Zvibatsiro Zvekudzidza
24. Kapernaume


24. Kapernaume

Kapernaume, inowanikwa kuchamhembe kwemahombekombe eGungwa reGarirea, yakange iri nzvimbo huru muhushumiri hwaJesu hwemuGarirea (Mat. 9:1–2; Marko 2:1–5). Nzvimbo inokosha uye yakabudirira yekuraura hove nekutengeserwa, yaive musha kuneJentairi neJuda zvakare. Makore zana okutanga huwandu hwevanhu hungange hwaisadarika vanhu vanokwana 1,000. Kapernaume yakange iri panosangana nzira dzekufambidzana kweupfumi dzinokosha, yakatenderedzwa nenzvimbo dzinemaguta. Mauto emaRoma akavaka dzimba dzekugezera nedzekuchengetera zvinhu pano, zvikawedzera kukurongeka kwezvemagariro evanhu nezvivako zveruzhinji zvakavakwa zvakanaka. Kunyangwe zvazvo zvishamiso zvakawanda zvakaitirwa pano, vanhu vaiwanzoramba Hushumiri hweMuponesi. Naizvozvo Jesu akatuka guta (Mat. 11:20, 23–24). Nenguva, Kapernaume yakave dongo uye haisi kugarwa.

Zviitiko Zvinokosha: Kapernaume raizivikanwa se “guta rake” Muponesi (Mat. 9:1–2; Marko 2:1–5). Akaita zvishamiso zvakawanda panzvimbo iyi. Semuenzaniso, akarapa vanhu vakawanda (Marko 1:32–34), kusanganisira muranda wemukuru wamauto (Ruka 7:1–10), Ambuya vaPetro (Marko 1:21, 29–31), uyo airwara nechirwere chinopedza simba nhengo dzemuviri dzose akadzikiswa nepamusoro pemba (Marko 2:1–12), nemurume aive neruoko rwakaremara (Mat. 12:9–13). Pano zvakare Jesu akadzinga mweya yakaipa (Marko 1:21–28, 32–34), Akamutsa mwanasikana waJairosi kubva kuvakafa (Marko 5:22–24, 35–43), akaparidza nezvemharidzo yezvechingwa cheupenyu muimba yekunamatira paKapernaume (Joh. 6:24–59). Muponesi akaudza Petro kuti abate hove muGungwa reGarirea, ogoivhura muromo, uye agowana ndarama yekuzonobhadharisa nayo mutero (Mat. 17:24–27).

Mufananidzo
mufananidzo 24

24. Kapernaume Matongo mashomanana chete ndiwo asara kuratidza nzvimbo yeguta Muponesi akaita zvishamiso zvake zvakawanda.