Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 138


Chikamu 138

Chiratidzo chakapihwa kune Mutungamiri Joseph F. Smith kuSalt Lake City, Utah, musi wa3 Gumiguru 1918. Mukutaura kwake kwekuzarura muchechi mukuru wekaviri pagore wechimakumi masere nepfumbamwe weChechi, musi wa4 Gumiguru 1918, Mutungamiri Smith akati vakanga vagashira mashoko matsvene akawanda mumwedzi yakanga yapfuura. Mamwe emashoko aya, ari nezvekushanya kweMuponesi kumweya yevakafa zvakange muviri wake uri muguva, Mutungamiri Smith akanga azvitambira semarimwezuro acho. Zvakanyorwa pakarepo mumashure mekupera kwemuchechi mukuru uyu. Musi wa31 Gumiguru 1918, zvakaiswa kumakurokota eHutungamiri Hwekutanga, Dare revaneGumi neVaviri, naPatiriyaki, uye vakazvibvuma vose.

1–10, Mutungamiri Joseph F. Smith anofungisisa pamusoro pezvinyorwa zvaPetro nokushanya kwaIshe wedu kunyika yemweya; 11–24, Mutungamiri Smith anoona vakarurama vakafa vakaungana muparadiso nehushumiri hwaKristu mukati mavo; 25–37, Anoona kurongwa kwakanga kwakaitwa maparidzirwo evhangeri pakati pemweya; 38–52, Anoona Adama, Eva, nevazhinji vevaporofita vatsvene munyika yemweya, vari avo vaiona magariro avo semweya, vasati vamuka kuvakafa semuhusungwa; 53–60, Vakafa vakarurama vanhasi vanoenderera mberi nemabasa avo munyika yemweya.

1 Musi wa3 Gumiguru, mugore rechiuru nemazana gumi nemapfumbamwe ane gumi nesere, ndakagara mumba mangu ndichifungisisa nezvemagwaro matsvene;

2 Uye ndichifunga pamusoro pemupiro werudzikinuro rwukuru, wakaitwa neMwanakomana waMwari, kununura nyika;

3 Uye rudo rwukuru uye rwunoshamisa rwakaratidzwa naBaba neMwanakomana mukuuya kweMununuri pasi pano;

4 Kuti kuburikidza nerudzikinuro rwake, nokuteerera kumisimboti yevhangeri, vanhu vose vangaponiswe.

5 Pandakanga ndabatikana kudaro, pfungwa yangu yakaenda kuzvinyorwa zvamuapositori Petro, kuvatendi vekare vakapararira kwose muPonto, Garatia, neKapadokia, nedzimwe nzvimbo dzeAsia, uko kwakanga kwaparidzwa vhangeri mushure mekuroverwa kwaIshe.

6 Ndakazarura Bhaibheri uye ndikaverenga chitsauko chechitatu nechina chegwaro rekutanga raPetro, uye pandakanga ndichiverenga ndakanakidzwa zvikuru zvandisina kumboitwa kare, nemitsetse inotevera iyi:

7 “Nokuti naiyewo Kristu akambotambudzikira zvitadzo, akarurama kuitira asina kururuma, kuti atiunze kuna Mwari, achipinzwa murufu panyama, asi achamutswa neMweya:

8 “Kuburikidza nawo akaenda kunoparidza kumweya mutirongo;

9 “Yaive pane dzimwe nguva isinga teerere, apo mwoyo murefu waMwari wakamirira mumazuva aNoa, apo areka yaigadzirirwa umo vashoma zvinoreva kuti mweya misere yakaponeswa nemvura.” (1 Petro 3:18–20.)

10 “Nokuti, nokuda kwechikonzero ichi vhangeri rakaparidzwawo kune avo vakafa, kuti vagotongwa sevanhu vapenyu munyama, asi vagogara maererano naMwari mumweya.” (1 Petro 4:6.)

