Mepu 10
Kanani Munguva yeTestamente Yakare
-
Dani (Raisha) Jeroboami akamisa chimhuru chegoridhe kuti chigonamatwa neHutongi hweKuchamhembe (Ⅰ Madz. 12:26–33). Dani raive magumo ekuchamhembe kweIsraeri yakare.
-
Gomo reKarmeri Erija akakoka mapirisita aBaari uye akavhura matenga kuti mvura inaye (Ⅰ Madz. 18:17–40).
-
Megido Nzvimbo yehondo dzakawanda (Vat. 4:13–16; 5:19; Ⅱ Mak. 35:20–23; Ⅱ Madz. 23:29). Soromoni akaunganidza vanhu kuti vagovaka Megido (Ⅰ Madz. 9:15). Mambo Josia weJuda akakuvadzwa zvikamuuraya muhondo yake naFarao Neko weEgipita (Ⅱ Madz. 23:29–30). Pakuuya kwechipiri kwaIshe, kupesana kukuru uye kwekupedzesera kuchatora nzvimbo muNhika yeJezreeri sechikamu chehondo yeHarmagedoni (Joere 3:14; Zvaka. 16:16; 19:11–21). Zita rekuti Harmagedoni nderechiGiriki richitsanangurwa kubva kuchiHeberu Har Magedoni kana kuti Gomo reMegido.
-
Jezreeri Zita reguta riri munhika huru uye yakaorera yeIsraeri inezita remwechetero. Madzimambo eUmambo hweKuchamhembe vakavaka muzinda wamambo pano (Ⅱ Sam. 2:8–9; Ⅰ Madz. 21:1–2). Mambokadzi akaipisa Jesaberi akagara uye akafira pano (Ⅰ Madz. 21; Ⅱ Madz. 9:30).
-
Beti-shani MaIsraeri vakatarisana nemaKanani pano (Josh. 17:12–16). Mutumbi waSauro wakasungirirwa kumadziro emuzinda uno (Ⅰ Sam. 31:10–13).
-
Dotani Josefa akatengeswa muhunhapwa nevakoma vake (Gen. 37:17, 28; 45:4). Erisha akave nechiratidzo chegomo rakazara nemabhiza nengoro dzehondo (Ⅱ Madz. 6:12–17).
-
Samaria Guta guru reUmambo hweKuchamhembe (Ⅰ Madz. 16:24–29). Mambo Ahabi akavaka temberi kuna Baari (Ⅰ Madz. 16:32–33). Erija naErisha vakashumira (Ⅰ Madz. 18:2; Ⅱ Madz. 6:19–20). Muna 721 Kristu asati azvarwa maAsiria vakarikunda, vakazazikisa kupambwa kwemadzinza 10 (Ⅱ Madz. 18:9–10).
-
Shekemi Abrahama akavaka arita (Gen. 12:6–7). Jakobo akagara pano. Simeoni naRevi vakaparadza varume vose veguta rino (Gen. 34:25). Hurudziro yaJoshua yekuti “sarudzai … zuva ranhasi” kushandira Mwari yakabva muShekemi (Josh. 24:15). Pano Jeroboami akamisa guta guru rekutanga reUmambo hweKuchamhembe (Ⅰ Madz. 12).
-
Gomo reEbari neGomo reGerizimi Joshua akapatsanuru maIsraeri muzvikwata zviviri—makomborero emutemo akaparidzwa paGomo reGerizimi, ukuwo kutukwa kwakafanodudzirwa kubva paGomo reEbari (Josh. 8:33). Mushure maSamaria vakazovaka temberi paGerizimi (Ⅱ Madz. 17:32–33).
-
Penueri (Penieri) Pano Jakobo akarwisana husiku hwose nemutumwa waIshe (Gen. 32:24–32). Gideoni akaparadza muzinda wemaMidiani (Vat. 8:5, 8–9).
-
Jopa Jona akasumuka nengarava kubva pano achienda nechekuTarshishi achinzvenga hushumiri hwake kuNinive (Jona 1:1–3).
-
Shiro Munguva dzeVatongi, Guta guru reIsraeri netabernakeri zvakange zviri pano (Ⅰ Sam. 4:3–4).
-
Beteri (Ruzi) Pano Abrahama akaparadzana naRoti (Gen. 13:1–11) uye akaona chiratidzo (Gen. 13; Abr. 2:19–20), Jakobo akaona chiratidzo chemanera aisvika kudenga (Gen. 28:10–22). Tabernakeri yakange iri pano kwechinguvana (Vat. 20:26–28). Jeroboami akamisa chimhuru chegoridhe kuti Umambo hweKuchamhembe hugonamata (Ⅰ Madz. 12:26–33).
-
Gibeoni Vanhu vechiHivi pano vakanyengedza Joshua mukuita chisungo (Josh. 9). Zuva rakambomira apo Joshua aikunda muhondo (Josh. 10:2–13). Iyi yaive nzvimbo yetabernakeri kwechinguvana (Ⅰ Mak. 16:39).
-
Gaza, Ashdodi, Ashkeroni, Ekroni, Gadi (maguta mashanu eFiristia). Kubva kumaguta aya maFiristia vaiwanzo ita hondo kunemaIsraeri.
-
Betrehema Rakeri akavigwa padyo nepano (Gen. 35:19). Rute naBoazi vakagara pano (Rute 1:1–2; 2:1, 4). Raideedzwa kunzi guta raDavidi (Ruka 2:4).
-
Hebroni Abrahama (Gen. 13:18), Isaka, Jakobo, (Gen. 35:27), Davidi (Ⅱ Sam. 2:1–4), naAbsaromi (Ⅱ Sam. 15:10) vakagara pano. Iri ndiro raive guta guru rokutanga reJuda pasi paMambo Davidi (Ⅱ Sam. 2:11). Zvinofungidzirwa kunzi Abrahama, Sara, Isaka, Rebeka, Jakobo, naRea wakavigirwa pano mubako raMakpera (Gen. 23:17–20; 49:31, 33).
-
Eni-gedi Davidi akahwanda kubva kunaSauro uye akaponesa upenyu hwaSauro (Ⅰ Sam. 23:29; 24:1–22).
-
Gerari Abrahama naIsaka vakagara pano kwechinguvana (Gen. 20–22; 26).
-
Beeri-sheba Abrahama akachera tsime pano akabvumirana naAbimereki (Gen. 21:31). Isaka akaona Ishe (Gen. 26:17, 23–24), uye Jakobo akagara pano (Gen. 35:10; 46:1).
-
Sodoma neGomora Roti akasarudza kugara muSodoma (Gen. 13:11–12; 14:12). Mwari akaparadza Sodoma neGomora nokuda kwehuipi (Gen. 19:24–26). Jesu mushure akazoshandisa maguta aya semifananidzo yehuipi (Mat. 10:15).