Zvibatsiro Zvekudzidza
Mepu 12: Jerusarema Panguva YaJesu


Mepu 12

Jerusarema Panguva YaJesu

Mufananidzo
mepu 12 yeMubhaibheri

Kch.

Kiyi Yemepu 12

Guta panguva yaJesu

Nharaunda dzakazoiswa rusvingo pashure

Mugwagwa wekuSamaria

Bezeta (Guta Idzva)

Gorgota

Bwiro reMubindu

Dziva reBetesda

Fish Gate

Masvingo eAntonia

Dziva reIsraeri

Bindu reGetsemani

Susa Gedhi

Sheep Gate

Biravira raSoromoni

Temberi

Gomo reMiorivhi

Zambuko

Gate Beautiful

Mugwagwa wekuEmausi neJopa

Dziva reTower

Mugwagwa wekuBetania neJeriko

Shongwe yeTemberi

Muzinda weHasimonia

Biravira remba yeUmambo

Mugero wemvura

Muzinda waHerode

Manera ekuTemberi

Chitubu cheGihoni

Serpent’s Pool

Guta Rekumusoro

Mugero wemvura

Imba yaKayafasi

Bako raHezekia

Nhika yeHinomi

Mumba yePamusoro

Nhika yeKidroni

Guta reZasi

Dziva reSiroami

Water Gate

Mugwagwa wekuBetrehema neHebroni

Chitubu cheEni-rogeri

Mugwagwa wekuDead Sea

Mamita

0 100 200 300 400

A B C D

1 2 3 4 5 6 7 8

●1

●2

●3

●4

●5

●6

●7

●8

●9

●10

●11

●12

●13

●14

●15

●16

●17

●18

  1. Gorgota Ingangove nzvimbo yakarovererwa Jesu (Mat. 27:33–37).

  2. Bwiro reMubindu Jesu akavigwa (Joh. 19:38–42). Jesu akamutswa akazviratidza kunaMaria Magdarene mubindu (Joh. 20:1–17).

  3. Masvingo eAntonio Zvingangodaro kuti Jesu akapomerwa, akashorwa, akanyombwa, akarohwa panzvimbo ino (Joh. 18:28–19:16). Pauro akasungwa akatsanangurazwe rungango rwekutendeuka kwake (Mabasa 21:31–22:21).

  4. Dziva reBetesda Jesu akaporesa munhu asina simba muviri wose nemusi weSabata (Joh. 5:2–9).

  5. Temberi Gabrieri akavimbisa Zakaria kuti Erisabete achabereka mwanakomana (Ruka 1:5–25). Chidzitiro chetemberi chakabvaruka napakati pakufa kweMuponesi (Mat. 27:51).

  6. Biravira raSoromoni Jesu akashambadzira kuti ndiye aive Mwanakomana waMwari. MaJuda akaedza kumutema namatombo (Joh. 10:22–39). Petro akaparidza kutendeuka mushure mekuporesa murume akaremara (Mabasa 3:11–26).

  7. Gate Beautiful Petro naJohane vakaporesa murume akaremara (Mabasa 3:1–10).

  8. Shongwe yeTemberi Jesu akaedzwa naSatani (Mat. 4:5–7). (Pane nzvimbo mbiri dzagara dzichingozivikanwa dzechiitiko ichi).

  9. Gomo Dzvene (nzvimbo isina kudomwa)

    1. Zvagara zvichizivikanwa kuti pano Abrahama akavaka atari yechipiro chaIsaka (Gen. 22:9–14).

    2. Soromoni akavaka temberi (Ⅰ Madz. 6:1–10; Ⅱ Mak. 3:1).

    3. MaBabironi vakaparadza temberi mungangoda kuita muna 587 Kristu asati azvarwa (Ⅱ Madz. 25:8–9).

    4. Zerubaberi akavakazve temberi mungangoda kuita muna 515 Kristu asati azvarwa (Ezra 3:8–10; 5:2; 6:14–16).

    5. Herode akawedzera chivanze chetembere akavakazve temberi kutangisa muna 17 Kristu asati azvarwa. Jesu akasvitswa achiri mwana (Ruka 2:22–39).

