Zvibatsiro Zvekudzidza
6. Nyika yeChikomo cheJuda


6. Nyika yeChikomo cheJuda

Nyika yechikomo cheJuda ingangova makiromita makumi mashanu nemanhatu kureba nemakiromita makumi maviri nemanomwe muhupamhi. Nzvimbo huru yenyika iyi rukangarabwe uye inonetsa kurima. Zvikomo izvi zvakapatsanurwa nenhika dzinove nzvimbo dzinemaguta. MaIsraeri vekutanga vaigara muzvikomo izvi, vachizvishandisa kuzvidzivirira kubva kuvapambi. Jerusarema iri munzvimbo iyi.

Zviitiko Zvinokosha: Ishe vakavimbisa nzvimbo iyi kunaAbrahama nezvizvarwa zvake (Gen. 13:14–18; 17:8). Sara naAbrahama vakavigwa mubako reMakpera, muHebroni (Gen. 23:19; 25:9). Davidi akapamba Jerusarema kubva kumaJebusi (Ⅱ Sam. 5:4–9). Zviitiko zwakawanda muTestamente yaKare zvakanyorwa zvichinzi zvakaitikira muzvikomo izvi kudarika mamwe matunhu zvawo.

Mufananidzo
mufananidzo 6

6. Nyika yeChikomo cheJuda Nzvimbo isina kutsetseka seino iyi inozadza nzvimbo yakanyanya yeNzvimbo Tsvene Kumaodzanyemba neKumabvazuva kweJerusarema.