Zvibatsiro Zvekudzidza
5. Makuva eMapatriaki


5. Makuva eMapatriaki

Chimwe chezvivako zvinozivikanwa zvikuru muNyika Tsvene. Chakavakwa muHebroni naMambo Herode pamusoro penzvimbo yagara ichingozivikanwa kuti bako raMakpera, iro rakazotengwa naAbrahama senzvimbo yekuvigira mhuri (Gen. 23).

Zviitiko Zvinokosha: Nzvimbo yakavigirwa Sara (Gen. 23) naAbrahama (Gen. 25:9). Isaka, Rebeka, naRea vakavigirwawo pano zvakare (Gen. 49:30–31). Mutumbi waJakobo wakaunzwa kubva kuEgipita kuendeswa kuKanani ukavigwa mubako iri (Gen. 50).

Mufananidzo
mufananidzo 5

5. Makuva eMapatriaki Chivako ichi chirimuHebroni chinonzi chakavakirwa pamusoro penzvimbo dzemakuva aAbrahama, Isaka, naJakobo.