Zvibatsiro Zvekudzidza
1. Rwizi rweNairi neEgipita


1. Rwizi rweNairi neEgipita

Zvinomera zvinokura mumahombekombe eRwizi rweNairi. Kumberi kwacho inzvimbo yemagwenga angangoda kuzaza Egipita.

Zviitiko Zvinokosha: Nzvimbo iyi yakawanikwa naEgipitasi (Abr. 1:23–25). Abrahama akaenda kuEgipita (Gen. 12:10–20; Abr. 2:21–25). Josefa akatengeswa kuEgipita, akave mutongi, uye akaponesa mhuri yake kubva munzara huru (Gen. 37; 39–46). Zvizvarwa zvaJakobo zvakagara muEgipita (Gen. 47; Eks. 1; 12:40). Mwanasikana wamambo Farao akawana Mosesi achiri mucheche murwizi akamutora nokumuchengeta (Eks. 2:1–10). Mosesi anotungamira MaIsraeri kubva muEgipita (Eks. 3–14). Maria, Josefa, naJesu vakaenda kuEgipita kwechinguva vachitiza Herode (Mat. 2:13–15, 19–21). Mumazuva okupedzisira, maEgipita vachaziva Ishe, uye Ishe acharopafadza Egipita (Isa. 19:20–25). (Ona Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Egipita.”)

Mufananidzo
mufananidzo 1

1. Rwizi rweNairi neEgipita Mukanzvimbo kakaita sekaka, amai vaMosesi vakaviga kamwanakomana kavo. Mwanasikana waFarao akamuwana akamuchengeta muimbahuru dzemuEgipita.