Scripture Stories
Mambo wavaRamani Vose


“Mambo wavaRamani Vose,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

“Mambo wavaRamani Vose,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni

Aruma 20; 22–23

Mambo wavaRamani Vose

Kuda kudzidza pamusoro paIshe

Mufananidzo
mambo vakashatirirwa Ramoni naAmoni

VaRamani vaiva namambo uyo aitonga pamusoro pamamwe madzimambo avo ose. Aiva baba vaMambo Ramoni. Vaifunga kuti vaNifai vaiva vavengi. Rimwe zuva, vakaona Ramani aina Amoni. Mambo akabvunza Ramoni kuti aiitei nemuNifai. Ramoni akaudza mambo kuti vaienda kunosunungura madzikoma aAmoni kubva mutirongo.

Mosaya 10:11–17; Aruma 20:1–12

Mufananidzo
mambo achitaura

Mambo akashatirwa. Akafunga kuti vaNifai vainyepa kuti vaedze kubira vaRamani. Akaudza Ramoni kuti auraye Amoni uye kuti aende naye.

Aruma 20:13–14

Mufananidzo
Ramoni achitaura

Ramoni akaramba kuuraya Amoni. Akaudza mambo kuti Amoni namadzikoma ake vaiva vaporofita vaMwari. Akati aizobatsira madzikoma aAmoni.

Aruma 20:15

Mufananidzo
mambo naAmoni vachirwa

Mambo akabudisa munondo wake kuti akuvadze Ramani, asi Amoni akamumisa. Mambo akarwisa Amoni pachinzvimbo chaRamani. Amoni akazvidzivirira. Akakuvadza ruoko rwamambo zvokuti mambo akatadza kurwa. Mambo akatya nokuda kwemasimbiro aiva akaita Amoni. Akavimbisa kupa Amoni chikamu chapakati chehumambo hwake kana aizomutendera kuti ararame.

Aruma 20:16–23

Mufananidzo
Amoni achitaura namambo

Amoni aiva asingadi humambo. Pachinzvimbo chahwo, akakumbira mambo kuti asunungure madzikoma ake kubva mutirongo. Akakumbirawo mambo kuti arege kushatirirwa Ramoni. Amoni akati mambo aifanira kurega Ramoni achitonga nenzira yaaifunga kuti yakanakisisa.

Aruma 20:24

Mufananidzo
mambo achifunga

Mambo akashamiswa pamusoro pamadiro ayo Amoni aaiita Ramoni. Akabvuma kuita zvose izvo Amoni zvaakakumbira.

Aruma 20:25–27

Mufananidzo
mambo achifara uye achitaura kuna Ramoni naAmoni

Mambo aida kudzidza zvimwe pamusoro peizvo Amoni naRamoni zvavakanga vamuudza pamusoro paMwari. Akakumbira kuti Amoni namadzikoma ake vauye uye vamudzidzise.

Aruma 20:27

Mufananidzo
Amoni naRamoni vachibatsira madzikoma aAmoni

Amoni naRamoni vakaenda kunyika yeMidoni. Madzikoma aAmoni aiva mutirongo ikoko. Vaiva vakasungwa netambo uye vakanga vasina kupuwa zvokudya kana mvura. Ramoni akapwisa mutongi weMidoni kuti arege madzikoma aAmoni asunungurwe.

Aruma 20:28–30

Mufananidzo
Aroni akapfugama pamberi pamambo

Vachingosunungurwa, madzikoma aAmoni akaenda kuna baba vaRamoni. Vakakotama kuna mambo uye vakakumbira kuti vave varanda vake. Mambo akati kwete. Pachinzvimbo chokudaro, aida kuti vamudzidzise pamusoro pevhangeri. Mumwe wamadzikoma ainzi Aroni. Akaverenga magwaro matsvene kuna mambo uye akamudzidzisa pamusoro paMwari naJesu Kritsu.

Aruma 22:1–14

Mufananidzo
Aroni namambo vachinamata

Mambo akatenda Aroni. Akati aizosiya humambo hwake hwose kuti azive Mwari. Akabvunza Aroni izvo zvaaifanira kuita. Aroni akaudza mambo kuti atendendeuke uye onamata kuna Mwari nerutendo. Mambo akatendeuka kubva kuzvivi zvake zvose uye akanamata.

Aruma 22:15–18

Mufananidzo
mambo achiwira pasi

Mambo akawira pasi. Varanda vamambo vakamhanya kunoudza mambokadzi.

Aruma 22:18–19

Mufananidzo
mambokadzi ashatirwa

Mambokadzi akauya uye akaona mambo aripasi. Akafunga kuti Aroni namadzikoma ake vakanga vauraya mambo. Mambokadzi akashatirwa.

Aruma 22:19

Mufananidzo
mambokadzi achinongedzera Aroni

Mambokadzi akaudza varanda kuti vauraye Aroni namadzikoma ake. Asi varanda vakatya. Vakati Aroni namadzikoma ake vaiva vakasimba zvikurusa. Zvino mambokadzi akatya. Akatuma varanda kuti vaudze vanhu vaiva muguta izvo zvakanga zvaitika. Aitarisira kuti vanhu vaizouraya Aroni namadzikoma ake.

Aruma 22:19–21

Mufananidzo
Aroni achibatsira mambo kusimuka

Aroni akaziva kuti vanhu vaizoshatirwa. Aizivawo kuti mambo aiva asina kufa. Akabatsira mambo kuti amire. Mambo akawana simba rake zvakare uye akamira. Mambokadzi nevaranda vake vakashamiswa.

Aruma 22:22–23

Mufananidzo
mambo achidzidzisa mambokadzi navaranda

Mambo akadzidzisa mambokadzi uye navaranda pamusoro paJesu. Vose vakatenda muna Jesu. Mambo aida kuti vanhu vake vose vadzidze pamusoro paJesu. Akaisa mutemo wekuti Aroni namadzikoma ake vaikwanisa kudzidzisa vhangeri munzvimbo ipi zvayo yemuhumambo hwake. Akadzidzisa vanhu uye akadaidza vapirisita navadzidzisi munyika.

Aruma 22:23–27; 23:1–4