Scripture Stories
Mosaya naZenifi


“Mosaya naZenifi,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Omni 1; Mosaya 9

Mosaya naZenifi

Kudzivirirwa naIshe

Mufananidzo
Mosaya achitungamirira vanhu

VaNifai navaRamani vakaita hondo zhinji. Rimwe zuva, Ishe vakaudza muNifai ainzi Mosaya kuti abude munyika yaNifai neuyo wose aizotevera Ishe.

Omni 1:10, 12

Mufananidzo
Mosaya akatarisa kuguta

VaNifai vazhinji vakateerera Ishe uye vakabuda naMosaya. Ishe vakavatugamirira kunyika iyo yakanga iine vanhu vaigara mairi. Vaidaidzwa kunzi vanhu vaZarahemura

Omni 1:13–14

Mufananidzo
Mosaya achitaura kuvanhu

Vanhu vaZarahemura vakabvawo kuJerusarema kare kare. Vakafara kuti Ishe vakatuma vaNifai nemahwendefa endarira. Vanhu vaMosaya vakabatana nevanhu vaZarahemura. Vanhu vose vakasarudza Mosaya samambo wavo. Akavadzidzisa pamusoro paIshe.

Omni 1:14–19

Mufananidzo
Zenifi achitungamirira vanhu

VaNifai vakanga vagara muZarahemura kwenguva yakati rebei apo boka guru parakadzokera kunyika yaNifai. Vaitungamirirwa nemuNifai ainzi Zenifi.

Omni 1:27–29; Mosaya 9:3–5

Mufananidzo
Mambo wavaRamani achitaura

VaRamani zvino vakanga vava kugara munyika yaNifai, saka Zenifi akakumbira mambo wavo kana vanhu vake vaikwanisa kugara ikokowo. Mambo akabvuma.

Mosaya 9:6–10

Mufananidzo
VaRamani vachirwisa

Mambo akanyengedza Zenifi nevanhu vake. Akavatendera kuti vagare munyika yavaNifai kuitira kuti agozotora zvimwe zvezvokudya zvavo nemhuka dzavo pashure. Vanhu vaZenifi vakagara ikoko murunyararo kwemakore. Vakarima zvokudya zvakawanda uye vakanga vaine mhuka zhinji. Zvino vaRamani vakarwisa uye vakaedza kutora zvokudya zvavo nemhuka dzavo.

Mosaya 9:10–14

Mufananidzo
Vanhu vaZenifi vachikunda pakurwa

Zenifi akadzidzisa vanhu vake kuvimba naIshe. Apo vaRamani pavakauya kuzovarwisa, Zenifi nevanhu vake vakanamata kuna Ishe. Ishe vakavapa simba uye vakabatsira kuvadzivirira. Vakakwanisa kudzingira vaRamani kure. Ishe vakaropafadza Zenifi nevanhu vake nokuda kwerutendo rwavo.

Mosaya 9:15–18