Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 76


Chikamu 76

Chiratidzo chakapihwa kuna Joseph Smith uye naSidney Rigdon, paHiram, Ohio, 16 Kukadzi 1832 (History of the Church, 1:245–252). Achisuma kunyora kwake pamusoro pechiratidzo ichi, Muporofita akanyora kuti: “Pakudzoka kwangu kubva kumusangano mukuru weAmherst, ndakatanga zvakare kududzira magwaro matsvene. Kubva kune zvakazarurwa zvakasiyana-siyana izvo zvakanga zvatambirwa, zvaive pachena kuti zvinhu zvizhinji zvinokosha zvinobata ruponeso rwemunhu, zvakanga zvabviswa muBhaibheri kana kuti zvakarasika zvisati zvaiswa pamwechete. Zvairatidza zvega pakutarisa zvokwadi zvakanga zvasiiwa, kuti kana Mwari aipa mubairo kune wose maererano nezviito zvakaitwa mumuviri izwi rinoti ‘Denga’ richireva; musha weVatendi wokusingaperi, rinofanira kuve neumambo hwakapfuura humwechete. Nokudaro … tichidudzira Vhangeri reMutendi Johane, ini naGosa Rigdon takaona chiratidzo chinotevera” (History of the Church, 1:245). Maive mushure mekunge Muporofita adudzira gwaro raJohane 5:29 pakapihwa chiratidzo ichi.

1–4, Ishe ndivo Mwari; 5–10, Zvakavanzika zveumambo zvicharatidzwa kune vose vakatendeka; 11–17, Vose vachauya mukumuka kuvakafa kwevakarurama kana kwevasina kururama; 18–24, Vagari venyika dzakawanda vanakomana nevanasikana vakaberekwa kuna Mwari kuburikidza nerudzikinuro rwaJesu Kristu; 25–29, Ngirozi yaMwari yakapunzika ikave dhiabhorosi; 30–49, Vanakomana vekuraswa vanoraswa kwokusingaperi; vose vamwe vanotowana chimwe chinhanho cheruponeso; 50–70, Kubwinya nemubairo wevanhu vakakwiridzirwa muumambo hweseresitiyaro zvinotsanangurwa; 71–80, Avo vachawana nhaka yeumambo hweteresitiyaro vanotsangurwa; 81–113, Zvinzvimbo zveavo vari mukubwinya kwetiresitiyaro, nekweteresitiyaro, nekweseresitiyaro zvinotsanangurwa; 114–119, Vakatendeka vangaone uye nokunzwisisa zvakavanzika zveumambo hwaMwari nesimba reMweya Mutsvene.

1 Inzwai, imi matenga, uye upe nzeve, iwe nyika, uye mufare imi vagari vemo, nokuti Ishe ndiMwari, uye kunze kwavo hakuna mumwe Muponesi.

2 Hukuru ungwaru hwavo, dzinoshamisa nzira dzavo, mwero wekuita kwavo hauna anouwana.

3 Zvinangwa zvavo hazvitadzike, uye hakuna kana ani anorambidza ruoko rwavo.

4 Kubva kwokusingaperi kusvika kwokusingaperi ndivo vamwechetevo, uye makore avo haagume.

5 Nokuti ndiko kutaura kwaIshe—ini Ishe, ndine tsitsi uye ndine nyasha kune avo vanonditya, uye ndinofara kuparukudzo kune avo vanondishandira mukururama uye muchokwadi kusvika kumagumo.

6 Mubairo wavo uchave mukuru uye nokubwinya kwavo kuchave kwokusingaperi.

7 Uye kwavari ndicharatidza zvose zvakavanzika, hongu, zvose zvakavanzika zveumambo hwangu zvakavanzika kubvira kumazuva ekare, uye nezvemakore achauya ndichazviita kuti vazive zvinofadza chido changu pamusoro pezvinhu zvose zveumambo hwangu.

8 Hongu, kunyangwe zvishamiso zvekwekusingaperi vachazviziva, uye nezvinhu zvichauya ndichavaratidza, kunyangwe zvinhu zvezvizvarwa zvizhinji.

