Scripture Stories
VaAndi-Nifai-Rihai


“VaAndi-Nifai-Rihai,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 23–27

VaAndi-Nifai-Rihai

Vanhu avo vakasarudza kuda vavengi vavo

Mufananidzo
Amoni anodzidzisa vanhu pasi pomuti

VaRamani vazhinji vakadzidza pamusoro paMwari kubva kuna Amoni namadzikoma ake. VaRamani ava vakanga vaine rutendo rwakasimba muna Ishe uye vaitevera mirairo yaMwari. Vaida zita idzva, saka vakazvidaidza kuti vaAndi-Nifai-Rihai pachinzvimbo chokunzi vaRamani.

Aruma 23:3–7, 16–17

Mufananidzo
Mhuri dzichiteerera Amoni achidzidzisa

VaAndi-Nifai-Rihai vakashanduka nokuda kwerutendo rwavo muna Mwari. Vakatendeuka kubva muzvinhu zvakaipa zvavaisimboita. Vaiziva kuti Mwari vaivada uye kuti vakanga vavaregerera.

Aruma 24:8–14

Mufananidzo
VaAndi-Nifai-Rihai vanokanda zvombo mugomba rakavhurika

VaRamani vaiva vakashatirwa uye vaigadzirira kurwisa vaAndi-Nifai-Rihai. Panzvimbo pekurwa, VaAndi-Nifai-Rihai vakaita chivimbiso kuna Mwari. Vakati havaizombofi vakakuvadza vanhu zvakare. Kuratidza izvi, vakaviga zvombo zvavo. Vakasarudza kuda vavengi vavo pane kuvakuvadza kana kuvauraya.

Aruma 24:1–19; 26:31–34

Mufananidzo
MuRamani akashatirwa anobata chombo

VaRamani avo vaiva vasingatendi muna Mwari vakarwisa vaAndi-Nifai-Rihai.

Aruma 24:20

Mufananidzo
VaAndi-Nifai-Rihai vaviri vanopfugama mumunamato

VaAndi-Nifai-Rihai vaiva nerutendo kuti kana vakauraiwa, vaizogara naMwari. Vakachengeta chivimbiso chavo kuna Mwari uye havana kurwisa vaRamani.

Aruma 24:16, 21

Mufananidzo
VaRamani vanorega kurwisa

Panzvimbo pekurwa, VaAndi-Nifai-Rihai vakanamata. VaRamani pavakaona izvi, vazhinji vavo vakabva varega kuvarwisa. Vakanzwa kushushikana pamusoro pekuuraya vanhu. VaRamani ivavo vakasarudzawo kuti havaizombofi vakakuvadza vanhu zvakare. Vakabatana nevaAndi-Nifai-Rihai.

Aruma 24:21–27; 25:13–16

Mufananidzo
Amoni nevaAndi-Nifai-Rihai vari parwendo

Nokufamba kwenguva, vanhu vakawanda vakarwisa. Amoni nemadzikoma ake vakasuwa kuti vaAndi-Nifai-Rihai vaitambura. Vakakumbira mambo kuti atore vanhu vake vaende kunogara navaNifai. Mambo akati vaizoenda kana Ishe vaida kuti vaende. Amoni akanamata. Ishe vakati ngavaende uye kuti Vaizovachengetedza.

Aruma 27:2–15

Mufananidzo
VaNifai vanochingamidza vanhu veAndi-Nifai-Rihai

VaNifai vakapa vaAndi-Nifai-Rihai nzvimbo yokugara uye vakavadzivirira. Uyewo, vaAndi-Nifai-Rihai vakapa zvokudya kuvaNifai. VaAndi-Nifai-Rihai vakanga vaine rutendo rukuru uye vaida Mwari. Vaiva vakavimbika kumunhu wose uye vakachengeta chivimbiso chavo chokusazombofa vakarwa. Vaiva vakatendeka kwehupenyu hwavo hwose.

Aruma 27:20–30