11 Zvandaifunga pamusoro pezvinhu izvi zvakanyorwa, maziso ekunzwisisa kwangu akazururwa, uye Mweya waIshe ukave pandiri, uye ndikaona mhomho dzevakafa, vose vadiki nevakuru.

12 Uye pakanga pakaungana pamwechete isingaverengeke mweya yevakarurama, avo vakanga vari vaitendeka muuchapupu hwaJesu zvavakanga vachigara muupenyu hwekufa;

13 Uye vari ivo vakanga vachipa mipiro yaifanana nemupiro mukuru weMwanakomana waMwari, uye vakatambudzwa muzita reMununuri wavo.

14 vose ava vakanga vabva muupenyu hwokufa, vakasimba mutariro yekumutswa kuvakafa kuburikidza nenyasha dzaMwari Baba uye naiyewo neMwanakomana Wavo Mumwechete Akaberekwa, Jesu Kristu.

15 Ndakaona kuti vakanga vakazara nokufara uye nomufaro, uye vakanga vachifara pamwechete nokuti zuva ravo rokusunungurwa rakanga rave pedyo.

16 Vakanga vakaungana vakamirira kuuya kweMwanakomana waMwari munyika yemweya, kuzotaura kununurwa kwavo kubva mumajoto erufu.

17 Guruva ravo rirere richadzorerwa kuchimiro charo chaicho, bvupa kubvupa rake, uye marunda nenyama ari paari, mweya nemuviri zvobatanidzwa kuti hazvichambofa zvakasiyaniswa, kuti vagogashira rufaro rwuzere.

18 Pakange mhomho iyi yakamirira uye ichitaura, vachifara munguva yavo yekusunungurwa kubva kungetani dzerufu, Mwanakomana waMwari akaonekwa, achitaura rusununguko kuvasungwa vakanga vakatendeka;

19 Uye ipapo akavaparidzira vhangeri risingaperi, dzidziso yekumuka kuvakafa nokununurwa kwerudzi rwevanhu kubva mukupunzika, nokubva muzvitadzo zvemunhu kuburikidza nekutendeuka.

20 Asi kune vakaipa haana kuenda, uye mukati mevasina humwari nevaisatendeuka, vakanga vazvisvibisa vari munyama, izwi rake harina kusimudzwa;

21 Kana avo vakapanduka avo vakaramba uchapupu neyambiro yevaporofita vekare, havana kumuona kana kutarisa pachiso chake.

22 Pavakange vari ava, rima raitonga, asi pakati pevakarurama paive nerunyararo;

23 Uye vatendi vakafara mukununurwa kwavo, uye vakapfugama nemabvi uye vakaratidza kuti Mwanakonana waMwari ndiye Mununuri wavo neMusununguri wavo kubva murufu nengetani dzegehena.

24 Zviso zvaipenya, uye kubwinya kwaibva mukuvepo kwaIshe kwakawira pavari, uye vakaimba kurumbidza kuzita ravo dzvene.

25 Ndakashamiswa, nokuti ndaiziva kuti Muponesi akapedza makore angangoita matatu mubasa rake pakati pemaJuda neavo vemba yaIsraeri, achiedza kuvadzidzisa vhangeri risingaperi nokuvadaidza kuti vatendeuke;

26 Uye asika, kana dai basa rake raive guru, nezvishamiso, nokutaura chokwadi, musimba guru nemvumo, kwaive nevashoma vainzwa izwi rake, uye vachifara paari, uye vakagashira ruponeso kubva mumaoko ake.

27 Asi hushumiri hwake pakati peavo vakanga vakafa hwakave kwechinguva chidiki chakavepo kubvira paakarovererwa uye nokumuka kwakwe kuvakafa;

28 Uye ndakashamiswa nemazwi aPetro—apo paakati Mwanakoma waMwari akaparidzira mweya iri mutirongo, avo dzimwe nguva vakanga vasingateerere, apo mwoyo murefu waMwari wakamirira mumazuva aNoa—uye nokuti zvakagonekwa sei kwaari kuti aparidzire kumweya iyoyo uye achiita basa raidiwa kuti aite pakati pavo munguva pfupi-pfupi yakadaro.