9 Uye ungwaru hwavo huchave hukuru, uye kunzwisisa kwavo kuchasvika kudenga; uye pamberi pavo ungwaru hwevachenjeri hunoparara, uye nokunzwisisa kwevakangwarira kunova kwenhando.

10 Nokuti neMweya wangu ndichavajekesera, uye nesimba rangu ndichazivisa kwavari zvakavanzika zvechido changu—hongu, kunyangwe izvo zvinhu zvisati zvaonekwa neziso, kana kunzwikwa nenzeve, kana zvisati zvambopinda mumwoyo wemunhu.

11 Isu, Joseph Smith, Mwana, naSidney Rigdon, tiri muMweya muzuva regumi nenhanhatu raKukadzi, mugore raIshe wedu rechiuru chine mazana masere nemakumi matatu nemaviri—

12 Nesimba reMweya maziso edu akazarurwa uye nokunzwisia kwedu kukajekeswa, kuti tione uye togonzwisisa zvinhu zvaMwari—

13 Kunyangwe izvo zvinhu zvakanga zviri kubvira pekutanga nyika isati yavepo, izvo zvakagadzwa naBaba, kuburikidza nekuMwanakomana wavo Mumwechete Akaberekwa, uyo akanga ari pachipfuva chaBaba, kunyangwe kubvira pakutanga;

14 Uyo watinopupura; uye uchapupu hwatinopa ndehwevhangeri rizere raJesu Kristu, uyo anova Mwanakomana, uyo watakaona uye tikataura naye muchiratidzo chekudenga.

15 Nokuti patakanga tichiita basa rekududzira, iro Ishe ravakanga vatidomera, takauya pandima yemakumi maviri nemapfumbamwe muchitsauko chechishanu chaJohane, icho chakapihwa kwatiri sezvizvi—

16 Tichitaura nezvekumuka kwevakafa, maererano neavo vachanzwa izwi reMwanakomana weMunhu;

17 Vachauya mberi; avo vakaita zvakanaka, mukumuka kuvakafa kwevakarurama; uye avo vakaita zvakaipa, mukumuka kuvakafa kwevasina kururama.

18 Zvino izvi zvakaita kuti tishamiswe, nokuti zvakapihwa kwatiri neMweya.

19 Uye tichiri kufunga pamusoro pezvinhu izvi, Ishe vakabata maziso ekunzwisisa kwedu uye akazururwa, uye kubwinya kwaIshe kwaratidza kukatenderedza kwose.

20 Uye takaona kubwinya kweMwanakomana, kurudyi rwaBaba, uye tikagashira kuzara kwake;

21 Uye tikaona ngirozi tsvene, uye neavo vakacheneswa pamberi pechigaro chavo, vachinamata Mwari neGwayana, avo vanomunamata nariini nariini.

22 Uye zvino, mushure meuchapupu hwakawanda hwakapihwa pamusoro pake, uhu ndihwo uchapupu, hwekupedzisira hwevose, hwatinopa pamusoro pake: Kuti mupenyu!

23 Nokuti takamuona, kunyangwe kurwudyi rwaMwari; uye takanzwa izwi richipupura kuti ndiye Mumwechete Akaberekwa waBaba—

24 Kuti naiye, uye kuburikidza naiye, muna iye, nyika dziripo, uye dzakasikwa, uye nevagari vemo vanakomana nevanasikana vakaberekwa kuna Mwari.

25 Uye izvi takazvionawo, uye tinopupura, kuti ngirozi yaMwari iyo yakange ichitungamira pamberi paMwari, iyo yakapandukira Mumwechete Akaberekwa uyo aidiwa naBaba uye aive muchipfuva chaBaba, yakakandwa pasi kubva pamberi paMwari uye neMwanakomana.