    6. Pazera re12, Jesu akadzidzisa ari mutemberi (Ruka 2:41–50).

    7. Jesu akachenesa temberi (Mat. 21:12–16; Joh. 2:13–17).

    8. Jesu akadzidzisa ari mutemberi munguva dzakati wandei (Mat. 21:23–23:39; Johane 7:14–8:59).

    9. MaRoma ari pasi paTito vakaparadza temberi muna 70 Kristu azvarwa.

  10. Bindu reGetsemani Jesu akatambura, akatengeswa, uye akasungwa (Mat. 26:36–46; Ruka 22:39–54).

  11. Gomo reMiorivhi

    1. Jesu akafanogara atura kuparadzwa kweJerusarema netemberi. Akataurawo zvakare nezveKuuya Kwechipiri (Mat. 24:3–25:46; ona zvakare JS—Mat.).

    2. Kubva pano Jesu akakwira kuenda kedenga (Mabasa 1:9–12).

    3. Musi wa24 Gumiguru, 1841 Gosa Orson Hyde akanamatira Nzvimbo Tsvene kuitira kudzokerazve kwevana vaAbrahama.

  12. Chitubu cheGihoni Soromoni akagadzwa samambo (Ⅰ Madz. 1:38–39). Hezekia aive nemugero wakacherwa waiunza mvura kubva kuchitubu kusvika muguta (Ⅱ Mak. 32:30).

  13. Water Gate Ezra akaverenga akadudzira mutemo waMosesi kuvanhu (Neh. 8:1–8).

  14. Nhika yeHinomi Chimwari chenhema Moreki chainamatwa, zvairevawo kusanganisira kupira chipiro chemwana (Ⅱ Madz. 23:10; Ⅱ Mak. 28:3).

  15. Imba yaKayafasi Jesu akatorwa akaiswa pamberi paKayafasi (Mat. 26:57–68). Petro akaramba kuti aiziva Jesu (Mat. 26:69–75).

  16. Mumba yePamusoro Nzvimbo yagara ichingozivikanwa apo Jesu akadyira Chidyo chePaseka uye akadzika sakaramende (Mat. 26:20–30). Akageza tsoka dzevaneGumi neVaviri (Joh. 13:4–17) uye akavadzidzisa (Joh. 13:18–17:26).

  17. Muzinda waHerode Kristu akatorwa akaendeswa pamberi paHerode, zvingangodaro pari panzvimbo ino (Ruka 23:7–11).

  18. Jerusarema (nzvimbo isina kudomwa)

    1. Merkizedeki akatonga samambo weSaremi (Gen.14:18).

    2. Mambo Davidi akapamba guta iri kubva kumaJebusi (Ⅱ Sam. 5:7; Ⅰ Mak. 11:4–7).

    3. Guta rakaparadzwa nemaBabironi muna 587 Kristu asati azvarwa (Ⅱ Madz. 25:1–11).

    4. Mweya Mutsvene wakazadza vakawanda pazuva rePentekosta (Mabasa 2:1–4).

    5. Petro naJohane vakasungwa vakaunzwa pamberi pedare (Mabasa 4:1–23).

    6. Ananiasi naSafira vakanyepa kuna Ishe vakabva vafa (Mabasa 5:1–10).

    7. Petro naJohane vakasungwa, asi ngirozi yakavanunura kubva mutirongo (Mabasa 5:17–20).

    8. Vaapositori akasarudza varume vanomwe kuti vavabatsire (Mabasa 6:1–6).

    9. Uchapupu hwaStefano kumaJuda hwakarambwa, uye akatemwa namatombo kusvikira afa (Mabasa 6:8–7:60).

    10. Jakobo akafira chitendero (Mabasa 12:1–2).

    11. Ngirozi yakasunungura Petro kubva mutirongo (Mabasa 12:5–11).

    12. Vaapositori vakakurukura nenyaya yezvekudzingiswa (Mabasa 15:5–29).

    13. MaRoma vari pasi paTito vakaparadza guta muna 70 Kristu azvarwa.