Scripture Stories
Gideoni, Aruma, naNeho


“Gideoni, Aruma, naNeho,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

“Gideoni, Aruma, naNeho,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni

Aruma 1

Gideoni, Aruma, naNeho

Kudzivirira chokwadi nemashoko aMwari

Mufananidzo
Aruma Mudiki achiteerera kuna baba vake

VaNifai vakasarudza Aruma Mudiki kuti ave mutongi mukuru wavo. Aruma aivawo mupirisita wepamusoro weChechi.

Mosaya 29:41–44

Mufananidzo
Neho achinongedzera kudenga

Murume ainzi Neho akatanga kudzidzisa vanhu zvimwe zvinhu zvaaidaidza kuti shoko raMwari. Asi akadzidzisa vanhu kuti vakanga vasingafaniri kuteerera Mwari kana kutendeuka.

Aruma 1:2–4, 15

Mufananidzo
vanhu vachiunzira Neho mari

Vanhu vazhinji vakafarira uye vakatenda izvo Neho zvaakataura. Aida kuti vanhu vamupe mari uye kuti vamurumbidze. Aifunga kuti aiva nani pane vamwe vanhu. Akagadzira chechi yake, uye vanhu vazhinji vakamuteerera.

Aruma 1:3, 5–6

Mufananidzo
Neho achikakavadzana naGideoni

Rimwe zuva, Neho akasangana nemurume akanga akwegura ainzi Gideoni. Gideoni aiva mudzidzisi muChechi yaMwari uye akanga aita zvinhu zvakanaka zvizhinji. Neho aida kuti vanhu vabude muChechi, saka akakavadzana naGideoni. Gideoni akashandisa mashoko aMwari kuratidza kuti Neho aiva asiri kudzidzisa chokwadi. Neho akashatirwa! Akauraya Gideoni nemunondo wake.

Aruma 1:7–9, 13

Mufananidzo
Neho achikakavadzana naAruma

Vanhu vakaendesa Neho kuna Aruma kuti atongwe. Neho akaedza kudzivirira zvaakanga aita. Akanga asingadi kurangwa.

Aruma 1:10–11

Mufananidzo
Aruma achipa mutongo

Aruma akati zvidzidziso zvaNeho zvaiva zvisina kururama uye zvaikwanisa kukuvadza vanhu. Aruma akatevera mutemo. Nokuda kwokuti Neho akauraya Gideoni, Neho akauraiwa.

Aruma 1:12–15

Mufananidzo
Aruma achifunga pamusoro pavanhu

Asati afa, Neho akaudza vanhu kuti akanga anyepa. Akanga asina kudzidzisa shoko raMwari. Kunyangwe zvazvo Neho akati aiva asina kururama, vanhu vazhinji vakatevera muenzaniso wake. Vakanyepera vanhu kuti vawane rumbidzo nemari. Asi vamwe vanhu vakateerera kuna Aruma. Vakataririra varombo uye vakachengeta mirairo yaMwari.

Aruma 1:15–16, 25–30