26 Uye ikadaidzwa kunzi Kuraswa. Nokuti matenga akamuchema—aiva Rusifa mwanakomana wemangwanani.

27 Uye takaona, uye onai, apunzika! Apunzika, kunyangwe mwanakomana wamangwanani!

28 Uye tichiri mumweya kudaro, Ishe vakatiraira kuti tinyore chiratidzo ichi; nokuti takaona Satani, iye nyoka yakare, kana dhiabhorosi, akapandukira Mwari uye akatsvaka kutora umambo hwaMwari vedu naKristu wake—

29 Nokudaro, anoita hondo nevatendi vaMwari, uye anovakomberedza.

30 Uye takaona chiratidzo chekutambudzika kweavo vaakaita hondo navo akavakunda, nokuti uku ndikokuuya kwakaita izwi raIshe kwatiri;

31 Vanodaro Ishe maererano neavo vose vanoziva simba rangu, uye vakaitwa kuti vavewo naro, uye vakazvibvumira kuburikidza nesimba radhiabhorosi kuti vakundwe. Uye nokuramba chokwadi uye nokuramba simba rangu—

32 Ivavo ndivo vanakomana vekuraswa, avo vandinoti zvingadai zvirinani kwavari dai vasina kuzvarwa;

33 Nokuti midziyo yehasha, vakashurikidzirwa kutambudzwa nehasha dzaMwari, pamwechete nadhiabhorosi nengirozi dzake nokusingaperi;

34 Pamusoro peavo vandataura havana ruregerero munyika ino kana munyika ichuaya—

35 Varamba Mweya Mutsvene mushure mekuugashira, uye varamba Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa waBaba, uye vamurovera pachavo uye vakamunyadzisa pachena.

36 Ava ndivo vachaenda kunopinda mudziva remoto nesuriferi nadhiabhorosi nengirozi dzake—

37 Uye ndivo chete vachakurirwa nerufu rwechipiri.

38 Hongu, zvirokwazvo, ndivo chete vasingazodzikinurwa nguva yakwana yaIshe, mushure mekutambudzwa nehasha dzavo.

39 Nokuti vamwe vose vachaunzwa nekumutswa kwevakafa, kuburikidza nokukunda nokubwinya kweGwayana, uyo akauraiwa,uyo akange ari pachipfuwa chaBaba nyika dzisati dzaitwa.

40 Uye iri ndiro vhangeri, mashoko anofadza ayo akapupurwa kwatiri nezwi rematenga—

41 Kuti akauya munyika, kunyangwe Jesu, kuti azoroverwa pamusoro penyika uye kuti atakure zvitadzo zvenyika, uye nokuchenesa nyika, uye nokuisuka kubva kune kwose kusarurama;

42 Kuti kuburikidza nemaari, vose vangaponeswe avo vakanga vaiswa naBaba musimba ravo uye vavakasika kuburikidza naye;

43 Anokudza Baba, uye achiponesa ose mabasa emaoko avo, kunze kweavo vanakomana vekuraswa vanoramba Mwanakomana mushure mekunge Baba vamuratidza.

44 Nokudaro, anoponesa vose kusara kweavo—vachaenda mukurangwa kusingaperi, uko kurangwa kusinamagumo, uko kurangwa kwokusingaperi, vachitonga vaina dhiabhorosi nengirozi dzake kwekusingaperi, uko honye yavo kwaisingafe, uye moto wacho haudzimwe, kunove ndiko kurwadziwa kwavo.

45 Uye kuguma kwacho, kana nzvimbo yacho kana kurwadziwa kwavo, hakuna munhu anoziva;

46 Hazvina kumboratidzwa, hazviratidzwe, uye hazvichazoratidzwa kumunhu, kunze kwekune avo vakaitwa kuti vavemo;

47 Zvisinei, ini Ishe, ndinozviratidza kuburikidza nemuchiratidzo kune vazhinji, asi pakarepo ndobva ndachipfiga zvakare;

48 Nokudaro, magumo, hupamhi, kureba, hudzami, uye nokusuwa kwacho, havanzwisise, kana ani zvake munhu kunze kweavo vakagadzirwa mukutongwa uku.

