Zvibatsiro Zvekudzidza
14. Bwiro reMubindu


14. Bwiro reMubindu

Iyi inzvimbo yagara ichingozivikanwa yakavigirwa Muponesi. Maporofita amazuva ano vakati wandei vakanzwa kuti mutumbi weMuponesi wakaradzikwa muno mubwiro remubindu.

Zviitiko Zvinokosha: Mushure mekufa kweMuponesi pamuchinjikwa, mutumbi wake wakaiswa muguva idzva rakacherwa kubva mubwe (Mat. 27:57–60). Muzuva rechitatu, vakadzi vakati wandei vakenda kuguva vakaona kuti mutumbi weMuponesi wakange usisimo (Mat. 28:1; Joh. 20:1–2). Vaapositori vanoti Petro naJohane vakaendawo kuguva vakaona kuti mutumbi weMuponesi wakange usisimo (Joh. 20:2–9). Muponesi akamuka kuvakafa akazviratidza kuna Maria Magdarene (Joh. 20:11–18).

Mufananidzo
mufananidzo 14

14. Bwiro reMubindu Maporofita akati wandei vemazuva ano vakatsanangura manzwiro ekuti apa ndipo pakaradzikwa mutumbi weMuponesi muguva raJosefa weArimatea mushure meKurovererwa Pamuchinjkwa.