Zvibatsiro Zvekudzidza
15. Jeriko


15. Jeriko

Mufananidzo uyu unoratidza zvimerwa zviri muJeriko mazuva ano. Kareko rakange riri guta rakatenderedzwa nemadziro munhika yerwizi rweJordani, mamita mazana maviri ane makumi mashanu nemaviri anodzika zvichierwa kubva panotangira gungwa. Inzvimbo yakapfuma munezvekurima kunokura zvakanaka madheti mapamu neminda yamaranjisi. Nechekumashure inzvimbo yagara ichizivikanwa kuti iGomo reMuedzo (Mat. 4:1–11).

Zviitiko Zvinokosha: Pedyo nenzvimbo ino, Joshua nevana vemaIsraeri vakayambuka kekutanga Rwizi rweJordani vachipinda munyika yechipikirwa (Josh. 2:1–3; 3:14–16). Ishe muchishamiso akakonzera kuti madziro adonhe pamberi pevarwi vemaIsraeri (Josh. 6; onawo zvakare VaH. 11:30). Joshua akaisa chituko paguta (Josh. 6:26), zvikazazikiswa (Ⅰ Madz. 16:34). Erisha akarapa mvura dzeJeriko (Ⅱ Madz. 2:18–22). Muponesi akapfuura nepano murwendo rwake rwekupedzisira kuJerusarema, achirapa Bartimeo bofu uye nekugara naZakeo, muteresi (Marko 10:46–52; Ruka 18:35–43; 19:1–10). Nzira yekuJeriko inobva kuJerusarema yakataurwa nezvayo murungano rwemuSamaria akanaka (Ruka 10:30–37).

Mufananidzo
mufananidzo 15

15. Jeriko Iri ndiro guta rekutanga kupambwa naJoshua (ona Josh. 6:2–20); Jeriko nderimwe remaguta akare kare pasi pano.