49 Uye takanzwa izwi, richiti: Nyorai chiratidzo ichi, nokuti onai, uko ndiko kupera kwechiratidzo chekutambudzika kwevasina humwari.

50 Uye zvakare tinopupura—nokuti takaona tikanzwa, uye uhwu ndihwo uchapupu hwevhangeri raKristu pamusoro peavo vachauya mukumuka kuvakafa kwevakarurama

51 Ndivo vakagashira uchapupu hwaJesu, uye vakatenda muzita rake uye vakabhabhatidzwa netsika yekuvigwa kwake, vachivigwa mumvura muzita rake, uye izvi zviri maererano nemurairo waakapa—

52 Kuti nekuchengeta mirairo vangagezwe uye nokucheneswa zvitadzo zvavo, nokugashira Mweya Mutsvene nekugadzwa maoko neuyo akagadzwa uye akasimbiswa musimba iri.

53 Uye avo vanokunda nerutendo, uye vari vakasimbiswa neMweya Mutsvene weruvimbiso, uyo Baba wavanofemera kune vose avo vakarurama uye vari pachokwadi.

54 Ava ndivo vaya vanove chechi yeDangwe.

55 Ndivo vaye vakapihwa zvose zvinhu mumaoko avo naBaba.

56 Ndivo ivava vave vapirisita nemadzimambo, vakagashira kuzara kwavo, uye nokubwinya kwavo;

57 Uye vapirisita vehurongwa Hwepamusoro-soro hwaMerkezedeki, hwakanga huri muhurongwa hwaEnoki, hwakanga huri hurongwa hweMwanakomana Mumwechete Akaberekwa.

58 Nokudaro, sekunyorwa kwazvakaita, ndivana mwari, kunyangwe vanakomana vaMwari

59 Nokudaro, zvose zvinhu ndezvavo, zvingave upenyu kana rufu, kana zvinhu zviripo, kana zvinhu zvichauya, zvose ndezvavo uye ndezvaKristu, uye Kristu ndewaMwari.

60 Uye vachakunda zvinhu zvose.

61 Nokudaro musarege munhu achivimba nemunhu, asi avimbe zvake muna Mwari, avo vachakurira vose vavengi pasi petsoka dzavo.

62 Ivava vachagara pamberi paMwari uye naKristu wavo nariini nariini.

63 Ivava ndivo vaachauya navo, paachauya mumakore ekudenga kuzotonga pasi pamusoro pevanhu vake.

64 Ndivo ivava vachave mukumuka kuvakafa kwekutanga.

65 Ndivo vachauya mukumuka kuvakafa kwekururama.

66 Ndivo ivava vanouya kuGomo reZioni, uye nemuguta raMwari mupenyu, nzvimbo yekudenga tsvene kupfuura dzose.

67 Ndivo ivava vauya kugungano rengirozi dzisingaverengeke, kugungano revose uye nechechi yaEnoki, uye nereDangwe.

68 Ndivo ivava vane mazita akanyorwa kudenga, uko Mwari naKristu ndivo vatongi vevose.

69 Ivava ndivo vaye vanova vanhu vakarurama vakaitwa vakakwana kuburikidza naJesu munyai wechibvumirano chitsva, uyu wakashanda urwu rudzikinuro rwakakwana kuburikidza nekudeura ropa rake.

70 Ndivo ivava vane miviri yeseresitiyaro, uye kubwinya kwavo kuri uko kwezuva kana kubwinya kwaMwari vari pamusoro-soro pavo vose, kubwinya kwacho kunonyorwa kuchienzaniswa nekubwinya kunoita zuva muhudzikwa.

71 Uye zvakare, takaona nyika yeteresitiyaro, uye tarisai, uye onai ava ndivo vemuteresitiyaro, vane kubwinya kwakasiyana neuko kwechechi yeDangwe avo vakagashira kuzara kwaBaba, kunyangwe sekusiyana kwakaita kwemwedzi nekwezuva muhudzikwa.

