Zvibatsiro Zvekudzidza
31. Efeso


31. Efeso

Matongo emba yemitambo yechiGiriki ari paEfeso, apo Muapositori Pauro akaparidza. Munguva dze Testamente Itsva, Efeso yaiva nemukurumbira zvikuru munyika dzose dzaizivikanwa nekuda kwetemberi yayo yakanakisisa yakavakirwa nekukudza chimwarikadzi chechiRoma Diana. Iyezvino ave matongo, Efeso rakambenge riri guta guru redunhu rechiRoma riri muAsia uye riri nzvimbo huru yekutengeserana. Mhizha dzemuguta iri dzakagadzira nekubudirira mukutengesa zvimifananidzo zvaDiana.

Zviitiko Zvinokosha: Muapositori Pauro akashanyira Efeso ave kudaku pedzisa rwendo rwake rwepiri rwehushumiri (Mabasa 18:18–19). Murwendo rwake rwechitatu akagara muguta kwemakore maviri. Akamanikidzwa kubuda nokuda kwemhirizhonga yakakonzerwa nanamhizha avo vakange voshaya kwekutengesera basa ravo apo Pauro aiparidza kuipa kwekunamata chimwarikadzi chenhema Diana (Mabasa 19:1, 10, 23–41; 20:1). Imba yemitambo yeEfeso yakange iri imba huru padzimba dzose dzakavakwa nemaGiriki uye iri nzvimbo yakatarisana vafambidzani vaPauro nemhomho yevanhu (Mabasa 19:29–31). Pauro akanyora tsamba kunhengo dzeChechi dzekuEfeso munguva yuhusungwa hwake muRoma. Rimwe remapazi manonwe eChechi muAsia kunove kwakanyorerwa bhuku reZvakazarurwa raive muEfeso (Zvaka. 1:10–11; 2:1).

Mufananidzo
mufananidzo 31

31. Efeso Pano Pauro akaparidza achipikisa kunamata mufananidzo uye akashatirisa mhizha dzesirivheri avo vairarama nekutengesa zvimifananidzo zvamwarikadzi Diana (ona Mabasa 19:24–41).