, iyo yamunodaidza kuti imba yaMwari, uye vavengi venyu vanoti izvo imba iyi haife yakapunzika.

19 Asi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuparadzwa kuchauya pachizvarwa chino sembavha husiku, uye vanhu ava vachaparadzwa uye vagopararira mumarudzi ose.

20 Uye iyi temberi yamuri kuona zvino ichapunzirwa pasi zvekuti hapana dombo richasara riri pamusoro perimwe.

21 Uye zvichaitika, kuti chizvarwa chino chemaJuda hachizopfuura kudakara kuparadzwa kwose kwandakutaurirai maererano navo kwapfuura.

22 Munoti munoziva kuti kuguma kwenyika kuri kuuya; munotiwo zvakare imi munoziva kuti matenga nenyika zvichapfuura;

23 Uye muneizvi munotaura chokwadi, nokuti ndizvo zvazviri; asi zvinhu zvandakutaurirai hazvizopfuura kudakara zvose zvazadzikiswa.

24 Uye izvi ndakutaurirai maererano neJerusarema; uye apo pachauya iroro zuva, chidimu chakasara chichaparadzirwa mukati memarudzi;

25 Asi vachaunganidzwa zvakare; asi vachagara vakadaro kudakara nguva yemaJentairi yazadzikiswa.

26 Uye muzuva iroro muchanzwikwa zvehondo uye nerunyerekupe rwehondo, uye pasi rose richave nyonga-nyonga, uye mwoyo yevanhu ichavakurira, uye vachati Kristu ari kunonoka kuuya kwake kudakara kuguma kwenyika.

27 Uye rudo rwevanhu rwuchagwamba kutonhora, uye huipi huchawanda.

28 Uye kana nguva yemaJentairi yapinda chiedza chichaita pakati pavo avo vagere murima, uye chichave kuzara kwevhangeri rangu;

29 Asi havarigashire; nokuti havaone chiedza, uye vanobvisa mwoyo yavo kwandiri pamusana pemirairo yevanhu.

30 Uye muchizvarwa ichocho nguva yemaJentairi ichazadzikiswa.

31 Uye kuchave kuine varume vakamira muchizvarwa ichocho, vasisazopfuure kudakara vaona shamhu huruhuru; nokuti chirwere chinoparadza chichafukidza nyika.

32 Asi vadzidzi vangu vachamira munzvimbo tsvene, uye vasingazobva; asi pakati pevakaipa, vanhu vachasimudza mazwi avo uye votuka Mwari vobva vafa.

33 Uye kuchave nekundengendeka kwenyika zvakare munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye nokuparadzwa kwakawanda; zvakadaro vanhu vachaomesa mwoyo yavo kwandiri, uye vachatora munondo, vachirwisana, uye vachaurayana.

34 Uye zvino, apo ini Ishe ndakange ndabva kutaura mazwi aya kuvadzidzi vangu, vakanetsekana.

35 Uye ndakati kwavari: Musanetseke, nokuti, pachaitika zvose zvinhu izvi, muchazoziva kuti zvivimbiso zvakaitwa kwamuri zvichazadzikiswa.

36 Uye chiedza pachichatanga kuuya, zvichaita kwavari serungano rwemufananidzo uyu wandichakuratidzai—

37 Munotarisa mugoona miti yemikuyu, uye munoiona nemaziso enyu, uye munoti kana yave kutanga kupfumvura, uye mashizha ayo achiri matete, munoti zvino zhizha rave pedyo;

38 Kunyangwe saizvozvo ndizvo zvazvichange zvakaita muzuva iro ravachaona zvinhu zvose izvi, ndipo pavachaziva kuti nguva yave pedyo.

39 Uye zvichaitika kuti uyo anonditya achatarisira kuti zuva guru raIshe riuye, kunyangwe zviratidzo zvekuuya kweMwanakomana weMunhu.

40 Uye vachaona zviratidzo nezvishamiso, nokuti zvicharatidzwa kumatenga kumusoro, uye nemunyika pasi.

41 Uye vachaona ropa, nemoto, uye nemhute yehutsi.

42 Uye zuva raIshe risati rauya, zuva richasvibiswa, uye mwedzi uchapindurwa kuita ropa, uye nyenyedzi dzichadonha kubva kudenga.

43 Uye vakasara vachaunganidzwa panzvimbo ino;

44 Uye ipapo vachanditsvaka, tarisai, ndichauya; uye vachandiona ndiri mumakore edenga, ndakashongedzwa simba uye nokubwinya kukuru; nengirozi dzose tsvene; uye asingazonditarisiri achadimburwa.

45 Asi ruoko rwaIshe rwusati rwawa, ngirozi icharidza hwamanda yayo, uye vatsvene vange vakarara vachauya kuzosangana neni mumakore.

46 Nokudaro, kana mange makarara murunyararo makaropafadzwa imi; nokuti sekundiona kwamuri kuita iye zvino uye nokuziva kuti ndini, kunyangwe saizvozvo muchauya kwandiri uye mweya yenyu ichararama, uye kununurwa kwenyu kuchakwaniswa; uye vatsvene vachauya kubva kumativi mana epasi.

47 Ipapo ruoko rwaIshe rwuchawira pamusoro pemarudzi.

48 Uye zvino Ishe vachaisa tsoka yavo pagomo rino, uye richatsemuka nepakati, uye nyika ichadedera, uye igovheya, uye kana matenga achazunguzukawo.

