Zvibatsiro Zvekudzidza
Mepu 13: Nzendo Dzehushumiri Dzemuapositori Pauro


Mepu 13

Nzendo Dzehushumiri Dzemuapositori Pauro

Mufananidzo
mepu 13 yeMubhaibheri

Kch.

Kiyi Yemepu 13

Rwendo rwekutanga

Rwendo rwechipiri

Rwendo rwechitatu

Rwendo rwekuRoma

Itaria

Black Sea

Roma

Makedonia

Ponto

Taberne Nhatu

Bitinia

Nzvimbo yeApio

Tesaronika

Firipo

Puteori

Troa

Berea

Garatia

Samoterasi

Misia

Asia

Pegamamu

Kapadokia

Antiokia

Ridia

Frigia

Smirna

Ikoniamu

Tarso

Kiyo

Efeso

Pisidia

Ristra

Atene

Korinte

Raodikea

Regio

Akaya

Mireto

Pamfiria

Derbe

Rikia

Perga

Antiokia

Patmosi

Sisiria

Sirakuse

Mira

Kinido

Rode

Saipurasi

Sarami

Merita (Maruta)

Krita

Pafosi

Sidoni

Siria

Tire

Zororo Rakanaka

Finisia

Damasiko

Toremai

Gungwa reMediterenieni

Kesaria

Samaria

Jopa

Jerusarema

Gaza

Kurini

Areksandiria

Egipita

Ribia

Makiromita

0 100 200 300 400

A B C D E F G H

1 2 3 4

●1

●2

●3

●4

●5

●6

●7

●8

●9

●10

●11

●12

●13

●14

●15

●16

●17

●18

●19

●20

●21

●22

●23

●24

●25

●26

●27

  1. Gaza Firipo akaparidza nezvaKristu uye akabhabhatidza muEtiopia mupfumi murwendo rwake kuGaza (Mabasa 8:26–39).

  2. Jerusarema Ona mepu 12 muzviitiko zvemuJerusarema.

  3. Jopa Petro akagamuchira chiratidzo kuti Mwari vanopa chikomborero chekutendeuka kune vemaJentairi (Mabasa 10; 11:5–18). Petro akamutsa Tabita kubva kuvakafa (Mabasa 9:36–42).

  4. Samaria Firipo akashandira muSamaria (Mabasa 8:5–13), uye Petro naJohane pashure vakadzidzisa pano (Mabasa 8:14–25). Mushure mekupa chipo cheMweya Mutsvene, Simoni n’anga akatsvaka kutenga chipo ichi kubva kwavari (Mabasa 8:9–24).

  5. Kesaria Pano, mushure mekushumira kwengirozi kumukuru wamauto ainzi Kornerio, Petro akamutendera kuti abhabhatidz (Mabasa 10). Pano Pauro akaita chidziviriro chake pamberi paAgripa (Mabasa 25–26; onawo Nh—JS 1:24–25).

  6. Damasiko Jesu akazviratidza kunaSauro (Mabasa 9:1–7). Mushure Ananiasi akadzosa kuona kwaSauro, Sauro akabhabhatidzwa akatanga hushumiri hwake (Mabasa 9:10–27).

  7. Antiokia (muSiria) Pano vadzidzi vakatanga kudeedzwa maKristu (Mabasa 11:26). Agabho akaporofita nezvenzara huru (Mabasa 11:27–28). Kupandukirana kukuru kwakaitika paAntiokia nezvekudzingiswa (Mabasa 14:26–28; 15:1–9). MuAntiokia Pauro akatanga hushumiri hwake hwechipiri naSirasi, Barnabasi, naJudasi Barsaba (Mabasa 15:22, 30, 35).

  8. Tarso Musha weguta raPauro; Pauro akatumidzirwa kuno neVatungamiri veSangano kuti adzivirirwe upenyu hwake (Mabasa 9:29–30).

  9. Saipurasi Mushure mekushungurudzwa, vamwe Vatendi vakatizira kuchitsuwa chino (Mabasa 11:19). Pauro akapfuura nemuSaipurasi murwendo rwake rwehushumiri (Mabasa 13:4–5), sezvakaita Barnabasi naMarko mushure (Mabasa 15:39).

  10. Pafosi Pauro akatuka n’anga pano (Mabasa 13:6–11).

  11. Derbe Pauro naBarnabasi vakaparidza shoko muguta rino (Mabasa 14:6–7, 20–21).

  12. Ristra Pauro paakaporesa chirema, iye naBarnabasi vakarumbidzwa sevaive zvimwari. Pauro akatemwa namatombo akatombonzi afa asi akapepuka akaenderera mberi nekuparidza (Mabasa 14:6–21). Musha waTimotio (Mabasa 16:1–3).

  13. Ikoniamu Mukushumira kwavo kwekutanga, Pauro naBarnabasi vakaparidzira pano uye vakatyisidzirwa nekutemwa namatombo (Mabasa 13:51–14:7).

