Zvibatsiro Zvekudzidza
25. Rwizi rweJordani


25. Rwizi rweJordani

Rwizi rweJordani runotangira kuchamhembe kweGungwa reGarirea, ruchierera nemariri, uye ruchienderera mberi kumaodzanyemba kusvikira kuDead Sea.

Zviitiko Zvinokosha: Roti akazvisarudzira mapani makuru eJordani (Gen. 13:10–11). Joshua akapatsanura mvura, zvikabvumira maIsraeri kuti vadarike kupinda munyika yechipikirwa (Josh. 3:13–17; 4:1–9, 20–24). Erija naErisha vakapatsanura mvura (Ⅱ Madz. 2:5–8, 12–14). Naamani akarapwa maperembudzi (Ⅱ Madz. 5:1–15). Johane muBapatidzi akabhabhatidza vanhu vakawanda, kusanganisira Muponesi (Mat. 3:1–6, 13–16). (Ona Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Rwizi rweJordani.”)

Mufananidzo
mufananidzo 25

25. Rwizi rweJordani Mufananidzo uyu wakatorwa pedyo nekumuromo kwerwizi kubva kuGungwa reGarirea.