Mepu 11
Nzvimbo Tsvene Munguva yeTestamente Itsva
-
Tire neSidoni Jesu akafananidza Chorazini neBetsaida kune Tire neSidoni (Mat. 11:20–22). Akarapa mwanasikana wemukadzi wechiJentairi (Mat. 15:21–28).
-
Gomo rekuShandurwa Chimiro Jesu akashanduka chimiro pamberi paPetro, Jakobo, naJohane, uye vakatambira makiyi eumambo (Mat. 17:1–13). (Vamwe vanotenda kuti Gomo rekuShandurwa Chimiro kuti ndiro Gomo reHermoni; vamwe vachitendawo kuti iGomo reTabori).
-
Kesaria Firipo Petro akapupura kuti Jesu ndiye Kristu uye akavimbiswa makiyi eumambo (Mat. 16:21–28).
-
Dunhu reGarirea Jesu akapedza nguva yakawanda yeupenyu nekushumira kwake muGarirea (Mat. 4:23–25). Pano akapa Mharidzo yepaGomo (Mat. 5–7); akaponesa aive nemaperembudzi (Mat. 8:1–4); uye akasarudza, akagadza, uye akatumidzira Vaapositori vaneGumi neVaviri, pavari vose Judasi Iskarioti ndiye chete akange asiri wemuGarirea (Marko 3:13–19). MuGarirea, Jesu akamutswa akazviratidza kuVaapositori (Mat. 28:16–20).
-
Gungwa reGarirea, mushure rakazodaidzwa kunzi gungwa reTiberiasi Jesu akadzidzisa ari muigwa raPetro (Ruka 5:1–3) uye akadeedza Petro, Andrea, Jakobo, naJohane kuti vave varauri vevanhu (Mat. 4:18–22; Ruka 5:1–11). Akanyaradza dutu remvura (Ruka 8:22–25), akadzidzisa nezverungano ari muigwa (Mat. 13), akafamba pamusoro pegungwa (Mat. 14:22–32), uye akazviratidza kuvatevedzeri vake mushure meKumuka kwake kuvakafa (Joh. 21).
-
Betsaida Petro, Andrea, naFiripo vakazvarirwa muBetsaida (Joh. 1:44). Jesu akaenda muchivande neVaapositori pedyo neBetsaida. Mhombo yevanhu yakamutevera, akapa chokudya kuzviuru zvevanhu 5000 (Ruka 9:10–17; Joh. 6:1–14). Pano Jesu akaporesa murume aive bofu (Marko 8:22–26).
-
Kapernaume Uyu ndiwo waiva musha waPetro (Mat. 8:5, 14). MuKapernaume, umo munove makanzi naMateo kunaJesu “guta rake,” Jesu akaporesa munhu akafa mitezo (Mat. 9:1–7; Marko 2:1–12), akarapa mushandi muranda wemukuru mukuru wamauto, akaporesa amai vemukadzi waPetro (Mat. 8:5–15), akadevedza Mateo kuti ave mumwe weVaapositori vake (Mat. 9:9), akavhura maziso evasingaone, akabvisa chidhiabhorosi (Mat. 9:27–33), akaporesa murume aive neruoko rwakaremara nemusi weSabata (Mat. 12:9–13), akapa nhoroondo yechingwa cheupenyu (Joh. 6:22–65), uye akabvuma kubhadara mutero, achitaurira Petro kuti andotora mari kubva mukanwa mehove (Mat. 17:24–27).
-
Magdani Uyu waive musha waMaria Magdarene (Marko 16:9). Jesu akauya pano mushure mekupa chokudya kune 4000 (Mat. 15:32–39), uye vaFarise nemaSejusi vakamukumbira kuti varatidzwe chiratidzo kubva kudenga (Mat. 16:1–4).
-
Kana Jesu akashandura mvura kuiita waini (Joh. 2:1–11) nekuporesa mwanakomana wemurume airemekedzwa aive paKapernaume (Joh. 4:46–54). Kana waive uri musha waNatanaeri (Joh. 21:2).
-
Nazareta Kushanyirwa nengirozi kuna Maria naJosefa kwakaitikira muNazareta (Mat. 1:18–25; Ruka 1:26–38; 2:4–5). Mushure mekudzoka kubva kuEgipita, Jesu akapedza humwana nehujaya hwake pano (Mat. 2:19–23; Ruka 2:51–52), akazivisa kuti akanga ari Mesia, uye akarambwa nevanhu verudzi rwake (Ruka 4:14–32).
-
Jeriko Jesu akasvinudza murume aiva bofu (Ruka 18:35–43). Akanodya zvakare naZakeo, mukuru wevateresi (Ruka 19:1–10).
-
Betebara Johane Mubapatidzi akapupura kuti ndiye aive ari “izwi reuyo anochema ari murenje” (Joh. 1:19–28). Johane akabhabhatidza Jesu muRwizi rweJordani uye akapupura kuti Jesu ndiye Gwayana raMwari (Joh. 1:28–34).
-
Renje reJuda Johane Mubapatidzi akaparidza murenje iri (Mat. 3:1–4) umo munove Jesu akatsanya kwemazuva 40 uye akayedzwa (Mat. 4:1–11).
-
Emausi Jesu akamutswa akafamba munzira iyi kuenda kuEmausi nevadzidzi vake vaviri (Ruka 24:13–32).
-
Betafage Vadzidzi vaviri vakaunzira Jesu dhongi rinove raakashandisa kupinda kwake kunemukurumbira muJerusarema (Mat. 21:1–11).
-
Betania Uyu waive musha waMaria, Marta, naRazaro (Joh. 11:1). Maria akanzwa mazwi aJesu, uye Jesu akataura kunaMarta nezvekusarudza “chinhu chakanaka” (Ruka 10:38–42); Jesu akamutsa Razaro kubva kuvakafa (Joh. 11:1–44); uye Maria akazodza tsoka dzaJesu (Mat. 26:6–13; Joh. 12:1–8).
-
Betrehema Jesu akazvara nekuradzikwa muchidyiro (Ruka 2:1–7); ngirozi dzakatumira shoko kunevafudzi nezvekuzvarwa kwaJesu (Ruka 2:8–20); varume vanehushenjeri vakatungamirirwa nenyeredzi kusvikira kunaJesu (Mat. 2:1–12); uye Herode akauraya vana (Mat. 2:16–18).