Scripture Stories
Kaputeni Moronai naZerahemna


“Kaputeni Moronai naZerahemna,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 43–44

Kaputeni Moronai naZerahemna

Hondo uye chivimbiso chokugara murunyararo

Mufananidzo
Zerahemna anotungamirira mauto ake

Zerahemna aiva mutungamiri wemauto evaRamani. Aida kutonga pamusoro pevaNifai uye ovaita kuti vashandire vanhu vake. Zerahemna akatungamira mauto ake kunorwisa vaNifai.

Aruma 43:3–8

Mufananidzo
Mauto echiNifai anotarisa mauto echiRamani

VaNifai vaida kudzivirira dzimba dzavo, mhuri dzavo, uye nechitendero chavo. Vaiziva kuti havaizokwanisa kunamata Ishe kana vaRamani vakatonga pamusoro pavo. VaNifai vakasarudza kurwisa vavengi vavo.

Aruma 43:9–10, 14–15

Mufananidzo
Moronai anotarisa mberi nemakore ari kumashure.

Murume ainzi Moronai aiva mutungamiri wemauto evaNifai. Moronai akaita chokwadi chokuti mauto ake aiva akagadzirira kurwa.

Aruma 43:16–17

Mufananidzo
Kaputeni Moronai nemasoja echiNifai vakagadzirira kurwa

Masoja aMoronai akaunza zvombo, uye Moronai akavapa nguwo dzehondo nenhowo dzakasimba kuitira kuvadzivirira.

Aruma 43:18-19

Mufananidzo
VaRamani vanotarisa mauto echiNifai uye vanoratidza kutya

Moronai akatora mauto ake kunorwisa vaRamani. Asi vaRamani pavakaona vaNifai vakanga vaine nguwo dzehondo nenhowo, vakatya kurwa. VaRamani vakanga vachingova nembatya nhete uye vasina nguwo dzehondo dzokuvadzivirira.

Aruma 43:19–21

Mufananidzo
Masoja echiRamani anomhanya musango

VaRamani vakabva. Vakaedza kuverevedzera vachienda kune imwe nyika yevaNifai. Vakafunga kuti Moronai aisazoziva kwavaienda.

Aruma 43:22

Mufananidzo
Vasori vechiNifai vanotarisa masoja echiRamani achimhanya

Asi apo vaRamani pavakangobva, Moronai akatuma vasori kuti vavatevere.

Aruma 43:23

Mufananidzo
Musoja wechiNifai achiteerera kuna Aruma

Zvino Moronai akatumira shoko kumuporofita Aruma. Aida kuti Aruma abvunze Ishe izvo vaRamani zvavaiva vachironga kuita. Ishe vakaudza Aruma kuti vaRamani vaiva vachironga kurwisa nyika isina simba inonzi Mandi. Moronai akateerera kuna Aruma. Akatungamira mauto ake kunorwisa vaRamani.

Aruma 43:23–33

Mufananidzo
Masoja echiRamani neechiNifai vanorwisana

Mauto akarwa. VaRamani aiva vakasimba zvikuru uye vaiva vakashatirwa. VaNifai vakatanga kutya vaRamani uye vaiva vavakuda kutiza. Asi Moronai akavayeuchidza nezvemhuri dzavo uye rutendo rwavo, saka vakaramba vachirwa.

Aruma 43:34–37, 43–48

Mufananidzo
Moronai anotambanudza ruoko achimisa kurwa

VaNifai vakanamatira rubatsiro kuna Ishe. Ishe vakapindura minamato yavo uye vakavapa simba guru. Zvino vaRamani vaiva vavakutya. Vaiva vavharirwa kumativi ese uye vaiva vasisakwanisi kupukunyuka. Moronai paakaona kuti vaRamani vaiva vavakutya, akataurira masoja ake kuti vamire kurwa. Moronai aiva asingadi kuuraya vaRamani.

Aruma 43:49–53; 44:1–2

Mufananidzo
Moronai anotaura kuvaaRamani.

Moronai akaudza Zerahemna kuti vaRamani vaikwanisa kuenda kana vakavimbisa kuti vaisazombafa vakarwa navaNifai zvakare. Zerahemna aiva akashatirwa uye akaedza kuramba achirwa, asi haana kukwanisa kukunda masoja aMoronai. Zvino Zerahemna nemauto ake vakavimbisa kuenda murunyararo, uye Moronai akavasiya vachienda.

Aruma 44:1–20