Zvibatsiro Zvekudzidza
20. Jopa


20. Jopa

Wakatarisa nechekuchamhembe pamusoro pechiteshi chengarava cheguta reJopa.

Zviitiko Zvinokosha: Jona akaenda kuJopa kuno tora ngarava kuenda kuTarshisi (Jona 1:1–3). Jopa ndicho chaive chiteshi chengarava Soromoni uye mumashure Zerubaberi chavaishandisa pavaiunza mapango kubva mumasango esidha eRebanoni kuti vavakise temberi dzavo (Ⅱ Mak. 2:16; Ezra 3:7). Pano Petro akamutsa Tabita, anozivikanwa zvakare kunzi Dorkasi, kudzokera muupenyu (Mabasa 9:36–43). Petro akaonawo chiratidzo chemhuka dzakachena nedzakasviba, zvichiratidza kwaari kudikanwa kwekutanga kushumira shoko pakati pemaJentairi (Mabasa 10). Orson Hyde akasvika pano kuzokumikidza Nyika Tsvene mugore ra1841.

Mufananidzo
mufananidzo 20

20. Jopa Pano Petro akatambira chiratidzo chaimuraira kuti atore vhangeri kuma Jentairi (ona Mabasa 10).