Zvibatsiro Zvekudzidza
3. Renje reJuda neDead Sea


3. Renje reJuda neDead Sea

Uchitarisa kurenje reJuda kubva pakati pekumaodzanyemba nekumabvazuva. Zvinooneka nechekumashure iDead Sea.

Zviitiko Zvinokosha: Renje reJuda rakanga riri chipotero chakakosha munguva yakawanda yenhoroondo yekutanga. Davidi akahwanda kubva kunaMambo Sauro (Ⅰ Sam. 26:1–3). Jesu akatsanya kwemazuva makumi mana nehusiku makumi mana (Mat. 4:1–11; Marko 1:12–13). Jesu akashandisa nzira iyi kubva kuJerusarema kuenda kuJeriko achidarika nemurenje reJuda semamiriro erungano rwemuSamaria akanaka nokuti vanhu vaifamba vari voga vaiva nyore kubhinya munzvimbo iyoyo (Ruka 10:25–37). (Ona Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Dead Sea.”)

Mufananidzo
mufananidzo 3

3. Renje reJuda neDead Sea Muponesi akaenda murenje kundokurukura nababa vake.