Zvibatsiro Zvekudzidza
21. Nhika yeJezreeri


21. Nhika yeJezreeri

Wakatarisa nechekumadokero kubva pamusoro peGomo reTabori nekwechiidimbu cheNhika yeJezreeri. Kunyangwe zvazvo Nhika yeJezreeri ichiwanzofungidzirwa kuti inhika huru imwechete, asi zviripo ndezvekuti inhika dzakati wandei dzinobatanidza Bani reAko neNhika yeJordani nenzvimbo yedunhu reGungwa reGarirea. Nhika yeMegido, semuenzaniso, iri kuchidimbu chekumadokero kweNhika iyi. Nhika yeJezreeri ndiyo yaive nzira huru yeku dimburira nayo muNyika Tsvene pakati peGungwa reMediterenieni nechekumadokero uye neNhika yeJordani nechekumabvazuva.

Zviitiko Zvinokosha: Mugwagwa mukuru unobatanidza Egipita neMesopotamia waidarika nemunhika ino, uye hondo huru dzakarwiwa muno (Vat. 1:22–27; 5:19; Ⅱ Madz. 23:29–30). Kupikisana kukuru kwekupedzisira munyika ino kunotanga nehondo huru yeHarmagedoni, iyo inove icharwiwa chinguva chipfupi Kuuya Kwechipiri kweMuponesi kusati kwaitika, zita iri rinobva Har Magedoni kana kuti Gomo reMegido (Ezk. 38; Joere 3:9–14; Zek. 14:2–5; Zvaka. 16:14–16).

Mufananidzo
mufananidzo 21

21. Nhika yeJezreeri Marudzi ose achaungana pano muhondo huru yeHarmagedoni (ona Zek. 11–14; Zvaka. 16:14–21).