Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 42


Chikamu 42

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 9 Kukadzi 1831 (History of the Church, 1:148–154). Zvakagashirwa pamberi pemagosa gumi nevaviri uye nemukuzadzikisa chivimbiso chaIshe chaakamboita chekuti “mutemo” waizopihwa muOhio (ona chikamu 38:32). Muporofita anotsanangura chakazarurwa chino achiti “zvinobata mutemo weChechi” (History of the Church, 1:148).

1–10, Magosa anodaidzwa kuti aparidze vhangeri, vabhabhatidze vatendeuki, uye nokuvaka Chechi; 11–12, Vanofanira kudaidzwa uye vogadzwa uye vari vanofanira kudzidzisa mitemo yevhangeri iyo inowanikwa mumagwaro matsvene; 13–17, Vanofanira kudzidzisa nokuporofita nesimba reMweya; 18–29, Vatendi vanorairwa kuti vasauraye, kuba, kunyepa, kuita ruchiva, kuita upombwe, kana kutaura zvakaipa pamusoro pevamwe; 30–39, Mitemo inotonga kutsaurwa kwemidziyo inomiswa; 40–42, Kuzvikudza nenungo hazvidiwe; 43–52, Vanorwara vacharapwa kuburikidza nokuropafadzwa; uye nerutendo; 53–60, Magwaro matsvene anotonga Chechi uye anofanira kutaurwa kunyika; 61–69, Nzvimbo yeJerusarema Idzva nezvakavandika zveumambo zvichaiswa pachena; 70–73, Midziyo yakatsaurwa inofanira kushandiswa kuriritira vashandi veChechi; 74–93, Mitemo inotonga kuzivana kusina kururama, hupombwe, kuuraya, kuba, uye nokureurura zvitadzo inotsanangurwa.

1 Teererai, imi magosa echechi yangu, imi maungana pachenyu muzita rangu, kunyangwe Jesu Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu, Muponesi wenyika; sezvo muri munotenda muzita rangu uye nokuchengeta mirairo yangu.

2 Zvakare ndinoti kwamuri, teererai nekunzwa nekutevedza mutemo uyo wandichapa kwamuri.

3 Nokuti zvirokwazvo ndinoti, sezvo maungana pamwechete pachenyu maererano nemurairo wandakakurairai, uye makabvumirana muchinhu chimwechete chino, uye mukakumbira kuna Baba muzita rangu, kunyangwe saizvozvo muchagashira.

4 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndinopa kwamuri uyu murairo wekutanga, kuti muchaenda muzita rangu, mumwe nemumwe wenyu, kunze kwevaranda vangu Joseph Smith, Mwana, naSidney Rigdon.

5 Uye ndinopa kwavari murairo kuti ivo vachaenda kwemwaka mudiki, uye zvichapihwa nesimba reMweya kuti vachadzoka rinhi.

6 Uye imi muchaenda musimba reMweya wangu, muchiparidza vhangeri rangu, vaviri vaviri, muzita rangu, muchisimudza mazwi enyu sekurira kwehwamanda, muchitaura izwi rangu sengirozi dzaMwari.

7 Uye muchaenda muchibhabhatidza nemvura, muchiti: Tendeukai imi, tendeukai imi nokuti umambo hwekudenga hwave pedyo.

8 Uye muchibva panzvimbo ino muchaenda kumatunhu ekumadokero; uyezve nokuwana kwamuchaita avo vachakutambirai muchavaka chechi yangu mudunhu rega-rega—

9 Kudakara nguva yangu yauya iyo pazvicharatidzwa kwamuri kubva kumusoro, apo guta reJerusarema Idzva richagadzirwa, kuti muunganidzwe muri pamwechete, kuti muve vanhu vangu uye ndichave Mwari venyu.

10 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, muranda wangu Edward Partridge achamira munzvimbo iyo yandakamupa. Uye zvichaitika, kuti kana akatadza mumwe anoiswa munzvimbo yake. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.

