Zvibatsiro Zvekudzidza
28. Dani


28. Dani

Guta rekare iri rainzi Reshemi (Josh. 19:47) kana Raisha (Vat. 18:7, 14) maIsraeri vasati vapamba nyika iyi. Zvitubu zviri panzvimbo iyi pamwechete nezvitubu zviripaKesaria Firipo, ndizvo mavambo makuru eRwizi rweJordani.

Zviitiko Zvinokosha: Abrahama akanunura Roti (Gen. 14:13–16). Dzinza raDani rakapamba nzvimbo iyi vakaitumidza kuti Dani (Josh. 19:47–48). Jeroboami akamisa chimhuru chegoridhe chakakonzera kuparadzwa kwemadzinza 10 ekuchamhembe (Ⅰ Madz. 12:26–33). Dani raive guta ramaIsraeri rekuchamhembe kwekupedzisira ndosaka magwaro matsvene achitaura nezvenyika yeIsraeri “kubva kuBeeri-sheba kusvikira kuDani” (Ⅱ Mak. 30:5; Beeri-sheba raive guta rechekumaodzanyemba kwekupedzesera). (Ona Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Dani.”)

Mufananidzo
mufananidzo 28

28. Dani Guta reTestamente yaKare rakambenge riri pano rairatidza muganhu wekupedzesera kuchamhembe kweIsraeri.