  14. Raodikea neKorose Raodikea nderimwe rebazi reChechi rakashanyirwa naPauro uye rakatambira tsamba dzake (VaKoro. 4:16). Nderimwe remaguta manomwe akanyorwa mubhuku reZvakazarurwa (mamwe acho ndeanoti Efeso, Smirna, Pergamo, Tiatira, Sardisi, neFiraderfia; ona Zvaka. 1:11). Korose riri makiromita 18 kumabvazuva kweRaodikea. Pauro akanyora kuVatendi vaigara muno.

  15. Antiokia (muPisidia) Mukushumira kwavo kwekutanga, Pauro naBarnabasi vakadzidzisa maJuda kuti Kristu akabva muchizvarwa chaDavidi. Pauro akapa shoko kumaIsraeri, uyezve kumaJentairi. Pauro naBarnabasi vakatambudzwa vakadzingwa (Mabasa 13:14–50).

  16. Mireto Achiri pano muhushumiri hwake hwetatu, Pauro akayambira vakuru veChechi kuti “mapere anoparadza” achapinda pakati penyu (Mabasa 20:29–31).

  17. Patmosi Johane akange ari musungwa pachitsuwa chino apo akatambira zviratidzo izvi zvave zvino mubhuku reZvakazarurwa (Zvaka. 1:9).

  18. Efeso Aporo akaparidza pano zvinesimba (Mabasa 18:24–28). Pauro muhushumiri hwake hwetatu, akadzidzisa muEfeso kwemakore maviri, akatendeutsa vanhu vakawanda (Mabasa 19:10, 18). Pano akapa chipo chemweya mutsvene nekugadza maoko (Mabasa 19:1–7) akaita zvishamiso zvakawanda, kusanganisira kubvisa mweya yakaipa (Mabasa 19:8–21). Pano vanamati vaDiana vakatanga kumutsira bongozozo Pauro (Mabasa 19:22–41). Chidimbu chebhuku reZvakazarurwa chakanyorerwa Chechi repaEfeso (Zvaka. 1:11).

  19. Troa Apo Pauro akange ari pano murwendo rwake rwekushumira rwepiri, akano chiratidzo chemurume muMakedonia aikumbira rubatsiro (Mabasa 16:9–12). Apo akange ari pano muhushumiri hwake hwetatu, Pauro akamutsa Yutikasi kubva kuvakafa (Mabasa 20:6–12).

  20. Firipo Pauro, Sirasi, naTimotio, vakatendeutsa mukadzi ainzi Ridia, vakabvisa mweya wakaipa, uye vakarohwa (Mabasa 16:11–23). Vakatambira rubatsiro rwaMwari kupunyuka mutirongo (Mabasa 16:23–26).

  21. Atene Pauro, apo akange ari pahushumira hwake hwepiri kuAtene, akaparidza paChikomo cheMasi (Areopago) nezve “mwari asingazivikanwi” (Mabasa 17:22–34).

  22. Korinte Pauro akaenda kuKorinte mukushumira kwake kwepiri, uko kwaakanogara naAkwira naPrisira. Akaparidza pano uye akabhabhatidza vanhu vakawanda (Mabasa 18:1–18). Kubva kuKorinte, Pauro akanyora tsamba yake kumaRoma.

  23. Tesaronika Pauro akaparidza pano murwendo rwake rwepiri rwekushumira. Chikwata chake chevashumiri chakasumuka chikaenda kuBerea mushure mekutyisidzirwa nemaJuda magariro avo akanaka (Mabasa 17:1–10).

  24. Berea Pauro, Sirasi, naTimotio vakawana mweya yakarurama yekudzidzisa murwendo rwepiri rwaPauro rwekushumira. MaJuda akabva kuTesaronika vakavatevera nekuvapfuvisa (Mabasa 17:10–13).

  25. Makedonia Pauro akadzidzisa pano murwendo rwake rwepiri nerwetatu (Mabasa 16:9–40; 19:21). Pauro akarumbidza rupo rwavatendi veMakedonia, avo vakapa kwaari uye nekuvatendi varombo vekuJerusarema (VaR. 15:26; Ⅱ VaKori. 8:1–5; 11:9).

  26. Merita Pauro akarasikira kuno nengarava mukuenda kwake kuRoma (Mabasa 26:32; 27:1, 41–44). Haana kukuvara mukurumwa nenyoka uye akaporesa vakawanda vairwara muMerita (Mabasa 28:1–9).

  27. Roma Pauro akaparidza pano kwemakore maviri ari pahusungwa hwemumba (Mabasa 28:16–31). Akanyorawo magwaro, kana matsamba, kumaEfeso, maFiripo, nekumaKorose uye kuna Timotio naFiremoni apo vaive muhusungwa muRoma. Petro akanyora gwaro rake rekutanga kubva “Babironi,” ringangove raiva Roma, mushure mekupfuvisa kwaNero kumaKristu muna 64 Kristu azvarwa. Zvinowanzo tendwa kuti Petro naPauro vakaurayirwa pano.