Scripture Stories
Miti yeMiorivi


“Miti yeMiorivi,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Jakobo 5–6

Miti yeMiorivi

Rudo rwaMwari rwevanhu Vavo.

Mufananidzo
mufananidzo wemiti yemiorivi unoratidzwa apo Jakobo paanenge achitaura

Jakobo aiva muporofita waMwari. Aida kudzidzisa vaNifai pamusoro pekuti Mwari vanoda vanhu vavo zvikuru sei. Jakobo akavaudza pamusoro pemunda wemizambiringa wemiti yemiorivi. Ishe vemunda wemizambiringa nevaranda Vavo vakashanda pamwechete kuchengeta munda wemizambiringa.

Jakobo 5:1–4, 7; 6:4–5

Mufananidzo
Ishe vemunda wemizambiringa vanochera nefoshoro pedyo nemuti wemuorivi

Ishe vaiva nemuti wemuorivi wakakosha uyo waibereka muchero wakanaka. Jakobo akati muti uyu waiva wakafanana nevanhu vaMwari, kana kuti imba yaIsraeri. Muchero wakanga wakafanana nezviito zvavanhu. Ishe vaichengetedza zvikuru muti uyu. Vaiubatsira kuti ukure kuburikidza nekupa zvokudya kumidzi yawo uye nekuguririra mapazi awo. Vaiupa izvo zvawaida kuti urarame.

Jakobo 5:1–3, 5; 6:1, 7

Mufananidzo
muti wemuorivi unotanga kufa

Mushure menguva yakati rebei, muti Wavo wakakosha wakatanga kufa. Paiva nemapazi mashoma chete akanga ane utano Izvi zvakaita kuti Ishe vasuwe. Vaida kuti urambe uchibereka muchero wakanaka.

Jakobo 5:3, 6–8

Mufananidzo
Ishe vemunda wemizambiringa vanocheka uye vanobvisa mapazi ane utano

Kuti vaponese mapazi ane utano, Ishe vakaabvisa uye vakanoabatanidzira kune mimwe miti. Zvino Vakaatsivanisa nemamwe mapazi ane utano aibva kune mimwe miti.

Jakobo 5:7–14

Mufananidzo
Ishe vemunda wemizambiringa vanochengeta miti yemiorivi

Nguva refu yakapfuura. Ishe nevaranda vavo vakauya kumunda wemizambiringa kazhinji. Vakachengeta muti waIshe wakakosha. Vakachengetawo mapazi akakosha aiva akapararira mumiti yaive yakazara mumunda wemizambiringa. Muchero muzhinji waiberekwa vaive wakanaka. Muchero wakanaka wakaita kuti Ishe nemuranda wavo vafare.

Jakobo 5:15–29, 31

Mufananidzo
Ishe vemunda wemizambiringa vanotaura nemuranda pamusoro pemiti yemiorivi

Mushure mechinguva, muti woga woga wakabereka mumwe muchero wakawanda. Asi zvino muchero wose wakanga wakashata. Ishe vakasuwa zvikuru. Vakanga vasingadi kurasikirwa nomunda wemizambiringa kana muchero wawo. Vakanga vashanda nesimba kubatsira miti Yavo. Vakashamisika kuti chii chimwe chaVangakwanisa kuita. Vakataura nemuranda Wavo uye vakasarudza kuramba vachiedza.

Jakobo 5:29–51

Mufananidzo
mushandi anocheka nokubvisa mapazi ane utano

Kuti Vaponese munda Wavo wemizambiringa, Ishe vakati mapazi aVakanga vabvisa pamuti wakakosha ngaaunganidzwe. Vakati ngaabatanidzwe zvakare pamuti wakakosha.

Jakobo 5:51–60

Mufananidzo
mapazi ane utano anobatanidzwa kumuti wemuorivi wakasiyana

Iyi ndiyo yaiva nguva yekupedzisira Ishe yavaizoshanda mumunda Wavo wemizambiringa. Vakadana vamwe varanda kuti vavabatsire. Vanhu vose vakashanda pamwechete kuunganidza nekubatanidza mapazi.

Jakobo 5:61–72

Mufananidzo
mapazi emuti wemuorivi ane utano aine muchero

Vakachengeta miti yose. Vakabvisa mapazi akashata uye vakachengeta akanaka. Mushure menguva yakati rebei, muti waIshe wakakosha wakatanga kubereka muchero wakanaka zvakare. Mimwe miti yakaberekawo muchero wakanga wakanaka sewe muti wakakosha. Ishe vakafara. Miti Yavo yakanga yaponeswa! Yose yakabereka muchero waVaida kuti ibereke.

Jakobo 5:73–75

Mufananidzo
Ishe vemunda wemizambiringa nevaranda vanotarisa kumuti mukuru wemuorivi une utano

Ishe vakatenda varanda. Vakavaudza kuti vakanga varopafadzwa nokuda kwokushanda nesimba uye nokuchengeta mirairo Yavo. Vakagovana muchero navo, uye izvi zvakavafadza zvikuru. Kwenguva refu, Ishe vakanakirwa nemuchero.

Jakobo 5:75–77

Mufananidzo
mufananidzo waJesu Kristu unoratidzwa apo Jakobo paanotaura

Jakobo akapedza nyaya yemiti yemiorivi. Akadzidzisa vanhu kuti Mwari vanovataririra sokutaririra kwakaita Ishe vemunda wemizambiringa miti Yavo. Jakobo akakumbira vanhu vose kuti vatendeuke uye vaswedere pedyo naMwari. Akavadzidzisa kuda nekushandira Mwari nokuti Mwari vanogara vachinanavira kwavari.

Jakobo 6:1–5, 7, 11