11 Zvakare ndinoti kwamuri, hazvipihwe kumunhu wose zvake kuti ayende anoparidza izwi rangu, kana kuvaka chechi yangu, kunze kwekunge akagadzwa nemumwe ane mvumo, uye zvichizivikanwa kuchechi kuti ane mvumo uye akagadzwa nenzira kwayo nemisoro yechechi.

12 Uye zvakare, magosa, vapirisita nevadzidzisi vechechi ino vachadzidzisa misimboti yevhangeri rangu, iyo iri muBhaibheri uye neBhuku raMormoni, umo mune kuzara kwevhangeri,

13 Uye vachacherechedza zvibvumirano nemisimboti yechechi kuti vaiite, uye izvi ndizvo zvichave zvidzidziso zvavo, sekutungamirirwa kwavachange vachiitwa neMweya.

14 Uye Mweya uchapihwa kwamuri nemunamato werutendo; uye kana musina kugashira Mweya hamudzidzise.

15 Uye zvose izvi muchacherechedza kuzviita sekuraira kwandakaita pamusoro pekudzidzisa kwenyu, kudakara kuzara kwemagwaro angu matsvene kwapihwa.

16 Uye sezvo muchazosimudza mazwi enyu kuburikidza naMweya Munyaradzi, muchataura nokuporofita sekuda kwangu;

17 Nokuti tarisai, Mweya Munyaradzi anoziva zvinhu zvose, uye anopupura pamusoro pezvaBaba nezveMwanakomana.

18 Uye zvino tarisai, ndinotaura kuchechi. Musauraye; uye uyo anouraya haazowane ruregerero pasi pano, kana munyika ichauya.

19 Uye zvakare ndinoti, musauraye; asi uyo anouraya achafa.

20 Musabe; uye uyo anoba uye agorega kutendeuka acharaswa kunze.

21 Musareve nhema; uyo anonyepa akasatendeuka anoraswa kunze.

22 Ida mukadzi wako nemwoyo wako wose, uye uchanamatira kwaari uye pasina mumwe.

23 Uye uyo anotarisa mukadzi nokumuchiva acharamba chitendero, haazove neMweya; uye kana akasatendeuka acharaswa kunze.

24 Musaite upombwe; uye uyo anoita upombwe, uye akasatendeuke, acharaswa kunze.

25 Asi uyo aita upombwe uye akatendeuka nemwoyo wake wose, uye akabva azvisiya, uye akasazviita zvakare, iyeyo muchamuregerera;

26 Asi akazviita zvakare, iyeyo haachazoregererwa, asi acharaswa kunze.

27 Musataure zvakaipa pamusoro pemuvakidzani wenyu, kana kumuitira chinhu chinomukuvadza.

28 Munoziva mitemo yangu maererano nezvinhu izvi zvinopihwa mumagwaro matsvene angu; uyo anotadza uye akasatendeuka acharaswa kunze.

29 Kana uchindida uchandishandira uye nokuchengetedza mirairo yangu.

30 Uye tarisai, mucharangarira varombo, uye mugopira midziyo yenyu kuvariritira, iyo yamungakwanise kuvapa, nechibvumirano nechisungo chisingatyoreke.

31 Uye sekupa kwamunenge muchiita zvinhu zvenyu kuvarombo, munenge muchizviita kwandiri; uye zvichaiswa pamberi pabhishopi wechechi yangu nevabatsiri vake, vaviri vemagosa, kana vapirisita vepamusoro, vaachasarudza kana vaakasarudza kare uye akavatsaurira basa iroro.

32 Uye zvichaitika, kuti mushure mekunge zvaiswa pamberi pabhishopi wechechi yangu, uye mushure mekunge agashira uchapupu uhu maererano nekupirwa kwemidziyo yechechi rangu, kuti hazvizokwanisika kutorwa kubva muchechi, zvichipindirana nemirairo yangu, munhu wose achaitwa kuti azvidavirire kwandiri, hutariri hwemidziyo yake, kana izvo zvaakatambira kuburikidza nekutsaurwa, izvo zvinokwanirana naye nemhuri yake.

