Scripture Stories
Aruma naAmureki Mutirongo


“Aruma naAmureki Mutirongo,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 14

Aruma naAmureki Mutirongo

Rutendo muna Ishe panguva dzakaoma

Mufananidzo
Aruma naAmureki vaine varindi

Aruma naAmureki vakadzidzisa vhangeri muguta reAmoniha. Vamwe vanhu vakatenda muna Ishe uye vakatendeuka. Asi vamwe vanhu vakawanda vakashatirirwa Aruma naAmureki uye vaida kuvaparadza. Vanhu vakashatirwa vakasunga Aruma naAmureki uye vakaenda nevarume vaviri ava kumutongi mukuru wemuguta.

Aruma 8:29–30; 14:1–4

Mufananidzo
Aruma naAmureki vakasungwa maoko avo

Mutongi mukuru aiva asingatendi kuti vanhu vake vaifanira kutendeuka. Vanhu vakatsamwira Aruma naAmureki. Vakaita kuti varume vakatenda izvo Aruma naAmureki zvavaidzidzisa vabude muguta. Zvino vakakanda madzimai nevana vaitenda muna Ishe mumoto.

Aruma 14:3, 5–9, 14, 16

Mufananidzo
Amureki naAruma vachiratidzika kusuwa zvikuru

Amureki akasuwa zvikuru apo paakaona vanhu vachirwadziwa. Akakumbira Aruma kuti ashandise simba raMwari kuti avaponese. Asi aruma akati Mweya waMwari waisazomutendera. Akaudza Amureki kuti madzimai nevana ava vaizova naIshe. Ishe vaizotonga vanhu vakavauraya.

Aruma 14:9–11

Mufananidzo
mutongi mukuru achiseka

Mutongi mukuru akanyomba Aruma naAmureki nokuda kwokuti Ishe havana kudzivirira madzimai nevana. Akatumira Aruma naAmureki kutirongo.

Aruma 14:14-17

Mufananidzo
Aruma naAmureki vari mutirongo

Mushure memazuva matatu, mutongi mukuru akaenda kutirongo nevapirisita vake enhema. Vakabvunza mibvunzo yakawanda. Asi Aruma naAmureki vakaramba kuvapindura.

Aruma 14:18–19

Mufananidzo
Mutongi mukuru achiseka Aruma naAmureki vari mutirongo

Mutongi mukuru nevapirisita vake vakaita zvinhu zvakashata kuna Aruma naAmureki. Uyewo havana kupa Aruma naAmureki zvokudya kana mvura. Uye vakanyomba izvo Aruma naAmureki zvavaidzidzisa.

Aruma 14:19–22

Mufananidzo
Aruma naAmureki vakasungwa vaine mutongi mukuru pedyo navo

Aruma naAmureki vakatambudzika kwemazuva mazhinji. Mutongi mukuru akauya zvakare nevapirisita vake. Akaudza Aruma naAmureki kuti kana vaiva nesimba raMwari, vaifanira kudambura tambo dzakavasunga. Zvino iye aizotenda zvavaitaura.

Aruma 14:23–24

Mufananidzo
Amureki naAruma vanosimuka

Aruma naAmureki vakanzwa simba raMwari. Vakasimuka. Aruma akanga aine rutendo muna Ishe uye akakumbira simba rekudambura tambo.

Aruma 14:25-26

Mufananidzo
Tambo dzichidambuka

Aruma naAmureki vakadambura tambo. Mutongi mukuru nevapirisita vake vakatya. Vakaedza kutiza, asi zvino pasi rakatanga kudengendeka.

Aruma 14:26–27

Mufananidzo
Aruma naAmureki pamusoro petirongo rakaparara

Madziro etirongo akawira pamusoro pemutongi mukuru nevapirisita vake, uye vakafa. Asi Ishe vakadzivirira Aruma naAmureki. Vanhu pavakanzwa ruzha, vakamhanya kuzoona zvakanga zvichiitika. Aruma naAmureki chete ndivo vakafamba kubuda mutirongo. Vanhu vakatyiswa naAruma naAmureki zvokuti vakatiza.

Aruma 14:27–29