Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 1


Dzidziso neZvibvumirano

Chikamu 1

Zvakazarurwa zvakapiwa kuburikidza nekuna Joseph Smith Muporofita, munguva yemuchechi wakakosha wemagosa eChechi, wakaitirwa paHiram, kuOhio, 1 Mbudzi, 1831 (History of the Church [Nhoroondo yeChechi], 1:221–224). Zvakazarurwa zvizhinji zvakanga zvagamuchirwa kubva kuna Ishe nguva iyi isati yasvika uye kuiswa pamwechete kweizvi kuti zvishambadzwe zvave bhuku, ndicho chaive chimwe chezvinhu zvikuru zvakatenderanwa pamusangano uyu. Chikamu ichi chinoita chisumo chaIshe kuzvidzidziso, zvibvumirano, uye nemirairo yakapihwa munguva ino.

1–7, Izwi rekuyambira riri kuvanhu vose; 8–16, Kurasika pachitendero nehuipi kunotungamira Kuuya Kwechipiri; 17–23, Joseph Smith anodaidzwa kuti adzorere panyika chokwadi uye nemasimba aIshe; 24–33, Bhuku raMormoni rinounzwa, uye Chechi yechokwadi inomiswa; 34–36, Runyararo rwuchabviswa panyika; 37–39, Nzverai mirairo iyi.

1 Teererai imi vanhu vechechi yangu, inotaura izwi reuyo agere kumusoro, uye ane maziso ari pamunhu wose; hongu, zviro kwazvo ndinoti: Teererai imi vanhu munobva kure; uye nemi muri pamusoro pezvitsuwa zvegungwa, teererai pamwechete.

2 Nokuti zviro kwazvo izwi raIshe riri kuvanhu vose, uye hakuna anopunyuka; uye hakuna ziso richatadza kuona, kana nzeve ichatadza kunzwa, kana mwoyo uchatadza kupindwa.

3 Uye vapanduki vachabaiwa nokusuwa kukuru; nokuti kuipa kwavo kuchataurwa pamusoro pedzimba, uye zviito zvavo zvemuruvande zvichaiswa pachena.

4 Uye izwi rekuyambira richave kuvanhu vose, nemiromo yevadzidzi vangu, avo vandakasarudza mumazuva ano ekupedzisira.

5 Uye vachaenda mberi uye hapana achavarambidza, nokuti ini Ishe ndakavaraira.

6 Tarisai, iyi imvumo yangu, uye nemvumo yevaranda vangu, nechisumo changu kubhuku remirairo yangu, yandakavapa kuti vaishambadze kwamuri, vagari vepanyika.

7 Nokudaro ityai uye mubvunde, imi vanhu, nokuti ini Ishe zvandataura mavari zvichazadzikiswa.

8 Uye zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti avo vachaenda mberi, vakatakura mazwi aya kuvagari vepasi, kwavari simba rinopihwa rekusunga kwose panyika nekudenga, uye avo vasingatende nevapanduki;

9 Hongu, zvirokwazvo, kuvasunga kuitira zuva iro hasha dzaMwari dzichadirwa pamusoro pevakaipa zvisina mupimo—

10 Pazuva iro Ishe ravachauya kuzopa mubairo kumunhu wose maererano nebasa rake, nemwero kumunhu wose maererano nekuyera nekwaanenge ayera nako kune mumwe wake.

11 Nokudaro izwi raIshe riri nekumigumo yenyika, kuti vose avo vanoda kunzwa, vanzwe:

12 Gadzirirai imi, gadzirirai imi icho chichauya, nokuti Ishe vave pedyo;

13 Uye hasha dzaIshe dzatungidzwa, nemunondo wavo wasukwa mudenga, uye uchawira pavagari vepasi.

14 Uye ruoko rwaIshe rwucharatidzwa; uye zuva richauya iro rekuti avo vasingade kunzwa izwi raIshe, kana izwi revaranda vavo, kana vasingateerere mashoko evaporofita nevaapositori, vachabviswa kubva mukati mevanhu;

15 Nokuti varasika kubva muzvisungo zvangu, uye vatyora chibvumirano changu chisingaperi;

16 Havatsvake Ishe kuti vamise kururama kwavo, asi wose munhu anofamba munzira dzake pachake, uye achitevera mufananidzo wamwari wake pachake, uyo ane chimiro chakafanana nezvemunyika, uye hunhu hwacho huri hwechivezwa, icho chinochembera uye chofira muBabironi, kunyangwe Babironi huru, iyo ichapunzika.