72 Tarisai, ivava ndivo vakafa vasina mutemo;

73 Uyewo avo vanove mweya yevanhu yachengetedzwa mutirongo, avo vakashanyirwa neMwanakomana, uye akaparidza vhangeri kwavari kuti vagotongwa maererano nevanhu munyama.

74 Vasina kugashira uchapupu hwaJesu munyama, asi musure vakazohugashira.

75 Ivava ndivo vanhu vanoremekedzwa vemunyika, vakanga vakapofomadzwa nekunyengedza kwevanhu.

76 Ivava ndivo vanogashira kubwinya kwake, asi kwete kuzara kwakwe.

77 Ivava ndivo vanogashira nokuve pamberi peMwanakomana, asi kwete nokuzara kwaBaba.

78 Nokudaro, miviri yeteresitiyaro, uye kwete miviri yeseresitiyaro, uye zvakasiyana mukubwinya sekusiyana kwakaita mwedzi nezuva.

79 Ivava ndivo vasina kushinga muuchapupu hwaJesu, nokudaro, havawane korona muumambo hwaMwari.

80 Uye zvino uko ndikokupera kwechiratidzo chatakaona cheteresitiyaro, icho Ishe chavakatiudza kuti tinyore tichiri muMweya.

81 Uye zvakare, takaona kubwinya kwetiresitiyaro, kubwinya kwacho kuri kushoma, kunyangwe sekusiyana kwakaita kubwinya kwenyenyedzi nokubwinya kwemwedzi muhudzikwa.

82 Ivava ndivo vasina kugashira vhangeri raKristu, kana uchapupu hwaJesu.

83 Ivava ndivo vasingarambe Mweya Mutsvene.

84 Ivava ndivo vanokandwa pasi kugehena.

85 Ivava ndivo vasinganunurwe kubva kuna dhiabhorosi kudakara kumuka kuvakafa kwekupedzisira, kudakara Ishe, kunyangwe Kristu Gwayana, vachinge vapedza basa ravo.

86 Ivava ndivo vasingagashire kuzara kwake munyika yokusingapere, asi kweMweya Mutsvene kuburikidza nehushumiri hwetiresitiyaro;

87 Uye teresitiyaro kuburikidza nehushumiri kweseresitiyaro.

88 Uyezve yetiresitiyaro zvinogashira nokuropafadzwa kwengirozi dzakaidomwa kuti dzishumire kwavari, kana kuti dzakadomwa kuti dzive mweya inoshumira kwavari; nokuti vachave vagari venhaka yeruponeso.

89 Uye ndikokuona kwatakaita, muchiratidzo chekudenga, kubwinya kwetiresitiyaro, kunopfuura kwose kunzwisisa.

90 Uye hakuna munhu anoziva kunze kweuyo akazviratidzwa naMwari.

91 Uye ndikokuona kwatakaita kubwinya kweteresitiyaro kunopfuura muzvinhu zvose, kunyangwe kubwinya kwetiresitiyaro mukubwinya, nemusimba, nemuhukuru nemuhutongi.

92 Uye ndikokuona kubwinya kweseresitiyaro. Uko kunokunda muzvinhu zvose—uko Mwari, kunyangwe Baba, vanotonga vari pachigaro chavo nariini nariini;

93 Pamberi pechigaro chavo zvose zvinokotama murukudzo rwakapfava, uye zvichivapa kubwinya nariini nariini.

94 Avo vanogara pamberi pake ndevechechi yeDangwe; uye vanoona sekuonekwa kwavanoitwa, uye vagoziva sekuzivikanwa kwavanoitwa, vari vakagashira kuzara kwake uye nenyasha dzake.

