Scripture Stories
Mureza weRusununguko


“Mureza weRusununguko,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 46–50

Mureza weRusununguko

Kudzivirira kodzero yekutenda muna Mwari

Mufananidzo
Amarikia anotambanudza maoko ake pamberi pavanhu vake apo pavanopururudza.

Amarikia aiva hofori yechiNifai. Aida kuva mambo. Akavimbisa kupa simba kuvanhu vaimubatsira. Vanhu vakawanda vaimufarira uye vakaedza kuita kuti vamwe vamutevere. Amarikia akatungamira vanhu kuita zvakaipa. Iye nevateveri vake vaida kuuraya vanhu vaidzidzisa pamusoro paJesu Kristu.

Aruma 45:23–24; 46:1–10

Mufananidzo
Kaputeni Moronai vanofamba vachibva pana Amarikia nevanhu vake

Kaputeni Moronai, mutungamiri wemauto echiNifai, aitenda muna Jesu. Aiziva kuti vaNifai vaiva vakakomborerwa nokuda kwokuti vaichengeta mirairo yaMwari. Akashatirwa zvikuru kuti Amarikia aitungamirira vanhu kubva kuna Mwari, achiedza kuva mambo, uye achiedza kukuvadza. vanhu.

Aruma 46:9–11, 13–15, 18

Mufananidzo
Kaputeni Moronai anosimudza mureza werusununguko

Moronai anobvarura jasi rake. Akanyora riri kuti vanhu vanofanira kurangarira Mwari wavo, rusununguko rwavo, uye mhuri dzavo. Zvino akarisungirira pabango uye akaridaidza kuti mureza werusununguko. Moronai akanamatira maropafadzo aMwari. Akaratidza vaNifai mureza werusununguko uye akavakumbira kuti vabatane naye mukurwisa Amarikia.

Aruma 46:12–20, 23–24, 28

Mufananidzo
Kaputeni Moronai anomira pamberi pemauto ake nemhuri dzake

Vanhu vakapfeka nguwo dzavo dzehondo uye vakamhanyira kuna Moronai. Vaiva vakagadzirira kurwira Mwari uye dzimba dzavo, mhuri dzavo, uye nerusununguko rwavo. Vakaita chibvumirano, kana chivimbiso chakakosha, naMwari kuti vaizoVatevera nguva dzose. Zvino vakagadzirira kurwisa Amarikia.

Aruma 46:21–22, 28

Mufananidzo
Amarikia nemamwe emasoja ake vanotiza

Mauto aMoronai aiva makuru. Amarikia akatya. Akaedza kutiza nevateveri vake. Asi vazhinji vavo vainetsekana kuti Amarikia akanga achirwira zvikonzero zvisiri izvo. Vakawanda vakanga vasisadi kumutevera. Mauto aMoronai akamisa avo vakanga vachiri kutevera Amarikia, asi Amarikia nevamwe vashoma vakatiza.

Aruma 46:29–33

Mufananidzo
Amarikia anotaura nevaRamani

Amarikia akaenda kunyika yevaRamani. Aida kuti vaRamani vamubatsire kurwisa vaNifai. Zvino aizova nemauto akakura uye akasimba. Akaita kuti vaRamani vakawanda vashatirirwe vaNifai. Mambo wevaRamani akaudza vaRamani vose kuti vagadzirire kurwisa maNifai.

Aruma 47:1

Mufananidzo
Amarikia anopfugama pamberi pamambo wechiRamani kuti apuwe korona

Mambo aifarira Amarikia. Akaita kuti Amarikia ave mumwe wevatungamiri vemauto echiRamani. Asi Amarikia aida rimwe simba rakawanda.

Aruma 47:1–3

Mufananidzo
Amarikia anopfeka korona

Amarikia akaita hurongwa hwekutonga pamusoro pevaRamani. Akatora mauto ose echiRamani. Zvino akaita kuti varanda vake vauraye mambo uye vanyepe pamusoro pekoti ndiani akazviita.

Aruma 47:4–26

Mufananidzo
Amarikia anofunya chibhakera pamberi pemauto echiRamani apo vanopururudza

Amarikia anonyepedzera kushatirwa kuti mambo akauraiwa. VaRamani vaifarira Amarikia. Akaroora mambokadzi uye akava mambo mutsva. Aida kutonga pamusoro pevaNifaiwo. Akataura zvakaipa pamusoro pavaNifai kuitira kuti vaRamani agovashatirirwa. Nechinguva chidiki, VaRamani vakawanda vaida kuvarwisa.

Aruma 47:25–35; 48:1–4

Mufananidzo
Kaputeni Moronai nemasoja ake vanovaka masvingo

Apo Amarikia paakawana simba kuburikidza nokunyepa, Moronai akagadzirira vaNifai kuvimba naMwari. Akaisa mureza werusununguko pashongwe yoga yoga munyika kuitira kuvayeuchidza nezve vimbiso yavo. Mauto aMoronai akagadzirirawo maguta evaNifai hondo. Vakavaka masvingo uye vakachera migero kuitira kuti maguta acho ave akachengeteka uye akasimba.

Aruma 46:36; 48:7–18

Mufananidzo
Mauto aAmarikia anopfura miseve kuguta revaNifai

Apo vaRamani pavakauya kuzorwa, havana kukwanisa kupinda mumaguta evaNifai. Vakamiswa nemasvingo uye migero iyo mauto aMoronai yaakanga avaka. VaRamani vakawanda vakafa apo pavakarwisa vaNifai. Amarikia akashatirwa zvikuru. Akavimbisa kuuraya Moronai.

Aruma 49:1–27

Mufananidzo
Kaputeni Moronai anotaura kuvaNifai mushure mehondo

VaNifai vakatenda Mwari nokuvabatsira uye nokuvadzivirira. Vakaita kuti maguta avo ave akanyanya kuchengetedzeka uye vakavaka mamwe maguta. Hondo nevaRamani yakaenderera mberi, asi Mwari vakabatsira Moronai nemauto ake kuchengetedza vaNifai. VaNifai vakafara. Vakateerera Mwari uye vakaramba vakatendeka kwaVari.

Aruma 49:28–30; 50:1–24