16. Shiro
Muchiratidzwa ichi chekumadokero, masvingo eguta rakare ari nechekuruboshwe zvishomanana kubva pakati pemufananidzo. Ari pachikomo chiduku chakatenderedzwa nezvikomo zvirefu.
Zviitiko Zvinokosha: Madzinza emaIsraeri vakaungana vakagashira mugove wavo wenzvimbo (Josh. 18–22). Tabernakeri neareka yechibvumirano yakagadzwa pano ikagara pano kwemazana emakore (Josh. 18:1). Pano Hana akanamata uye akakumikidza mwanakomana wake Samueri kubasa raIshe (Ⅰ Sam. 1). MaIsraeri vakatora areka kubva kuShiro ndobva vakundwa nemaFiristia, avo vakabva vazotora areka (Ⅰ Sam. 4:1–11).