49 Uye Ishe vachataura izwi ravo, uye kumiganhu kwose kwenyika richanzwika; uye marudzi epasi achachema, uye avo vaiseka vachaona kukanganisa kwavo.

50 Uye nhamo ichaputira nyakushora, uye mutuki achaparadzwa; uye vakagarira kuipa vachatemwa vachikandwa mumoto.

51 Uye ipapo maJuda vachatarisa pandiri uye voti: Ko maronda aya ari mumaoko uye nemutsoka dzako ndeei?

52 Ipapo ndipo pavachaziva kuti ndini Ishe; nokuti ndichati kwavari: Maronda aya ndiwo maronda andakakuvadzwa nawo ndiri mumba meshamwari dzangu. Ndini iye akasimudzwa. Ndini Jesu akarovererwa. Ndini Mwanakomana waMwari.

53 Uye ipapo ndipo pavachachema nokuda kwekuipa kwavo; zvino ndipo pavachakungura nokuti vakatambudza mambo wavo.

54 Uye ndopachanunurwa marudzi evahedheni, uye avo vakanga vasingazive mutemo vachawana mukana mukumuka kuvakafa kwekutanga; uye zvichave zvirinani kwavari.

55 Uye Satani achasungwa, zvekuti haazowane nzvimbo mumwoyo yevana vevanhu.

56 Uye muzuva iroro randichauya ndiri mukubwinya kwangu, ndimo muchazadzikiswa rungano rwemufananidzo urwo rwandakataura pamusoro pemhandara dzine gumi.

57 Nokuti avo vakangwara uye vakagashira chokwadi, uye vakatora Mweya Mutsvene kuti uvatungamire, uye vasati vanyengedzwa—zvirokwazvo ndinoti kwamuri, havazotemwa uye vachikandwa mumoto, asi kuti vachagara muzuva iroro.

58 Uye nyika ichapihwa kwavari senhaka; uye vachapamhidzirwa uye vagowanda zvikuru, uye vana vachakura vasina chitadzo kuruponeso.

59 Nokuti Ishe vachave pakati pavo, uye kubwinya kwavo kuchave pavari, uye anenge ari mambo wavo uye nemupi wemutemo wavo.

60 Uye zvino tarisai, ndinoti kwamuri, hazvichapihwa kwamuri kuti muzive zvinopfuura izvi pamusoro pechitsauko chino, kudakara Testamente Itsva yadudzirwa, uye mairi zvose zvinhu izvi zvichaitwa kuti zvizivikanwe;

61 Nokudaro ndinopa kwamuri kuti zvino muchiidudzira, kuti mugadzirire zvinhu zvichauya.

62 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvinhu zvikuru zvakakumirirai;

63 Munonzwa nezvehondo munyika dzevatorwa; asi tarisai, ndinoti kwamuri, dziri pedyo, kunyangwe pamisiwo yenyu, uye kusina makore mazhinji kubvira zvino muchanzwa nezvehondo munyika menyu.

64 Nokudaro ini Ishe, ndakataura kuti unganai muchibva kunyika dziri kumabvazuva, unganidzanai imi pamwechete imi magosa echechi yangu; endai kunyika dzekumadokero, daidzirai kuvagari vemo kuti vatendeuke, maererano nokutendeuka kwavanenge vaita vakai machechi kwandiri.

65 Uye nemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete, unganidzai upfumi hwenyu kuti mugotenga nhaka iyo yamuchapihwa pashure.

66 Uye ichazodaidzwa kunzi Jerusarema Idzva, nyika yerunyararo, guta rekupotera, nzvimbo isina chekutya yevatsvene vaMwari wePamusoro-soro;

67 Uye kubwinya kwaIshe kuchavepo, uye nokutyisa kwaIshe naikowo kuchavepo, zvekuti vakaipa havazouya kwairi, uye ichadaidzwa kunzi Zioni.

68 Uye zvichaitika pakati pevakaipa, kuti wose munhu asingazotora munondo wake kurwisa muvakidzani wake anotofanira kutizira kuZioni kuti apone.

69 Uye kuchaungana mairi vanobva kurudzi rwose rwose rwuri pasi pedenga; uye vachave vanhu chete vanenge vasina hondo pakati pavo.

70 Uye zvichanzi pakati pevakaipa: Ngatiregei kunorwa neZioni, nokuti vagari veMuZioni vanotyisa; nokudaro hatingamire.

71 Uye zvichaitika kuti vakarurama vachaunganidzwa vachibva mukati memarudzi ose, uye vachiuya kuZioni, vachiimba nziyo dzerufaro kusingaperi.

72 Uye zvino ndinoti kwamuri, chengetai zvinhu izvi kuti zvisapararire munyika kudakara zvafanira kwandiri, kuti mugoita basa iri pamberi pevanhu, uye nemumaziso evavengi venyu, kuti varege kuziva mabasa enyu kudakara maita icho chinhu chandakakurairai;

73 Kuti pavachazozviziva, kuti vagozvifunga zvinhu izvi.

74 Nokuti apo Ishe pavachaonekwa vachatyisa kwavari, zvekuti kutya kuchavabata, uye vachamirira kure uye vachibvunda.

75 Uye ose marudzi achatya nokuda kwekutyisa kwaIshe, uye nesimba ravo guru. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.