5. Makuva eMapatriaki
Chimwe chezvivako zvinozivikanwa zvikuru muNyika Tsvene. Chakavakwa muHebroni naMambo Herode pamusoro penzvimbo yagara ichingozivikanwa kuti bako raMakpera, iro rakazotengwa naAbrahama senzvimbo yekuvigira mhuri (Gen. 23).
Zviitiko Zvinokosha: Nzvimbo yakavigirwa Sara (Gen. 23) naAbrahama (Gen. 25:9). Isaka, Rebeka, naRea vakavigirwawo pano zvakare (Gen. 49:30–31). Mutumbi waJakobo wakaunzwa kubva kuEgipita kuendeswa kuKanani ukavigwa mubako iri (Gen. 50).