33 Uye zvakare, kana pachizoita mimwe midziyo iri mumaoko echechi, kana emumwe munhu ari mariri zvakawanda kupfuura zvakafanira kuti vararame mushure mekupirwa kwekutanga uku, zviri zvasara zvinopirwa kuna bhishopi, zvichachengetwa kuti zvigoropafadza avo vasina, nguva nenguva, kuti wose munhu anoshaya apihwe zvinomukwanira uye kuti agotambira maererano nezvaanoda.

34 Nokudaro, zvinosaririra zvichachengeterwa mumba yangu yekuchengetera, kuti zvigopihwa kuvarombo nevanoshaya, sezvinenge zvadomwa nedare repamusoro rechechi, nabhishopi nedare rake;

35 Uye nechinangwa chekutenga nzvimbo dzinoyamura chechi, uye nokuvaka dzimba dzekunamatira, uye nekuvaka Jerusarema Idzva iro richaratidzwa mushure—

36 Kuti vanhu vechibvumirano vagoungana pamwechete muzuva iro randichauya kutemberi yangu. Uye izvi ndinozviitira ruponeso rwevanhu vangu.

37 Uye zvichaitika kuti, uyo anotadza uye akasatendeuka, achakandwa kunze kwechechi, uye haazogashira zvakare icho chaakanga apira kuvarombo nekune vanoshaya vechechi yangu, kana kuti nemamwe mazwi, kwandiri—

38 Sekuita kwamunenge muchizviitira wekupedzisira weava, munenge muchizviitira ini.

39 Nokuti zvichaitika kuti, izvo zvandakataura nemiromo yemaporofita vangu zvichazadzikiswa; nokuti ndichatsaura upfumi hweavo vanogumbatira vhangeri rangu pakati peJentairi, kuvarombo vevanhu vangu avo vari vemba yaIsraeri,

40 Uye zvakare, musazvikudze mumwoyo menyu; itai kuti nhumbi dzenyu dzose dzive dzisingashamisire, uye kunaka kwadzo kuve kunaka kwebasa remaoko enyu;

41 Itai kuti zvinhu zvose zviitwe mukutsvinda pamberi pangu.

42 Musaite nungo; nokuti uyo ane nungo haazodya chingwa kana kupfeka nhumbi dzemushandi.

43 Uye ani zvake pakati penyu anorwara, asina rutendo rwekuti arapwe, asi achitenda, achachengetwa achibatwa nokuzvakanaka chose, nemishonga uye nekudya kwakapfava, uye kuti zvisingaitwe neruoko rwemuvengi.

44 Uye magosa echechi, vaviri kana kupfuura, vachadaidzwa, uye vachanamatira nekuvagadza maoko pamusoro pavo muzita rangu; uye kana vakafa vachafira kwandiri, uye vakapona vachaponera kwandiri.

45 Muchagara pamwechete murudo, zvekuti muchachema nokurasikirwa neavo vanenge vafa, uye kunyanya avo vasingatarisirwe kuve nekumuka kuvakafa kune kubwinya.

46 Uye zvichaitika kuti avo vachafa vari mandiri havazoraira rufu, nokuti rwuchange rwuchitapira kwavari;

47 Uye vanofa vasiri mandiri, nhamo kwavari, nokuti rufu rwavo rwunovava.

48 Uye zvakare, zvichaitika kuti uyo ane rutendo mandiri rwekupona, uye asina kudomerwa kufa achapona.

49 Uyo ane rutendo rwekuona, achaona.

50 Uyo ane rutendo rwekunzwa, achanzwa.

51 Anokaminha ane rutendo rwekusvetuka achasvetuka.

52 Uye avo vasina rutendo rwekuita zvinhu izvi, asi vachitenda mandiri, vane simba rekuve vanakomana vangu; uye kana vasiri kutyora mitemo yangu, muchatakura utera hwavo.

