Zvibatsiro Zvekudzidza
10. Manera ekuTemberi


10. Manera ekuTemberi

Zvimbo yetemberi yakange yakaganhurwa sematare, uye matare ekunze aive arinechapasi pasi. Vanamati vaipinda nemisuwo yakasiyana siyana, kusanganisira iyo yaienda nechekumusoro kubva pamanera aya kupinda mumatare ekunze uyezve achizopinda mumatare emukati. Zviuru zvevanhu zvakakwira manera aya mukupfuura kwenguva, kusanganisira Mwanakomana waMwari. Varwi vaTito pavakaparadza temberi muna 70 Kristu azvarwa, manera aya akafukidzwa nezvimedu. Akazofukunurwa munguva yekucherwa kwechidimbu cheguta dzaru reJerusarema.

Chiitiko Chinokosha: Ezekieri akaona muchiratidzo mukuriro nechimiro chetemberi yemazuva achatevera (Ezk. 40). (Ona Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Temberi, Imba yaIshe.”)

Mufananidzo
mufananidzo 10

10. Manera ekuTemberi Anokwira kuenda kuTemberi yaHerode, manera aya achango fukunurwa neavo vanofukunura pasivachitsvaga nhoroondo.