Zvibatsiro Zvekudzidza
8. Jerusarema


8. Jerusarema

Wakatarisa nechekuchamhembe. Pakati pemufananidzo uyu pane muzinda nzvimbo ino remekedzwa yechiIziramu wakafukidzwa nehwidibiro yegoridhe, inonzi Hwidibiro yeBwe. MaJuda ainamatira mumatemberi akange ari pano nechekare. Madziro aripedyo nehwidibiro yeBwe anotenderedza guta rekare reJerusarema. Nechekurudyi kwedziro kune Nhika yeKidroni. Nechekumberi mberi kurudyi kune Gomo reMiorivhi. Nechekuchamhembe, kuseri kweHwidibiro reBwe, ingangova nzvimbo yeGorgota, kana kuti Karuvari.

Zviitiko Zvinokosha: Jerusarema rainzi Saremi kare kare (Mpi. 76:2). Abrahama akabhadara zvegumi kuna Merkizedeki (Gen.14:18–20). Abrahama akauya kuzopira Isaka (Gen. 22:2–14). Mambo Davidi akapamba Jerusarema kubva kumaJebusi (Ⅱ Sam. 5:4–9). Mambo Soromoni vakavaka temberi (Ⅰ Madz. 6–7). Rihai akabva achienda kunyika yechipikirwa (1 Ni. 1:4; 2). Muponesi akashumira, akadzikinura muzvitadzo zvedu, uye akamuka kuvakafa (Mat. 21–28). Sekuporofita kwakaitwa neMuponesi, Jerusarema yakaparadzwa nguva shoma mushure merufu rwake (JS—Mat. 1:3–20). Jerusarema ichapambwa mumazuva ekupedzisira (Ezk. 38–39; Joere 2–3; Zvaka. 11; 16). Muponesi achazviratidza pano chinguvana asati auya Kuuya Kwechipiri (Zek. 12–14; D&Z 45:48–53). (Ona Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Jerusarema,” “Saremi.”)

Mufananidzo
mufananidzo 8

8. Jerusarema Guta iri rinotorwa sedzvene nezvitendero zvitatu—chiKristu, chiJuda, nechiIziramu.