Zvibatsiro Zvekudzidza
4. Kadeshi-barnea


4. Kadeshi-barnea

Uku pakati pekuchamhembe nekumabvazuva kwenhika yegwenga guru (kunonziwo wadhi) uko kune nzvimbo yeKadeshi-barnea. Rukova kanoerera pano panguva yezhizha kanoita kuti kanzvimbo aka kave kakanyatsonyorovera nezvibereko murenje reZini.

Zviitiko Zvinokosha: Iyi ndiyo ingangove nzvimbo inove Mosesi akatuma varume 12 kunofeya feya nzvimbo yeKanani (Num. 13:17–30). Yaishandiswa semusasa nemaIsraeri mumakore makumi matatu nemasere kubva mukakore makumi mana avo ekungotenderera murenje (Deut. 2:14). Miriami akafa nekuvigirwa pano (Num. 20:1). Apa ndipo pachiitikiro chekupanduka kwa Kora, kunyunyuta kwevanhu, uye nekutumbuka kwetsvimbo yaAroni (Num. 16–17). Padyo nepano ndipo pakarova Mosesi dombo mvura ikabuda (Num. 20:7–11).

Mufananidzo
mufananidzo 4

4. Kadeshi-barnea Nharaunda iyi, inozivikanwa seKadeshi-barnea, pangangove ipo maIsraeri vakavaka musasa wavo munguva dzavo dzamakore makumi mana vari murenje.