Mepu 12
Jerusarema Panguva YaJesu
-
Gorgota Ingangove nzvimbo yakarovererwa Jesu (Mat. 27:33–37).
-
Bwiro reMubindu Jesu akavigwa (Joh. 19:38–42). Jesu akamutswa akazviratidza kunaMaria Magdarene mubindu (Joh. 20:1–17).
-
Masvingo eAntonio Zvingangodaro kuti Jesu akapomerwa, akashorwa, akanyombwa, akarohwa panzvimbo ino (Joh. 18:28–19:16). Pauro akasungwa akatsanangurazwe rungango rwekutendeuka kwake (Mabasa 21:31–22:21).
-
Dziva reBetesda Jesu akaporesa munhu asina simba muviri wose nemusi weSabata (Joh. 5:2–9).
-
Temberi Gabrieri akavimbisa Zakaria kuti Erisabete achabereka mwanakomana (Ruka 1:5–25). Chidzitiro chetemberi chakabvaruka napakati pakufa kweMuponesi (Mat. 27:51).
-
Biravira raSoromoni Jesu akashambadzira kuti ndiye aive Mwanakomana waMwari. MaJuda akaedza kumutema namatombo (Joh. 10:22–39). Petro akaparidza kutendeuka mushure mekuporesa murume akaremara (Mabasa 3:11–26).
-
Gate Beautiful Petro naJohane vakaporesa murume akaremara (Mabasa 3:1–10).
-
Shongwe yeTemberi Jesu akaedzwa naSatani (Mat. 4:5–7). (Pane nzvimbo mbiri dzagara dzichingozivikanwa dzechiitiko ichi).
-
Gomo Dzvene (nzvimbo isina kudomwa)
-
Zvagara zvichizivikanwa kuti pano Abrahama akavaka atari yechipiro chaIsaka (Gen. 22:9–14).
-
Soromoni akavaka temberi (Ⅰ Madz. 6:1–10; Ⅱ Mak. 3:1).
-
MaBabironi vakaparadza temberi mungangoda kuita muna 587 Kristu asati azvarwa (Ⅱ Madz. 25:8–9).
-
Zerubaberi akavakazve temberi mungangoda kuita muna 515 Kristu asati azvarwa (Ezra 3:8–10; 5:2; 6:14–16).
-
Herode akawedzera chivanze chetembere akavakazve temberi kutangisa muna 17 Kristu asati azvarwa. Jesu akasvitswa achiri mwana (Ruka 2:22–39).
-
Pazera re12, Jesu akadzidzisa ari mutemberi (Ruka 2:41–50).
-
Jesu akachenesa temberi (Mat. 21:12–16; Joh. 2:13–17).
-
Jesu akadzidzisa ari mutemberi munguva dzakati wandei (Mat. 21:23–23:39; Johane 7:14–8:59).
-
MaRoma ari pasi paTito vakaparadza temberi muna 70 Kristu azvarwa.
-
-
Bindu reGetsemani Jesu akatambura, akatengeswa, uye akasungwa (Mat. 26:36–46; Ruka 22:39–54).
-
Gomo reMiorivhi
-
Jesu akafanogara atura kuparadzwa kweJerusarema netemberi. Akataurawo zvakare nezveKuuya Kwechipiri (Mat. 24:3–25:46; ona zvakare JS—Mat.).
-
Kubva pano Jesu akakwira kuenda kedenga (Mabasa 1:9–12).
-
Musi wa24 Gumiguru, 1841 Gosa Orson Hyde akanamatira Nzvimbo Tsvene kuitira kudzokerazve kwevana vaAbrahama.
-
-
Chitubu cheGihoni Soromoni akagadzwa samambo (Ⅰ Madz. 1:38–39). Hezekia aive nemugero wakacherwa waiunza mvura kubva kuchitubu kusvika muguta (Ⅱ Mak. 32:30).
-
Water Gate Ezra akaverenga akadudzira mutemo waMosesi kuvanhu (Neh. 8:1–8).
-
Nhika yeHinomi Chimwari chenhema Moreki chainamatwa, zvairevawo kusanganisira kupira chipiro chemwana (Ⅱ Madz. 23:10; Ⅱ Mak. 28:3).
-
Imba yaKayafasi Jesu akatorwa akaiswa pamberi paKayafasi (Mat. 26:57–68). Petro akaramba kuti aiziva Jesu (Mat. 26:69–75).
-
Mumba yePamusoro Nzvimbo yagara ichingozivikanwa apo Jesu akadyira Chidyo chePaseka uye akadzika sakaramende (Mat. 26:20–30). Akageza tsoka dzevaneGumi neVaviri (Joh. 13:4–17) uye akavadzidzisa (Joh. 13:18–17:26).
-
Muzinda waHerode Kristu akatorwa akaendeswa pamberi paHerode, zvingangodaro pari panzvimbo ino (Ruka 23:7–11).
-
Jerusarema (nzvimbo isina kudomwa)
-
Merkizedeki akatonga samambo weSaremi (Gen.14:18).
-
Mambo Davidi akapamba guta iri kubva kumaJebusi (Ⅱ Sam. 5:7; Ⅰ Mak. 11:4–7).
-
Guta rakaparadzwa nemaBabironi muna 587 Kristu asati azvarwa (Ⅱ Madz. 25:1–11).
-
Mweya Mutsvene wakazadza vakawanda pazuva rePentekosta (Mabasa 2:1–4).
-
Petro naJohane vakasungwa vakaunzwa pamberi pedare (Mabasa 4:1–23).
-
Ananiasi naSafira vakanyepa kuna Ishe vakabva vafa (Mabasa 5:1–10).
-
Petro naJohane vakasungwa, asi ngirozi yakavanunura kubva mutirongo (Mabasa 5:17–20).
-
Vaapositori akasarudza varume vanomwe kuti vavabatsire (Mabasa 6:1–6).
-
Uchapupu hwaStefano kumaJuda hwakarambwa, uye akatemwa namatombo kusvikira afa (Mabasa 6:8–7:60).
-
Jakobo akafira chitendero (Mabasa 12:1–2).
-
Ngirozi yakasunungura Petro kubva mutirongo (Mabasa 12:5–11).
-
Vaapositori vakakurukura nenyaya yezvekudzingiswa (Mabasa 15:5–29).
-
MaRoma vari pasi paTito vakaparadza guta muna 70 Kristu azvarwa.
-