Scripture Stories
Madzimai Murenje


“Madzimai Murenje,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

1 Nifai 16–17

Madzimai Murenje

Kufamba naIshe

Mufananidzo
madzimai achishanda

Vanasikana vaIshmaeri vakafamba nemhuri dzavo murenje. Rwendo rwacho rwaiva rwakaoma. Kwapera chinguva, vakachata nevanakomana vaRihai naSaria.

1 Nifai 16:7; 17:1

Mufananidzo
vanasikana vakasuwa pedyo neguva raIshmaeri

Rimwe zuva, Ishmaeri akafa. Vanasikana vake vakasuwa zvikuru. Vaishuva baba vavo. Vanasikana vakashushikana kuti ivo nemhuri dzavo vaizofawo murenje. Vakatsamwira Rihai naNifai, uye vaida kudzokera kumba kuJerusarema.

1 Nifai 16:34–36

Mufananidzo
madzikoma navanun’una sikana vachinyaradzana

Inzwi raIshe rakataura kuvana vaIshmaeri nemhuri dzavo. Vakatendeuka, uye Ishe vakavaropafadza.

1 Nifai 16:39

Mufananidzo
Saria aine vana vadiki

Madzimai akaita vana murenje. Saria akaitawo vamwe vanakomana vaviri, Jakobo naJosefa.

1 Nifai 17:1; 18:7

Mufananidzo
mhuri iri parwendo

Ishe vakabatsira madzimai parwendo rwavo. Vakavakomborera nemukaka wakawanda wevacheche vavo. Vakabatsira madzimai kuti asimbe apo pavaifamba.

1 Nifai 17:1–3

Mufananidzo
vanaamai nevana mutende

Ishe vakati Vaitungamirira vanasikana nemhuri dzavo kunyika yechipikirwa. Ishe vakavimbisa mhuri idzi kuti dzaizowana zvose zvadzaidza apo padzaifamba. Vakaita kuti zvokudya zvavaivhima zvive zvakanaka kudya, uye Vakavatungamirira.

1 Nifai 17:3, 5, 12–14

Mufananidzo
mhuri dziri pamahombekombe egungwa

Mushure memakore masere dziri murenje, mhuri dzakasvika pagungwa. Madzimai akafara nemhuri dzavo. Nyika yaiva pedyo negungwa yaiva yakanaka. Vakaidaidza kuti Nyika yeMaguta nokuti yaiva izere nemichero uye nehuchi zvokudya. Ishe vakanga vavagadzirira zvose izvi.

1 Nifai 17:4–6