Zvibatsiro Zvekudzidza
Zuva reSabata


Zuva reSabata

Zuva dzvene rakatsaurwa vhiki rega-rega rekuzorora nokunamata vhiki rega-rega. Mushure mekunge Mwari vasika zvose zvinhu, vakazorora muzuva rechinomwe vakaraira kuti zuva rimwechete muvhiki rega-rega ngarive zuva rekuzorora kuyamura vanhu kumurangarira (Eks. 20:8–11).

Kristu asati amuka kuvakafa, nhengo dzeChechi dzaicherechedza zuva rekupedzisira revhiki seSabata, sezvaiita vaJuda. Mushure mekumuka kuvakafa, nhengo dzeChechi, maJuda kana maJentairi, vakacherechedza zuva rekutanga revhiki (zuva raIshe) kurangarira kumuka kwaIshe kuvakafa. Chechi nhasi inoramba ichicherechedza zuva rimwechete pasvondo sezuva dzvene resabata ravanonamata Mwari nokuzorora kubva kumabasa enyika.

Sabata rinoyeuchidza vanhu kuda kwavo kwekudya kwemweya nebasa ravo rekuteerera Mwari. Kana rudzi rwukashaya hany’a mukuchengete Sabata, zvose zvinhu zveupenyu zvinokanganiswa noupenyu hwekunamata hunoora (Neh. 13:15–18; Jer. 17:21–27).