Zvibatsiro Zvekudzidza
27. Nazareta


27. Nazareta

Chiratidzo ichi cheguta ramazuva ano reNazareta chakatarisa kumaodzanyemba. Nazareta kaive kamusha kaduku munguva dzebhaibheri.

Zviitiko Zvinokosha: Nifai akaona muchiratidzo amai veMuponesi muNazareta (1 Ni. 11:13–22). Ngirozi Gabrieri yakaudza Maria kuti achazozvara Muponesi (Ruka 1:26–35). Gabrieri akaudza Josefa kuti atore Maria semukadzi wake uye kuti agotumidza zita remwanakomana wake kuti Jesu (Mat. 1:18–25). Jesu akakurira muNazareta (Mat. 2:19–23; Ruka 2:4–40; 4:16). Akaparidza akazivisa muimba yekunamatira kuti aive Mesia (Ruka 4:16–21), asi vanhu vemuNazareta vakamuramba (Mat. 13:54–58; Ruka 4:22–30).

Mufananidzo
mufananidzo 27

27. Nazareta Jesu akakurira mudhorobha iri.