Zvibatsiro Zvekudzidza
Mifananidzo yeNzvimbo dzeMumagwaro Matsvene


Mifananidzo yeNzvimbo dzeMumagwaro Matsvene

Mifananidzo iyi yenzvimbo dzinokosha inoratidza nzvimbo dzakafambwa naJesu, idzo dzakagarwa nokudzidzisirwa nemaporofita emubhaibheri, uye uko kunove kwakaitikira zviitiko zvakawanda zvemumagwaro matsvene. Kuti zvikubatsire zvirinani kushandisa mifananidzo muchidzidzo chako, tsanangudzo diki inoteera mufananidzo wega wega. Nhamba nemusoro wetsanangudzo nenhamba nemusoro wemufananidzo zvimwechetezvo. Ndima yokutanga inotevera musoro wenhaurwa inotsanangura mamiriro emufananidzo, kusanganisira zvinhu zvinokosha zvekutarisa uye kazhinji zvichiratidza mamiriro akange akaita mutori wemifananidzo nekwaakange akatarisa. Zviitiko zvinokosha zvemagwaro matsvene kubva panzvimbo iyoyo ndizvo zvinonyorwa pasi, pamwechete nekwekuzviwana mumagwaro matsvene kuitira kuti uzive kwekuverenga zvakawanda maererano nezviitiko izvozvo.