53 Muchamira munzvimbo yeutariri hwenyu.

54 Musazotora nhumbi yehama yenyu; muchatenga icho chamunotambira kubva kuhama yenyu.

55 Uye mukawana zvakawanda kupfuura zvamunoda mukuzviriritira kwenyu, makafanira kuzvipa kuimba yangu yekuchengetera, kuti zvose zvinhu zvigoitwa mayererano neizvo zvandataura.

56 Muchakumbira, uye magwaro matsvene angu achapihwa sezvandadoma, uye agochengetedzwa zvakanaka;

57 Uye zvakafanira kuti munyarare pamusoro pawo, uye musavadzidzise dakara mavagashira zvizere.

58 Uye ndinokupai murairo kuti muchaidzidzisa kuvanhu vose; nokuti ichadzidziswa kumarudzi ose, vehukama, vendimi, nevanhu.

59 Muchatora zvinhu zvamakatambira, izvo zvakapihwa kwamuri mumagwaro matsvene angu semutemo, kuti uve mutemo wangu unotonga chechi yangu;

60 Uye uyo anoita maererano nezvinhu izvi achaponeswa, uyo asingazviite achatongwa kana akaramba akadaro.

61 Kana mukakumbira, muchagashira zvakazarurwa pamusoro pezvakazarurwa, ruzivo pamusoro peruzivo, kuti mugoziva zvakavandika nezvinhu zverunyararo—izvo zvinounza rufaro, izvo zvinounza upenyu hwokusingaperi.

62 Muchakumbira, uye zvobva zvaratidzwa kwamuri munguva yangu painenge yasvika apo Jerusarema Idzva richavakwa.

63 Uye tarisai, zvichaitika kuti varanda vangu vachatumirwa kumabvazuva nekumadokero, kuchamhembe nekumaodzanyemba.

64 Uye kunyangwe iye zvino, regai uyo anoenda kumabvazuva avadzidzise avo vachatendeudzwa kuti vatizire kumadokero, uye izvi zviri zvinokonzerwa nechichauya panyika, uye zvisungo zvemibatanidzwa yemuchivande.

65 Tarisai, muchacherechedza zvinhu zvose izvi, uye mubairo wenyu uchave mukuru; nokuti kwamuri kwakapihwa kuti muzive zvakavanzika zvemuumambo, asi kunyika hazvina kupihwa kuti vazvizive.

66 Muchacherechedza mitemo yamakatambira uye move makatendeseka.

67 Uye muchagashira pashure zvibvumirano zvechechi, izvo zvichave zvakakwana kukumisai, zvose pano nemuJerusarema Idzva.

68 Nokudaro, uyo asina ungwaru, ngaandikumbire, ndichamupa zvakakwana uye ndisingamukonorere.

69 Simudzai mwoyo yenyu, uye mufare, nokuti kwamuri umambo, kana kuti nemamwe mazwi, makiyi echechi apihwa. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.

70 Vapirisita nevadzidzisi vachawana hutariri hwavo, kunyangwe senhengo

71 Uye magosa kana vapirisita vepamusoro avo vanosarudzwa kuti vayamure bhishopi semachinda muzvinhu zvose, mhuri dzavo dzinoriritirwa kubva mumidziyo yakapirwa kuna bhishopi, kuti zviyamure varombo, uye nezvimwe zvinangwa, sezvataurwa kare;

72 Kana kuti vanotambira mubairo wakaenzanirana nekushanda kwavo, kana hutariri kana rimwewo basa, zvinenge zvafungwa kuti zvakafanira kana zvaitwa nevabatsiri nabhishopi.