95 Uye anovaita kuti vaenzane musimba, uye nemuhukuru, nemukutonga.

96 Uye kubwinya kweseresitiyaro kumwe, kunyangwe sekubwinya kwezuva kuri kumwe.

97 Uye kubwinya kweteresitiyaro kumwe, kunyangwe sekubwinya kwemwedzi kuri kumwe.

98 Uye kubwinya kwetiresitiyaro kumwe, kunyangwe sekubwinya kwenyenyedzi kuri kumwe, nokuti sekusiyana kunoita imwe nyenyedzi neimwe mukubwinya, kunyangwe saizvozvo mumwe anosiyana nemumwe mukubwinya munyika yetiresitiyaro;

99 Nokuti ivava ndivovaye vanove vaPauro, uye nevaApollos, uye nevaKefasi.

100 Ivava ndivovanoti tiri vanhingi vamwe vachiti tiri vanhingi—vamwe vaKristu uye vamwe vaJohane, uye vamwe vaMosesi, uye vamwe vaEria, uye vamwe vaIsayasi, uye vamwe vaIsaya, uye vamwe vaEnoki;

101 Asi vasina kugashira vhangeri, kana uchapupu hwaJesu, kana maporofita, kana chibvumirano chisingaperi.

102 Chokupedzisira kune zvose, ava vose ndivo vaye vasingazoungana nevatendi, kundogashirwa muchechi yeDangwe, uye vagogashirwa mugore.

103 Ava ndivovanonyepa, ndeve mapipi, uye nemhombwe, uye nepfambi, uye ani zvake anoda nekuita nhema.

104 Ivava ndivovanotambudzika nehasha dzaMwari pano pasi.

105 Ivava ndivovanotambudzika nokutsividzwa nemoto wekusingaperi.

106 Ivava ndivovanokandwa pasi kugehena uye vagotambudzika nehasha dzaSamasimba Mwari, kudakara kuzara kwenguva, apo Kristu anenge akurira vose vavengi vave pasi petsoka dzake, uye akwanisa basa rake;

107 Apo paachaunza umambo, uye agohuratidza kuna Baba husina kana kavara, achiti: Ndakakunda uye ndikatsika-tsika chisvino chewaini ndega, kunyangwe chisvino chewaini chekutyisa kwehasha dzaSamasimba Mwari.

108 Zvino ndipo paachapfekedzwa korona yekubwinya kwake. Kuti agare pachigaro chesimba rake kuti atonge nariini nariini.

109 Asi tarisai, uye onai, takaona kubwinya uye nevagari vemunyika yetiresitiyaro, kuti vakanga vakawanda vasingaverengeke senyeredzi dziri muhudzikwa hwedenga, kana sejecha riri kumahombekombe kwegungwa;

110 Uye tikanzwa izwi raIshe richiti: Ava vose vachapfugama mabvi, uye ndimi dzose dzichareurura kwavari avo vagere pachigaro nariini nariini;

111 Nokuti vachatongwa maererano nemabasa avo, uye wose munhu achatambira maererano nemabasa ake, nechinzvimbo chake, mudzimba dzakagadzirwa;

112 Uye vachave varanda vewePamusoro-soro; asi uko kugere Mwari naKristu havangakuuye, nyika dzisingagume.

113 Uku ndikokuguma kwechiratidzo chatakaona, icho chatarairwa kuti tinyore tichiri muMweya.

114 Asi makuru uye anoshamisa mabasa aIshe, uye nezvakavanzika zveumambo hwavo zvavakaratidza kwatiri, zvinopfuura kwose kunzwisisa mukubwinya, uye nomumasimba, uye nemuhutongi;

115 Izvo zvavakatiraira kuti tisanyore patakanga tichiri muMweya, uye zvisiri mumutemo kuti munhu azvitaure;

116 Kana munhu haakwanise kuita kuti zvizivikanwe, nokuti zvinoda kuwonekwa chete uye nokunzwisiswa nesimba reMweya Mutsvene, iro rinoiswa naMwari pane avo vanovada, uye vachizvichenesa pamberi pavo;

117 Kune avo vavanopa mukana wekuona nekuzvizivira pachavo;

118 Kuti kuburikidza nesimba nekubuda pachena kweMweya, vari munyama, vanozogona kukwanisa kuve pavari munyika yekubwinya.

119 Uye kuna Mwari uye neGwayana ngakuve nekurumbidzwa, nerukudzo, uye nohukuru nariini nariini. Ameni.