Zvibatsiro Zvekudzidza
19. Kesaria neBani reSharon kusvika kuKarmeri


19. Kesaria neBani reSharon kusvika kuKarmeri

Wakatarisa nechekuchanhembe kumhiri chiteshe chengarava chakare cheKesaria. Uyezve zvinooneka nechepamusoro pemufananidzo mutsetse wemakomo eKarmeri.

Zviitiko Zvinokosha: Erija akasora maporofita enhema aBaari paGomo reKarmeri (Ⅰ Madz. 18). Via Maris (Nzira yeGungwa), mugwagwa waikosha munguva yakare, uri nechekumabvazuva kweKesaria. Mushure mechiratidzo chinokatyamadza achiri muJopa, Petro akatanga kuparidza pakati pemaJentairi nekudzidzisa mukuru wamauto wechiRoma ainzi Kornerio muKesaria (Mabasa 10). Firipo akaparidza uye akagara pano akave nevanasikana vana vaiporofita (Mabasa 8:40; 21:8–9). Pauro akave musungwa muguta kwemakore maviri (Mabasa 23–26). Akaparidzira kuna Feriksi, Festo, naHerode Agripa wepiri, uyo akati,“ Wanga waedza kundinyengerera kuti ndiite muKristu” (Mabasa 26:28).

Mufananidzo
mufananidzo 19

19. Kesaria neBani reSharon kusvika kuKarmeri Pauro akaparidzira kuna Mambo Agripa muguta iri (ona Mabasa 26).