Mepu 2
Rwendo rweMaisraeri Kubva muEgipita Nekupinda muKanani
-
Ramesesi Israeri akatandaniswa kubva muEgipita (Eks. 12; Num. 33:5).
-
Sukoti Mushure mekunge maHeberu vabva panzvimbo yemuzinda uyu wekutanga, Ishe vakavatungamirira masikati arimushongwe yegore uye ari mushongwe yemoto kana huru husiku (Eks. 13:20–22).
-
Pihahiroti Israeri akapfuura nemuGungwa Dzvuku (Eks. 14; Num. 33:8).
-
Mara Ishe vakaponesa mvura dzeMara (Eks. 15:23–26).
-
Erimi Israeri akamisa musasa pazvitubu 12 (Eks. 15:27).
-
Renje reSini Ishe vakatumira mana nezvihuta kuti maIsraeri vadye (Eks. 16).
-
Refidimi Israeri akarwa naAmareki (Eks. 17:8–16).
-
Gomo reSinai (Gomo reHorebi kana Jebero Musa) Ishe vanoburitsa Pachena Mitemo Gumi (Eks. 19–20).
-
Renje reSinai Israeri anovaka tabernakeri (Eks. 25–30).
-
Misasa yemuRenje Makumi manomwe emagosa akadaidzwa kuti vabatsire Mosesi kutonga vanhu (Num. 11:16–17).
-
Ezioni-geberi Israeri akapfuura nemuminda yaEsau naAmoni murunyararo (Deut. 2).
-
Kadeshi-barnea Mosesi akatumira vasori munyika yechipikirwa; Israeri anopanduka nekukoniwa kupinda munzimbo; Kadeshi yakashanda semusasa mukuru wemaIsraeri kwemakore akawanda kwazvo (Num. 13:1–3, 17–33; 14; 32:8; Deut. 2:14).
-
Renje reKumabvazuva Israeri anonzwenga kusawirirana naEdomi naMoabi (Num. 20:14–21; 22–24).
-
Rwizi rweArnoni Israeri anoparadza maAmori vavakarwa navo (Deut. 2:24–37).
-
Gomo reNebo Mosesi anodongorera nyika yechipikirwa (Deut. 34:1–4). Mosesi anoparidza mharidzo dzake nhatu dzekupedzisira (Deut. 1–32).
-
MaPani eMoabi Ishe vakaudza Israeri kuti akamure nyika nekutorera zvachose vagari vemo (Num. 33:50–56).
-
Rwizi rweJordani Israeri akadarika Rwizi rweJordani nepasi pakaoma. Pedyo neGirgari, matombo akabva pasi peRwizi rweJordani akagadzwa sechirangariro chemvura dzeJordani dzakapatsanurwa (Josh. 3:1–5:1).
-
Jeriko Vana veIsraeri vakapamba nekuparadza guta (Josh. 6).