Scripture Stories
Pamusoro peBhuku raMormoni


“Pamusoro peBhuku raMormoni,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Pamusoro peBhuku raMormoni

Jesu Kristu nevanhu Vake mumaAmerica

Mufananidzo
Jesu muchiedza chokudenga

Bhuku raMormoni igwaro dzvene. Rinotidzidzisa pamusoro paIshe Jesu Kristu uye nezve kushanya Kwake kumaAmerica kare kare. Kubva muBhuku raMormoni, tinokwanisa kudzidza pamusoro pevhangeri raJesu. Rinotidzidzisa kuti tingawane sei runyararo munguva ino uye kuti tinokwanisa kurarama sei naMwari naJesu zvakare nerimwe zuva.

Peji yemusoro wenyaya yeBhuku raMormoni; chisumo kuBhuku raMormoni; 3 Nifai 11

Mufananidzo
muporofita naamai vane vana

Bhuku raMormoni rakanyorwa nevaporofta vaMwari. Vakanyora pamapeji esimbi anonzi mahwendefa. Nyaya dzavo neuchapupu hwavo zvinotibatsira kuva norutendo muna Jesu. Vakanyora pamusoro pemapoka mazhinji evanhu vaigara mumaAmerica kare kare.

Peji yemusoro wenyaya yeBhuku raMormoni; chisumo kuBhuku raMormoni

Mufananidzo
Nifai nemhuri yake vari mungarava

Rimwe boka rakauya kubva kuJerusarema kuenda kumaAmerica zvingangoita makore 600 Jesu asati azvarwa. Vakazova marudzi maviri anodaidzwa kunzi vaRamani nevaNifai.

Chisumo kuBhuku raMormoni; 1 Nifai 1:4

Mufananidzo
VaJaredi vachibva pashongwe

Kare kare zvikuru, rimwewo boka rakauya kubva paShongwe yeBaberi kuenda kumaAmerica. Vaidaidzwa kunzi vaJaredi.

Chisumo kuBhuku raMormoni; Eta 1:33–43

Mufananidzo
Samueri achidzidzisa pamusoro pokuzvarwa kwaJesu

Vaporofita vaMwari vakadzidzisa vanhu. Apo vanhu pavaiteerera uye pavaichengeta mirairo yaMwari, Vaivabatsira. Vaporofita vakadzidzisa pamusoro paJesu uye vakati Aizozvarirwa kuJerusarema. VaNifai navaRamani vakadzidza kuti Jesu Aizovashanyira mushure mokufa Kwake.

2 Nifai 1:20; 25:12–14; 26:1, 3, 9; Mosaya 3:5–11; Aruma 7:9–13; Hiramani 3

Mufananidzo
Jesu akamuka kuvakafa aine vana

Jesu akauya sezvakataurwa navaporofita. Mushure mekunge Jesu afa uye amuka kuvakafa, Akashanyira vanhu. Akatendera munhu woga woga kuti anzwe mavara ezvipikiri mumaoko Ake nemutsoka Dzake. Vakaziva kuti Jesu aiva Mwanakomana waMwari. Akadzidzisa vhangeri Rake, uye vanhu vakarinyora pasi. Vakataura pamusoro pokushanya kwaJesu kwamakore mazhinji.

3 Nifai 11:7–15, 31–41; 16:4; 4 Nifai 1:1–6, 13–22

Mufananidzo
Mormoni aine mahwendefa egoridhe.

Mormoni aiva muporofita akararama makore mazana mashoma mushure mokushanya kwaJesu. Munguva yeupenyu hwaMormoni, vanhu vakaregera kutevera Ishe. Mormoni akanga aine zvinyorwa zvavaporofita vakararama asati avapo. Akaisa zvinyorwa zvavo zvizhinji muboka rimwechete remahwendefa. Mahwendefa aya akazova Bhuku raMormoni.

Chisumo kuBhuku raMormoni; Mashoko aMormoni 1:2–9; Mormoni 1:2–4, 13–17

Mufananidzo
Moronai achiviga mahwendefa egoridhe

Mormoni asati afa, akapa mahwendefa kumwanakomana wake Moronai. Munguva yeupenyu hwaMoronai, vanhu vaiita zvinhu zvakashatisisa. Vaida kuuuraya munhu upi zvake aitenda muna Jesu. Moronai aida kubatsira vanhu mune ramangwana, nokudaro akanyora zvimwe zvakawanda pamahwendefa uye akaaviga kuitira kuti aachengetedze.

Chisumo kuBhuku raMormoni; Mashoko aMormoni 1:1–2; Mormoni 8:1–4, 14–16; Moronai 1

Mufananidzo
ngirozi Moronai achizviratidza kuna Joseph Smith

Mushure memakore mazhinji, muna 1823, Moronai akauya sengirozi kuMuporofita Joseph Smith. Moronai akaudza Joseph uko kwaaizonowana mahwendefa. Nerubatsiro rwaMwari, Joseph akadudzira zvaiva zvakanyorwa pamahwendefa.

Chisumo kuBhuku raMormoni; Joseph Smith—Nhoroondo 1

Mufananidzo
hanzvadzi sikana nehanzvadzi komana vachiverenga magwaro matsvene

Mwari vanotuma Mweya Mutsvene kukubatsira kuziva apo chimwe chinhu pachinenge chiri chechokwadi. Apo paunoverenga Bhuku raMormoni, unokwanisa kunamata uye wobvunza Mwari kana riri rechokwadi. Nenzira imwecheteyo, unokwanisa kuziva kuti Jesu Muponesi wako uye kuti Anokuda.

Chisumo kuBhuku raMormoni; Moronai 10:3–5