29 Uye ndichishamiswa kudaro, maziso angu akazarurwa, uye kunzwisisa kwangu kukapamhidzirwa, uye ndikaona kuti Ishe havana kuenda ivo pachavo pakati pevakaipa nevasingateerere avo vakanga vakaramba chokwadi, kuti vanovadzidzisa;

30 Asi tarisai, kubva mukati mevakarurama, akaronga zvikwata zvake uye akadoma vatumwa, vakapfekedzwa simba nemvumo, uye akavatuma kuti vaende uye vatakure chiedza chevhangeri kune avo vakanga vari murima, kana kune yose mweya yevanhu; uye ndiko kuparidzwa kwakaitwa vhangeri kune vakafa.

31 Uye vatumwa vakasarudzwa vakaenda kunotaura zuva rakanaka raIshe uye vakaparidza rusununguko kuvasungwa vakanga vakabatwa, kana kune vose vaida kutendeuka kubva muzvivi zvavo uye vachigashira vhangeri.

32 Ndiko kuparidzwa kwakaitwa vhangeri kune avo vakanga vafa vari muzvitadzo zvavo, vasina ruzivo rwechokwadi, kana mukutyora murau, vari vakaramba vaporofita.

33 Ava vakadzidziswa kutenda munaMwari, kutendeuka kubva muchitadzo, rubhabhatidzo rwekuitirwa nemumwe kuti varegererwe zvivi, chipo cheMweya Mutsvene nekugadzwa maoko,

34 Uye neyese mitemo yevhangeri yainge iri yakafanira kwavari kuti vazive kuti vagokodzera kuti vagotongwa sevanhu venyama, asi vachigara zviri maererano naMwari mumweya.

35 Uye saka zvakaziviswa pakati pevakafa, vose vadiki nevakuru, vasakarurama nevakatendeka, kuti rununuro rwakauya kuburikidza nemupiro weMwanakomana waMwari pamuchinjikwa.

36 Ndokuziviswa kwazvakaitwa kuti Mununuri wedu akashandisa nguva yake mukushanya kwake kwekanguva kunyika yemweya, achidzidzisa nokugadzira mweya yakatendeka yevaporofita avo vakanga vapupura nezvake munyama.

37 Kuti vatakure mashoko erununuro kune vose vakafa, kune avo kwaakanga asingagone kuenda iye pachake, pamusana pekupanduka kwavo nokutyora murau kwavo, kuti ivo kuburikidza nokushanda kwevaranda vake vanganzwe mazwi ake.

38 Mukati mevakuru nevanotyiwa vakanga vakaungana mugungano guru iri revakarurama maive naBaba Adama, Mukweguru waMazuva uye baba wavose,

39 Uye naAmai vedu vanokudzwa Eva, vaine vazhinji vavo vakavimbika avo vakagara mumazera ose uye vachinamata Mwari wechokwadi nemupenyu.

40 Aberi, wekutanga kuponderwa zvaaitenda, aivepo, nemunin’ina wake Seti, mumwe wevaityiwa, akanga ari mufananidzo chaiwo wababa vake, Adama.

41 Noa, uyo akayambira vanhu pamusoro pemvura zhinji; Shemi, mupirisita wepamusoro mukuru; Abrahama, baba wevakatendeka; Isaka, Jakobo, naMosesi, mupi mukuru wemutemo weIsraeri;

42 Uye Isaya, akataura nechiporofita kuti Mununuri akazodzwa kuti arape vakaora mwoyo, kuparidza rusununguko kune vakasungwa, uye kuzururwa kwetirongo kune avo vakabatwa, vakanga varipowo.

