Zvibatsiro Zvekudzidza
23. Gungwa reGarirea neGomo reMharidzo yaPagomo


23. Gungwa reGarirea neGomo reMharidzo yaPagomo

Wakatarisa kumaodzanyemba kwadziva kumadokero nechepamusoro pekuchamhembe kwakadziva kumadokero epanosangana pagonyorwa reGungwa reGarirea, dziva remvura yakachena. Tiberiasi inowanika nechemberi kwedivi remahombekombe uye mberi kuruboshwe kwemufananidzo. Chikomo chiripakati penzvimbo iyi ndiyo nzvimbo yagara ichingozivikanwa kuti iGomo reMharidzo yaPagomo. Kapernaume iri kuruboshwe kunze kwemufananidzo.

Zviitiko Zvinokosha:Muponesi akapedza nguva yake zhinji yehushumiri hwake pasi pano mudunhu rino. Pano akadeedza nekugadza Vaapositori vaneGumi neVaviri (Mat. 4:18–22; 10:1–4; Marko 1:16–20; 2:13–14; 3:7, 13–19; Ruka 5:1–11), akadzidzisa Mharidzo yepaGomo (Mat. 5–7), akadzidzisa nemungano (Mat. 13:1–52; Marko 4:1–34). Zvishamiso zvaakaita zvinosanganisira: akarapa aive nemaperembudzi (Mat. 8:1–4); akanyaradza dutu remvura (Mat. 8:23–27); akaburitsa kubva mumurume wechidiki mweya yakaipa yakawanda, iyo yakazopinda munguruve dzikamhanyira mugungwa (Marko 5:1–15); akamutsa mwanasikana waJairosi kubva kuvakafa (Mat. 9:18–19, 23–26; Marko 5:22–24, 35–43); akapa chokudya kuvanhu vanokwana 5,000 ne4,000 (Mat. 14:14–21; 15:32–38); akaraira vadzidzi vake kuti vakande mambure, zvakazoita kuti vabate hove zhinji (Ruka 5:1–6); akarapa vanhu vakawanda (Mat. 15:29–31; Marko 3:7–12); uye akazozviratidza mushure meKumuka kwake kuti adzidzise vadzidzi vake (Marko 14:27–28; 16:7; Joh. 21:1–23).

Mufananidzo
mufananidzo 23

23. Gungwa reGarirea neGomo reMharidzo yaPagomo Kuchikomo ichi ndiko kunzvimbo yagara ichingozivikanwa yeMharidzo yeMuponesi yapaGomo (ona Mat. 5–7).