Scripture Stories
Mauto eChidiki


“Mauto eChidiki,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 53; 56–57

Mauto eChidiki

Vanakomana vaivimba naMwari

Mufananidzo
masoja echidiki akabata nhowo, mapfumo nemapakatwa,

VaNifai vaiva pahondo navaRamani uye vaida rubatsiro. VaAndi-Nifai-Rihai vaida kubatsira. Asi vaiva vaita chivimbiso kuna Mwari kuti vaisazorwa. Zviuru zviviri zvevanakomana vavo vechidiki zvakanga zvisina kuita chivimbiso ichi. Panokudaro, vanakomana ava vakavimbisa kurwa kuti vadzivirire mhuri dzavo. Vanakomana ava vaidaidzwa kuti masoja echidiki.

Aruma 53:8, 13–18, 22; 56:1–8

Mufananidzo
Hiramani anotungamirira masoja echidiki kuguta

Masoja echidiki akasarudza muporofita Hiramani kuti avatungamirire. Vaiva vari kaboka kadiki mukuenzaniswa nemauto makuru evaRamani. Asi Hiramani aiziva kuti masoja echidiki aya aiva akavimbika, akashinga, uye akatendeka. NaHiramani achivatungamirira, vakaenda kunobatsira vaNifai.

Alma 53:19–22; 56:9–10, 17, 19

Mufananidzo
masoja echidiki anovaka nhare nemasoja echiNifai, uye vabereki vanounza zvokudya

Masoja echiNifai aiva aneta. Asi apo pakauya masoja echidiki, vaNifai vakafara. Mauto echidiki akavapa tariro nesimba. Pamwechete, vakagadzirira kurwisa vaRamani. Vabereki vamasoja echidiki vakabatsirawo nokuunza zvokudya uye zvimwe zvishandiso kwavari.

Aruma 56:16–17, 19–20, 22, 27

Mufananidzo
Vatungamiri vechiNifai namasoja echidiki vanosangana mutende

VaRamani vakanga vatapa maguta mazhinji uye vakachengeta mauto avo maari. Vatungamiri vechiNifai vaida kuti vaRamani vabude mune rimwe remaguta. Vakaita chirongwa uye vakakumbira rubatsiro kubva kuvmasoja echidiki.

Aruma 56:18–30

Mufananidzo
Mauto echiRamani vanomhanya nezvombo vakananga kumasoja echidiki

Masoja echidiki akanyepedzera kutakura zvokudya kuvaNifai vaigara muguta raiva rpedyo. Apo vaRamani pavakaona kaboka kadiki aka, akasiya guta rawo uye vakadzingirira masoja echidiki iwayo. VaRamani vakafunga kuti zvaizova nyore kuvabata.

Aruma 56:30–36

Mufananidzo
masoja echidiki vanofora vari mumutsetse wakareba, mauto echiRamani anovatevera uye mauto echiNifai anotevera mauto echiRamani.

Masoja echidiki anotiza kubva kuvaRamani. Zvino mauto echiNifai akatanga kudzingirira vaRamani. VaRamani vaida kubata masoja echidiki vaNifai vasati vasvika kwavari. VaNifai vakaona kuti masoja echidiki akange ava mudambudziko uye vakafora nokukurumidza kuti vavabatsire.

Aruma 56:36–41

Mufananidzo
musoja wechidiki anotsvaga mamwe mauto uye ari kunetsekana

Mushure mechinguva masoja echidiki akanga asisakwanisi kuona vaRamani. Vakatanga kushama kana vaNifai vakanga vasvika kuvaRamani uye kuti vaiva vavakurwisana.

Aruma 56:42–43

Mufananidzo
Hiramani anosimudza bakatwa rake

Hiramani akanetsekana. Akafunga kuti vaRamani angongova aiedza kuvateya. Akabvunza masoja ake echidiki kana vangaenda kunorwa navaRamani.

Aruma 56:43–44

Mufananidzo
masoja echidiki anosimudza mapakatwa awo

Masoja echidiki arangarira izvo zvavakanga vadzidziswa navana amai vavo. Vana amai vavo vakanga vavadzidzisa kuva neruvimbo muna Mwari uye kuti vasashaya chokwadi, nokuda kwokuti Vaizovachengetedza. Vanakomana ava vaivimba naMwari uye vaida kuchengeta chivimbiso chavo chokudzivirira mhuri dzavo. Vakaudza Hiramani kuti vaiva vagadzirira kuenda kunorwa.

Aruma 56:46–48

Mufananidzo
Hiramani anofora namasoja echidiki.

Hiramani akashamiswa neushingi hwavo. Akavatungamira kudzokera kunorwa navaRamani.

Aruma 56:45, 49

Mufananidzo
Hiramani namasoja echidiki vanomira mujinga rechikomo vaine zvombo

Masoja echidiki akaona vaRamani navaNifai vachirwa. VaNifai vaiva vaneta. Vakanga vava kuda kukundwa apo masoja echidiki paakauya.

Aruma 56:49–52

Mufananidzo
Masoja echiRamani anoratidza kutya

Masoja echidiki akarwa nesimba raMwari. VaRamani vakavatya uye vakarega kurwa. Masoja echidiki akanga avabatsira kukunda muhondo!

Aruma 56:52–54, 56

Mufananidzo
Hiramani anotambanudza ruoko rwake kuvarwi vechidiki

Muhondo iyi, vaNifai navaRamani vakawanda vakafa. Hiramani ainetsekana kuti vamwe vamasoja ake echidiki vangangova vafawo. Asi mushure mehondo, Hiramani akaverenga munhu wose. Akafara zvikuru kuona kuti hapana kana mumwechete wamasoja echidiki akanga auraiwa. Mwari vakanga vavadzivirira.

Aruma 56:55–56

Mufananidzo
masoja echidiki vakuvara uye vose vanomira pamwechete

Vamwe vanakomana vakawanda vanobatana namasoja echidiki. Vakaramba vachibatsira vaNifai kurwa. Mudzimwe hondo idzi, masoja echidiki ose akakuvara, asi hapana kana mumwechete wavo akafa. Vakarangarira zvavakadzidziswa navana amai vavo. Vaivimba naMwari, uye Vakavadzivirira.

Aruma 57:6, 19–27; 58:39–40