43 Kana naEzekieri, uyo akaratidzwa muchiratidzo nhika inotyisa yemapfupa akaoma, ayo aizopfekedzwa nyama, kuti agouya zvakare mukumuka kuvakafa kwevakafa, ave mweya mipenyu;

44 Danieri, uyo akaona uye akataura kumiswa kweumambo hwaMwari mumazuva ekupedzisira, uye husingazoparadzwa zvakare kana kupihwa kune vamwe vanhu;

45 Eria, uyo akanga aina Mosesi paGomo reKushandurwa;

46 Uye naMaraki, muporofita akapupura pamusoro pekuuya kwaErija—uyowo akataurwa naMoronai kuna Muporofita Joseph Smith, achitaura kuti achauya zuva rinotyisa uye guru raIshe risati rauya—vakanga varipowo.

47 Muporofita Erija aizodyara mumwoyo yevana zvivimbiso zvakaitwa kumadzibaba avo.

48 Kuratidza basa guru richaitwa mumatemberi aIshe mukowo wekuzara kwenguva, kuti vakafa vanunurwe, nokusunganidzwa kwevana kuvabereki vavo, nokuti pasi rose ringarohwe nekutukwa uye ikaparadzwa zvachose pakuuya kwake.

49 Zvose izvi nezvimwe zvakawanda, kunyangwe vaporofita vaigara mukati memaNifai uye vachipupura kuuya kweMwanakomana waMwari, vaifamba famba mugungano guru iro uye vakamirira kuponeswa kwavo,

50 Nokuti vakafa vakange votarisa kusaveko kwemweya yavo mumiviri yavo sehusungwa.

51 Avo Ishe akavadzidzisa, uye akavapa simba rekuuya mushure mekumuka kwake kubva kuvakafa, kuti vapinde muumambo hwaBaba vake imomo kuti vagopfekedzwa kusafa neupenyu hwokusingaperi.

52 Uye vachienderera mberi imomo vachaiita basa ravo sezvakanga zvavimbiswa naIshe, uye kuti vavevawani vemaropafadzo ose ayo akange akachengeterwa ivo vanomuda.

53 Muporofita Joseph Smith, nababa vangu, Hyrum Smith, Brigham Young, John Taylor, Wilford Woodruff, nemimwe mweya yakakodzera yakanga yakamisirwa kuti igouya mukuzara kwenguva kuti vagove mukuhwarika hwaro huru yemazuva ekupedzisira,

54 Kusanganisa kuvakwa kwematemberi nokuitwa kwezvisungo imomo kuitira rununuro rwevakafa, vakanga varimo munyika yemweya.

55 Ndakaona kuti vakanga varimo mukati mevanoremekedzwa nevakuru avo vakanga vasarudzwa pakutanga kuti vave vatongi muChechi yaMwari.

56 Kunyangwe vasati vazvarwa, ivo nevamwe vazhinji, vakagashira zvidzidzo zvavo zvekutanga munyika yemweya uye vakagadzirirwa kuti vagouya nenguva yakafanira yaIshe kuzoshanda mumunda wavo wemizambiringa kuitira ruponeso rwemweya yevanhu.

57 Ndakaona kuti magosa akatendeka emukuwo uno, pavanobva muupenyu hwekufa, vanoenderera mberi nebasa ravo mukuparidza vhangeri rerutendeuko nerununuro, kuburikidza nemupiro neMwanakomana Mumwechete Akaberekwa waMwari, pakati peavo vari murima uye vari muhusungwa hwechivi munyika huru yemweya yevakafa.

58 Vakafa vanotendeuka vachanunurwa, kuburikidza nokuteerera kuzvisungo zvemumba yaMwari.

59 Uye mushure mekunge varangwa pamusana pekutadza kwavo, uye vagezwa vakachena, vachagashira mubairo maererano nemabasa avo, nokuti vadyi venhaka yeruponeso.

60 Ndizvo zvakanga zvakaita chiratidzo cherununuro rwevakafa, chakaratidzwa kwandiri, uye ndinopupura, uye ndinoziva kuti uchapupu uhwu ndehwechokwadi, kuburikidza nemaropafadzo aIshe neMuponesi wedu, Jesu Kristu, kunyangwe saizvozvo. Ameni.