Scripture Stories
Aruma Mudiki


“Aruma Mudiki,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

“Aruma Mudiki,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni

Mosaya 25–28; Aruma 36

Aruma Mudiki

Shanduko huru

Mufananidzo
Mosaya naAruma Mukuru

Mambo Mosaya vakapa Aruma simba rekutungamira chechi muZarahemura. Aruma akadzidzisa vanhu kuti vatendeuke uye vave nerutendo muna Ishe.

Mosaya 25:19–24; 26

Mufananidzo
Aruma Mudiki

Aruma aiva nemwanakomana ainzi Aruma. Aruma Mudiki aiva asingatendi izvo zvaidzidziswa nababa vake.

Mosaya 27:8

Mufananidzo
Aruma Mudiki nevanakomana vaMosaya vachitaura kuvanhu

Mosaya akanga anevanakomana avo vaiva vasingatendi muna Ishe. Vaiva shamwari naAruma Mudiki. Vose vaida kuti vanhu vabude muChechi. Aruma nevanakomana vaMosaya vakatungamira vanhu kuita zvinhu zvaipikisana nemirairo yaMwari.

Mosaya 27:9–10; Aruma 36:6

Mufananidzo
Aruma Mudiki nevanakomana vaMosaya vanotya ngirozi

Rimwe zuva, Ishe vakatuma ngirozi kuti ivamise. Ngirozi yakavaudza kuti varege kuedza kuparadza Chechi. Aruma nevanakomana vaMosaya vakatya zvikuru zvokuti vakawira pasi.

Mosaya 27:11–18; Aruma 36:6–9

Mufananidzo
Aruma Mudiki ari mukurwadziwa

Aruma akatadza kutaura kana kufamba kwemazuva matatu neusiku hutatu. Akanzwa zvakaipa chaizvo nokuda kwezvinhu zvose zvakaipa zvaakanga aita. Aishushikanawo nokuda kwokuti akanga atungamirira vanhu vazhinji kubva pana Ishe.

Mosaya 27:19; Aruma 36:10–16

Mufananidzo
Aruma Mudiki akapfugama

Aruma akanzwa kurwadziwa zvikuru nokuda kwezvivi zvake. Zvino akarangarira baba vake vachitaura pamusoro paJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.

Aruma 36:17

Mufananidzo
Aruma Mudiki achifara

Aruma akanamata kuti Jesu amuregerere. Mushure mokunge anamata, haana kuzorangarira marwadzo ake. Akaziva kuti Ishe vaiva vamuregerera. Haana kuzonzwa zvakaipa pamusoro pezvivi zvake zvakare. Pachinzvimbo chokudaro, Aruma akanzwa kufara zvikuru.

Mosaya 27:24, 28–29; Aruma 36:18–22

Mufananidzo
Aruma Mudiki nevanakomana vaMosaya vachibatsira mumwe munhu

Aruma akawana simba rake zvakare. Iye navanakomana vaMosaya vakasarudza kutendeuka uye kuedza kugadzirisa marwadzo ose avakanga vakonzeresa. Vakashandira Ishe kubva panguva iyoyo zvichienda mberi kuburikidza nokubatsira vamwe kutendeuka. Vakafamba nemunyika yose iyo yaitongwa naMosaya uye vakadzidzisa vanhu pamusoro paJesu.

Mosaya 27:20–24, 32–37; Aruma 36:23–26

Mufananidzo
vanakomana vaMosaya vachienda

Aruma nevanakomana vaMosaya vaida kugovera mufaro uyo zvidzidziso zvaJesu zvawakaunza muupenyu hwavo. Vakashanda nesimba rose kushandira Ishe navanhu. Vanakomana vaMosaya vakasarudza kuenda uye kunodzidzisa vaRamani pamusoro paJesu. Aruma akasarudza kusara uye kuaramba achidzidzisa vaNifai.

Mosaya 27:32–37; 28:1–10; 29:42–43