73 Uye naiyewo bhishopi, achatambira zvekuti azviriritire kana mubairo wekushanda kwake kwose muchechi.

74 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti vanaani zvavo vari pakati penyu, vachinge varamba vamwe vavo nekuda kwehupombwe, kana kuti nemamwe mazwi, kana vakazopupura pamberi penyu mumwoyo wose wazvininipisa zvikuru kuti ndizvo zviripo, musazovabvisa pakati penyu;

75 Asi mukaona kuti pane vanhu vakasiya vamwe vavo pamusana pehupombwe, asi vari ivo vakatadza, uye vamwe vavo vachiri vapenyu, vachabviswa pakati penyu.

76 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, murinde makachenjerera, muchibvunzurudza zvose, kuti musagashire vakadaro pakati penyu kana vari vakaroorana;

77 Uye kana vasina kuroorana, vanofanira kutendeuka kuzvitadzo zvavo zvose kana kuti imi hamuzovagashira.

78 Uye zvakare, wose munhu wechechi yino yaKristu, achacherechedza nokuchengeta yose mirairo nezvibvumirano zvechechi.

79 Uye zvichaitika, kuti kana paina ani zvake pakati penyu achauraya vachatorwa vonoiswa kwavanoitwa zviri maererano nemitemo yenyika; nokuti yeukai kuti haana ruregerero; uye zvinozoratidzwa maererano nemitemo yenyika.

80 Uye kana ani zvake murume kana mukadzi akaita hupombwe, iyeyo, murume kana mukadzi, achatongwa pamberi pemagosa maviri echechi, kana vano pfuura, uye rose shoko richamiswa mukumutonga nevapupuri vaviri vechechi, uye kwete vemuvengi; asi kana vakave vapupuri vanopfuura vaviri ndizvo zvirinani.

81 Asi iye murume kana mukadzi achatongwa nemiromo yevapupuri vaviri; uye magosa achaisa nyaya yacho pamberi pechechi, uye chechi ichasimudza maoko mukusavatsigira, kuti vagoitwa zviri maererano nemutemo waMwari.

82 Uye kana zvichibvira, zvinofanirwa kuti bhishopi avepowo.

83 Uye ndiko kuita kwamuchaita munyaya dzose dzichauya pamberi penyu.

84 Uye kana murume kana mukadzi akaita hukororo, iyeyo anoiswa kumutemo wenyika.

85 Uye kana murume kana mukadzi akaba, iyeyo murume kana mukadzi anoiswa kumutemo wenyika.

86 Uye murume kana mukadzi akareva nhema, iyeyo mukadzi kana murume achaiswa kumurau wenyika.

87 Uye murume kana mukadzi akaita chitadzo chipi zvacho, iyeyo murume kana mukadzi achaiswa kumutemo, kunyange uyo waMwari.

88 Uye kana mukoma wako kana hanzvadzi akakutadzira, unomutora pakati penyu mega, mukoma iyeyo kana hanzvadzi, muri mega; uye kana mukoma kana hanzvadzi akareurura, muchasunungurana.

89 Uye kana mukoma kana hanzvadzi akasareurura uchamuendesa iye mukoma kana hanzvadzi kuchechi, kwete kunhengo, asi kumagosa. Uye izvi zvichaitirwa mumuchechi, uye kwete pamberi penyika.

90 Uye kana mukoma kana hanzvazi yako ikatadzira ruzhinji, iyeyo mukoma kana hanzvadzi, acharangwa pamberi peruzhinji.

91 Uye kana paine atadza pachena, achatsiurwa pachena kuti iye, murume kana mukadzi anyare. Uye kana iyeyo murume kana mukadzi akasareurura, iyeyo murume kana mukadzi anoendeswa kumutemo waMwari.

92 Kana paine atadza muruvande, iyeyo murume kana mukadzi achatsiurwa muruvande, kuti iyeyo murume kana mukadzi awane mukana wekureurura muruvande kune uyo murume kana mukadzi waatadzira, uye nekuna Mwari, kuti chechi irege kutaura zvekumutsiura iyeyo murume kana mukadzi.

93 Uye ndiko kuita kwamuchaita muzvinhu zvose.