Zvibatsiro Zvekudzidza
Mamepu neChinongedzo cheNzvimbo dzeMazita


Mamepu neChinongedzo cheNzvimbo dzeMazita

Mamepu anotevera anogona kukubatsira kuti unzwisise zvirinani magwaro matsvene. Nekuziva mamiriro enyika dzakataurwa mumagwaro matsvene, unogona kunzwisisa zvirinani zviitiko zvemumagwaro matsvene.

  1. Mepu yeChimiro cheNzvimbo Tsvene

  2. Rwendo rweMaisraeri Kubva muEgipita Nekupinda muKanani

  3. Kupatsanurwa kweMadzinza 12

  4. Hutongi hwaDavidi naSoromoni

  5. Hutongi hweAsiria

  6. Hutongi hweBabironi Itsva (Nebukadnezari) neUmambo hweEgipita

  7. Hutongi hwePersia

  8. Hutongi hweRoma

  9. Nyika yeTestamente Yakare

  10. Kanani Munguva yeTestamente Yakare

  11. Nzvimbo Tsvene Munguva yeTestamente Itsva

  12. Jerusarema Panguva YaJesu

  13. Nzendo Dzehushumiri Dzemuapositori Pauro

  14. Kukwirira kweNzvimbo Tsvene Munguva dzeBhaibheri

Munongedzo wemazita enzvimbo wakarongwa nemurongerwo wemavara earufabheti unogona kukubatsira kuwana nzvimbo yaurikunyatsodisisa pamamepu. Chose chinyorwa chinosanganisira nhamba yemepu zvichiteverwa nemutsara wekukuratidza wakabatanidzwa mavara nenhamba pamwechete. Semuenzaniso, chinyorwa cheRaba (Amman) pamepu yekutanga chinoratidzwa se1:D5; zvichereva kuti, mepu 1 sikweya D5. Unokwanisa kuwana masikweya aurikuda pamepu yega-yega nekutarisa zvinobatsira zviripamusoro nezvirimumativi emepu yacho. Mamwewo mazita akasiyana enzvimbo akanyorwa akaiswa mukati memabhuraketsi, zvichireva kuti rimwe zita raishandiswa kare kana ravakushandiswa; semuenzaniso, Raba (Amman). Chiratidzo chemubvunzo kana chiripo chichitevera zita chinoreva kuti zvimbo iripamepu ingangove kana kugona kuvepo asi hazvisati zvave nechokwadi.

Zvinotevera izvi ndiyo nzira yekunzwisisa nayo mavara nemanyorerwo akasiyana-siyana akashandiswa pamamepu. Pamusoro pezvo mepu yega-yega inogona kunge iine makiyi anetsananguro yezviratidzo zvakawedzerwa zvinoenderana nemepu yacho iyoyo.

Donhwe dzvuku rinomirira guta guru kana dhorobha. Mutsetse panedzimwe nguva unogona kunongedza kubva padonhwe kusvika kunezita reguta kana nzvimbo.

Chipaikiro chinomirira gomo.

Dead Sea

Manyorerwo aya anoshandiswa kutsanangura mamiriro enzvimbo dzepasi senyanza, magungwa, madziva, nzizi, makomo, marenje, nhika, magwenga nezvitsuwa.

Jerusarema

Manyorerwo aya anoshandiswa pamaguta nemadhorobha ose (uye nekunyatsotsanangura mamiriro enzvimbo pamepu yeguta reJerusarema).

Moabi

Manyorerwo aya anoshandiswa kumiganhu yezvematongerwo enyika midiki zvakaita sematunhu, vanhu, nedzinza.

Juda

Manyorerwo aya anoshandiswa kumiganhu yezvematongerwo enyika mikuru yakaita semarudzi, nyika, nemiganhu yenyika huru.