Zvibatsiro Zvekudzidza
2. Gomo reSinai (Horebi) neRenje reSinai


2. Gomo reSinai (Horebi) neRenje reSinai

Makomo anonyatsoonekera hurengarenga hweJebhero Musa (Gomo raMosesi). Panogona kunge panezvimbo dzakati wandei dzeGomo reSinai. Imwe yenzvimbo inowanzofarirwa ndeye Jebhero Musa.

Zviitiko Zvinokosha: Mwari vakazviratidza kunaMosesi vakumupa Mirairo Gumi (Eks. 19–20). Mosesi, Aroni, vanakomana vaviri vaAroni, nemakumi manomwe evakuru vanoona nokutaura naMwari (Eks. 24:9–12). Mwari vakapa Mosesi mirairo yekuvaka tabernakeri (Eks. 25–28; 30–31). MaIsraeri vakanamata chimhuru chakaumbwa negoridhe chavakanyengetedza Aroni kuti aumbe (Eks. 32:1–8). Erija anotizira kunzvimbo ino kubva muNhika yeJezreeri, uko kwaigara Mambokadzi Jesaberi (Ⅰ Madz. 19:1–18). Apa ndipowo zvakare Erija paakataura naMwari (Ⅰ Madz. 19:8–19).

Mufananidzo
mufananidzo 2

2. Gomo reSinai (Horebi) neRenje reSinai Nemurairo Mosesi akaunza maIsraeri kugomo rino kuzotambira mutemo waMwari. Mufananidzo uyu unoratidza nzvimbo inogarozivikanwa yeGomo reSinai.