17 Nokudaro, ini Ishe, ndichiziva njodzi ichauya pavagari vepasi ndakadaidza muranda wangu Joseph Smith, Mwana, uye ndikataura naye ndiri kudenga, uye ndikamupa mirairo;

18 Uye ndikapawo mirairo kune vamwe, kuti vashambadze zvinhu izvi kunyika; uye zvose izvi kuti zvizadzikiswe, izvo zvakanyorwa nemaporofita—

19 Zvisinasimba zvemunyika zvichauya zvigotyora vemasimba uye nevakasimba, kuti munhu asaraye mumwe wake, kana kuvimba neruoko rwenyama—

20 Asi kuti wose munhu ataure muzita raMwari Ishe, kunyangwe iye Muponesi wenyika;

21 Kutiwo rutendo rwuwande panyika;

22 Kuti chibvumirano changu chisingaperi chimiswe;

23 Kuti kuzara kwevhangeri rangu kushambadzwe nevasinasimba nevanhuwo zvavo, kusvika kumagumo enyika, nepamberi pemadzimambo nevatongi.

24 Tarisai, ndini Mwari uye ndazvitaura; mirairo iyi ndeyangu, uye yakapihwa kuvaranda vangu mukushaya simba kwavo, mutsika yerurimi rwavo, kuti vasvike mukunzwisisa.

25 Uye kuti kana vakakanganisa zviitwe kuti zvizivikanwe.

26 Kuti kana sokutsvaga kwavanoita ungwaru vachadzidziswa;

27 Uye kuti kana sokutadza kwavanoita vanorangwa, kuti vatendeuke;

28 Kuti kana vakange vakazvininipisa vachaitwa kuti vasimbe, uye vagoropafadzwa kubva kumusoro, uye vagogashira ruzivo nguva nenguva.

29 Uye mushure mekugashira zvinyorwa zvemaNifai, hongu, kunyangwe muranda wangu Joseph Smith, Mwana, ave anokwanisa kuwana simba rekududzira kuburikidza nenyasha dzaMwari, nesimba raMwari, Bhuku raMormoni.

30 Uyewo neavo vakapihwa mirairo iyi vagove vanowana simba rekuwaridza hwaro hwechechi ino, uye nekuriburitsa kubva mukusaziikanwa uye nemurima, iro chete chechi rechokwadi uye rinorarama pamusoro pepasi rose, randinoti ini Ishe, rinondifadza zvikuru, ndichitaura kuchechi pamwechete kwete kune mumwe nemumwe—

31 Nokuti ini Ishe handigone kutarisa chitadzo ndigombochibvumira kana nepadukuduku zvapo;

32 Zvisinei, uyo anotendeuka uye oita mirairo yaIshe acharegererwa;

33 Uye uyo asingatendeuke, kwaari kuchabviswa kunyangwe chiedza chaakagashira; nokuti Mweya wangu hauzogara uchinetsana nemunhu, vanodaro Ishe veHondo.

34 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vagari vepasi: Ini Ishe ndinoda kuita kuti zvinhu izvi zvizikanwe kune venyama vose;

35 Nokuti handina tsvete kuvanhu, uye ndinoda kuti vose vanhu vazive kuti zuva riri kukurumidza kuuya; nguva haisati yasvika, asi iri pedyo, apo runyararo rwuchabviswa panyika, uye dhiabhorosi achave nesimba munzvimbo yake.

36 Uye naiyewo Ishe vachave nesimba kuvatendi vavo, uye vachatonga vari pakati pavo, uye vachauya pasi vari mukutonga muEdomi, kana kuti nyika.

37 Nzverai mirairo iyi nokuti ndeye chokwadi uye yakatendeka, uye huporofita nezvivimbiso zviri mairi, zvose zvichazadzikiswa.

38 Zvandataura ini Ishe, ndataura, uye handitsvage chikonzero; uye kana dai zvazvo denga nenyika zvichipfuura, izwi rangu haripfuuri, asi zvose zvichazadzikiswa, kunyangwe nezwi rangu ini kana nezwi ravaranda vangu, zvakangofanana.

39 Nokuti tarisai, uye onai, Ishe ndiMwari, uye neMweya unopupura, uye uchapupu ndehwe chokwadi, uye chokwadi chinogara nariini nariini. Ameni.